bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 14
Mark 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Shure kwamazuva maviri kwaiva nepasika no\add mutambo \add*wezvingwa zvisinembiriso; vaprista vakuru navanyori vakanga vachitsvaka mutovo wavangamubata nawo noumhare, uye va\add mu\add*vuraye.
2
Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebope ravanhu.
3
Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, kwakavuya mumwe mukadzi, anechinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhsiteri, akachidurura pamusoro wake.
4
Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirweiko?
5
Nokuti chingadai chatengeswa namadhenari* anopfuvura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsutsumwira.
6
Asi Jesu wakati: Musiyei akadaro; munomutambudzireiko? Wandiitira basa rakanaka.
7
Nokuti varombo munavo nguva dzose, uye nguva ipi neipi yamunoda, mungavaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose.
8
Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
9
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika dzose, zvaakaitavo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
10
Zvino Judhasi Isikariyoti, mumwe wavanegumi navaviri, wakaenda kuvaprisita vakuru, kuti amutengese kwavari.
11
Ivo vakati vachi\add zvi\add*nzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Ipapo akatsvaka mutovo waangamutengesa nawo kwavari panguva yakafanira.
12
Nezuva rokutanga rechingwa chisinembiriso, pavaibaya paseka nawo, vadzidzi vake vakati kwaari: Munoda kuti tiende kupi kunogadzira kuti mudye paseka?
13
Akatuma vadzidzi vake vaviri, akati kwavari: Endai muguta, ipapo murume uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere.
14
Paanenge angopinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yavaeni iripiko, pandingadyira paseka navadzidzi vangu?
15
Zvino iye uchakutaridzai imba huru yokumusoro ikarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.
16
Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakandowana sezvaakanga areva kwavari; vakagadzirira paseka.
17
Ava madekwana akasvika navanegumi navaviri.
18
Zvino vakati vakagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu unodya neni uchanditengesa.
19
Ipapo vakatanga kushungurudzika, mumwe nomumwe akati kwaari: Ndini here? Mumwe ndini here?
20
Asi wakavapindura akati kwavari: Mumwe wavanegumi navaviri, unoisa ruvoko neni mundiro.
21
Mwanakomana womunhu unoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi vurombo kumunhu uyo, Mwanakomana womunhu waanotengeswa naye, zvingadai zvakanaka kumunhu uyo dai asina kuzvarwa.
22
Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, achiti: Torai, mudye, uyu muviri wangu.
23
Akatora mukombe, akati avonga, akapa kwavari, vakamwa vose pauri.
24
Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu resungano itsva, rinotevurirwa vazhinji.
25
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazomwizve zvezvibereko zvomuzambiringa, kusvikira nezuva iro randichazomwa naro zvava zvitsva, muushe hwaMwari.
26
Zvino vakati vaimba rwiyo rwokurumbidza, vakabuda, vakaenda kugomo reMiorivhi.
27
Zvino Jesu wakati kwavari: imwi mose muchagumburwa nokuda kwangu vusiku hwuno, nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
28
Asi kana ndamuka, ndichatungamira mberi kwenyu kuGariri.
29
Asi Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, asi kwete ini.
30
Jesu akati kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, vusiku hwuno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
31
Asi iye wakareva nesimba, \add achiti\add*: Kunyange ndikafanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Navose vakadarovo.
32
Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ini ndichi\add ndo\add*nyengetera.
33
Akatora pamwechete naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka kwazvo nokuzarirwa.
34
Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.
35
Akapfuvura mberi zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvichibvira, nguva ipfuvure kwaari.
36
Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.
37
Zvino akasvika, akavawana vavete; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?
38
Rindai, munyengetere, kuti murege kupinda mukuidzwa. Mweya unoda hawo, asi nyama hainesimba.
39
Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko iwayo.
40
Zvino paakadzoka, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akanga orema kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
41
Akavuyazve rwechitatu, akati kwavari: Chivatai henyu zvino muzorore. Zvaringana, nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana womunhu wokumikidzwa mumavoko avatadzi.
42
Simukai, tiende; tarirai, wondikumikidza kwavari wava pedo.
43
Pakarepo, achataura, akabva asvika Judhasi, mumwe wavanegumi navaviri, ane chaunga chikuru vane minondo netsvimbo, vachibva kuvaprista vakuru navanyori navakuru.
44
Zvino iye, wakamutengesa wakanga avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongosveta ndiye, mumutore muende naye makamuchengetedza.
45
Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Mudzidzisi! Mudzidzisi! Akamusveta.
46
Ipapo vakaisa mavoko kwaari, vakamubata.
47
Zvino mumwe wavakanga vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake.
48
Ipapo Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda somunorwisa gororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?
49
Ndakanga ndinemwi mutembere mazuva ose, ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi \add izvi zvaitwa\add*, kuti magwaro azadziswe.
50
Ipapo vose vakamusiya, vakatiza.
51
Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama, majaya akaribata;
52
asi rakasiya mucheka werineni, rikatiza kwavari rakashama.
53
Zvino vakabudisira Jesu kumuprista mukuru vakavunganira kwaari vaprista vakuru vose navakuru navanyori.
54
Petro akamutevera ari kure kusvikira pamuzinda womuprista mukuru; akanga agere navatariri, achidziya moto.
55
Zvino vaprista vakuru nedare rose vakatsvaka vuchapupu pamusoro paJesu kuti vamuvuraye; asi vakashaiwa
56
Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo hakuna kupindirana.
57
Zvino vamwe vakasimuka vakamupupurira nhema vachiti:
58
Isu takamunzwa achiti: Ndichaputsa tembere iyi; yakaitwa namavoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa namavoko.
59
Asi kunyange zvakadaro kupupura kwavo kwakapesana.
60
Zvino muprista mukuru akasimuka pakati \add pavo\add*, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vuchapupu hwei hwavanokupomedzera?
61
Asi iye wakanyarara, akasapindura chinhu. Muprista mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wowakaropafadzwa here?
62
Jesu akati: Ndini iye. nemwi muchavona Mwanakomana womunhu agere kuruoko rworudyi rwesimba, achivuya mumakore okudenga.
63
Ipapo muprista mukuru akabvarura nguvo dzake akati: Tichatsvakireiko zvimwe zvapupu?
64
Imwi manzwa kumhura Mwari; munofungeiko? Ipapo vose vakamurasha kuti ave nemhosva yorufu.
65
Vamwe vakatanga kumupfira, vakafukidza chiso chake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Porofita; navaranda vakamurova nembama dzamavoko avo.
66
Zvino Petro achiri paruvazhe pasi, ipapo pakasvika mumwe vavarandakadzi vomuprista mukuru,
67
zvino akavona Petro achizvidziyisa, akamutarira akati: Newevo wakanga unaJesu weNazareta.
68
Asi iye wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa ini zvaunoreva. Akabuda akaenda kumusuwo, jongwe rikarira.
69
Zvino murandakadzi akamuvonazve, akatanga kuti kunavakanga vamirepo\add:\add* Uyu ndowavo!
70
Asi iye wakarambazve. Zvino nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti iwe uri muGariri nomutauriro wako unotenderana \add nazvo\add*.
71
Ipapo akatanga kutuka nokupika, \add achiti\add*: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
72
Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu \add rokuti\add*: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16