bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 6
Mark 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yokwake; vadzidzi vake vakamutevera.
2
Zvino musi wesabata wakati wasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, vazhinji vachimunzwa, vakashamiswa vachiti: Uyu wakawanepiko izvozvi? Njere dzakapiwa munhu uyu ndedzeiko? kuti namabasa esimba akadai anoitwa namavoko ake?
3
Ko uyu haazi muvezi here, mwanakomana waMaria, nomukoma waJakobho naJose naJudha naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye.
4
Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, asi munyika yake, napakati pehama dzake, nomumba make.
5
Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kokuti wakaisa mavoko ake pamusoro pavairwara vashoma, akaporesa.
6
Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo akapota nemisha achidzidzisa.
7
Zvino wakadana vanegumi navaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina.
8
Akavaraira kuti varege kutongotora chinhu cherwendo asi mudonzvo chete; \add varege kutora\add* kana chingwa nehombodo nemari muchikwama.
9
Asi vafuke manyatera, varege kupfeka nguvo mbiri.
10
Zvino akati kwavari: Pose pamunopinda mumba, mugaremo, kusvikira muchibvapo.
11
Asi ani nani usingakugamuchiriyi nokukunzwai, kana muchibvapo, muzuze guruva pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvicharerukira Sodhoma neGomora nezuva rokutonga kupfuvura guta iro.
12
Vakabuda, vakaparidza kuti vatendevuke.
13
Zvino vakabudisa mweya yakaipa mizhinji, vakazodza mafuta vazhinji vairwara, vachiporesa.
14
Zvino mambo Herodhe waka\add zvi\add*nzwa, nokuti zita rake rakanga rakurumbira kose, akati: Johwani Mubhabhatidzi wakamuka kuvakafa, naizvozvo masimba awa anobata maari.
15
Vamwe vakati: NdiEria; vamwe vakati: Muporofita kana \add kuti\add* \add unoita\add* somumwe wavaporofita.
16
Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro wamuka kuvakafa.
17
Nokuti Herodhe pachake wakanga atuma \add vanhu\add* akabata Johwani, akamusunga mutirongo nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake; nokuti \add Herodhe\add* wakanga amuwana.
18
Nokuti Johwani wakanga ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nomukadzi womunun'una wako.
19
Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuvuraya, akasagona;
20
nokuti Herodhe wakanga achitya Johwani, achiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, akamuchengeta zvakanaka. Zvino paakamunzwa wakaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nomufaro.
21
Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rokuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake navakuru vezvuru zvamazana navabati vakuru veGariri,
22
zvino mwanasikana waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe navakanga vagere \add pakudya\add* naye; mambo akati kumwanasikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda, ndichakupa.
23
Zvino akamupikira \add achiti\add*: Chingava chii chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu youshe hwangu.
24
Akabuda, akati kunamai vake: Ndichakumbireiko? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
25
Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani mubhabhatidzi.
26
Ipapo mambo akashungurudzika zvikuru, \add asi \add*nokuda kokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya, wakanga asingagoni kumurambira.
27
Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti musoro wake uvuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo,
28
akavuya nomusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake.
29
Vadzidzi vake vakati vachi\add zvi\add*nzwa, vakavuya vakatora chitunha chake, vakachiviga muhwiro.
30
Zvino vapositora vakavunganira kunaJesu, vakamuvudza zvose zvavakanga vaita, nezvavakanga vadzidzisa.
31
Akati kwavari: Vuyai imwi pachenyu muri moga kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma: Nokuti kwakanga kunavazhinji vaivuya nokuenda, vakasava nemukana kunyange wokudya.
32
Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje pachivande.
33
Vanhu vakavavona vachienda, vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako netsoka vose, vachibva pamaguta ose, vakavatangira, kusvika pamwechete kwaari.
34
Zvino Jesu wakati achibuda, akavona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asinomufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
35
Zvino nguva yakati yaenda, vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati: Pano inzvimbo yerenje, zvino nguva yaenda;
36
vaendesei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemumisha vandozvitengera zvingwa. Nokuti havana chavangadya.
37
Akapindura akati kwavari: Imwi muvapei kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here kundotenga zvingwa zvamadhenari* anamazana maviri, tivape vadye?
38
Akati kwavari: Munezvingwa zvinganiko? Endai munovona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri.
39
Zvino akavaraira kuti vavagarise vose pasi mumapoka-mapoka pavuswa vunyoro.
40
Zvino vakagara pasi vakaita mapoka akarongwa amazana naamakumi mashanu.
41
Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazviise pamberi pavo; nehove mbiri akadzigovera pakati pavo vose.
42
Zvino vakadya vose, vakaguta.
43
Vakanunga matengu anegumi namaviri azere nezvimedu, nezvehovevo.
44
Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu.
45
Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kuti vapinde muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achiendisa vanhu vazhinji.
46
Akati awonekana navo, akabva akaenda mugomo kundonyengetera.
47
Zvino ava madekwana chikepe chakanga chiri pakati pegungwa, iye ari oga panyika.
48
Zvino wakavavona vachitambudzika nokukwasva, nokuti mhepo yakanga ichipesana navo, akavuya kwavari nenguva inenge seyechina yovusiku, achifamba pamusoro pegungwa; achida kuvapfuvura.
49
Zvino vakati vachimuvona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, vakaridza mhere.
50
Nokuti vose vakamuvona, vakatambudzika; pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya.
51
Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakashamiswa kwazvo-kwazvo mukati mavo vakashamiswa.
52
Nokuti vakanga vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo wakanga uri mukukutu.
53
Vakati vayambukira mhiri, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamhenderekedzo.
54
Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva,
55
vakamhanyira munharaunda yose yakapoteredza, vakatanga kutakura vairwara panhovo, \add vakavaisa\add* kwavainzwa kuti ndiko kwaari.
56
Zvino pose paakapinda pamisha kana pamaguta, kana paruwa, vakaradzika vairwara panzira dzomumisha, vakamukumbira zvikuru kuti \add varwere\add* vabate kunyange mupendero wenguvo dzake chete; uye vose vakamubata vakaporeswa.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16