bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 13
Mark 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
1
Zvino wakati achibuda mutembere, mumwe wavadzidzi vake wakati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabwe, \add kuti\add* akadini nezvivakwa \add kuti\add* zvakadini!
2
Jesu achipindura akati kwaari: Unovona zvivakwa izvi zvikuru here? hakungasiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
3
Zvino wakati agere pagomo reMiorivhi, mhiri pakatarisana netembere, Petro, naJakobho, naJohwani, naAndiriya vakamubvunza pachivande, \add vachiti\add*:
4
Tivudzei, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo \add chichava\add* chipiko, kana izvozvi zvose zvozadziswa?
5
Zvino Jesu achivapindura akatanga kuti: Chenjerai kusava nounokutsausai.
6
Nokuti vazhinji vachavuya muzita rangu, vachiti: Ndini \add iye\add*, vachitsausa vazhinji.
7
Asi kana muchinzwa zvehondo, nerunyerekupe rwehondo, musatambudzika; nokuti zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere.
8
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; noushe hwuchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
9
Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumakurukota, uye nomumasinagoge mucharohwa, muchakumikidzwa pamberi pavatongi namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.
10
Asi evhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa pakati pemarudzi ose.
11
Asi kana vachi\add ku\add*kwevai, vachikukumikidzai \add kumakurukota\add*, musambofunganya pakutanga zvamuchataura kana kufanorangarira, asi chero zvamunenge mapiwa nenguva iyo imwi taurai izvozvo; nokuti hamuzimwi munotaura, asi Mweya Mutsvene.
12
Zvino mukoma uchatengesera munun'una kurufu, nababa mwanakomana; navana vachamukira vabereki nokuvavurayisa.
13
Uye muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvikira pakuguma, ndiye uchaponeswa.
14
Zvino kana muchivona nyangadzi yokuparadza yakataurwa naDhanyeri muporofita, imire paisingafaniri (unorava ngaanzwisise), zvino vari muJudhiya ngavatizire kumakomo;
15
nouri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburukira mumba, kana kupinda kunotora chinhu mumba make.
16
Nouri mumunda ngaarege kutendevukira shurezve kunotora nguvo yake.
17
Asi vurombo kune avo vanemimba naavo vanomwisa namazuva iwayo!
18
Asi nyengeterai kuti kutiza kwenyu kurege kuva muchando.
19
Nokuti \add mu\add*mazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwambovapo kubva pakutanga kokusikwa kwakasikwa naMwari kusvikira zvino, uye hakuchazovipo.
20
Dai Ishe asina kutapudza mazuva iwayo, hakunenyama yaiponeswa; asi nokuda kwavakasanangurwa,vaakasanangura, wakatapudza mazuva \add iwawo\add*.
21
Zvino kana munhu achiti kwamuri: Tarirai, Kristu pano, tarirai papo, musatenda.
22
Nokuti vana Kristu venhema, navaporofita venhema vachamuka, vagoratidza zviratidzo nezvishamiso, kuti vatsause kana zvichibvira kunyange vasanangurwa.
23
Asi chenjerai imwi; tarirai, ndagara ndakuvudzai zvinhu zvose.
24
Asi namazuva iwayo, shure kokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazopi chiedza chawo,
25
nenyeredzi dzokudenga dzichawa, namasimba ari kudenga achazungunuswa.
26
Ipapo vachavona Mwanakomana womunhu achivuya mumakore nesimba guru nokubwinya,
27
ipapo uchatuma vatumwa vake, vakavunganidza pamwechete vasangangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wokudenga.
28
Zvino dzidzai pamufananidzo womuvonde; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti munakamwe wava pedo.
29
Saizvozvo imwivo, kana movona izvozvo zvichiitika, zivai kuti wava pedo watova pamukova.
30
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuvuri, kusvikira zvinhu izvi zvose zvaitika.
31
Denga nenyika zvichapfuvura; asi mashoko angu haangapfuvuri.
32
Asi zvezuva iro nenguva, hakuna unoziva, kunyange vatumwa vari kudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba.
33
Chenjerai, murinde, munyengetere; nokuti hamuzivi kuti nguva ndeyarini.
34
Somunhu wakaenda kuneimwe nyika, akasiya imba yake, akapa simba kuvaranda vake, kunomumwe nomumwe basa rake, akarairavo murindi womukova kuti arinde.
35
Naizvozvo rindai imwi; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba unovuya rinhi, manheru, kana pakati povusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
36
kuti arege kuvuya kamwekamwe, akakuwanai muvete.
37
Zvandinokuvudzai imwi, ndinovudza vose, Rindai!
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16