bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 8
Mark 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Namazuva iwayo zvakwakanga kune chaunga chikuru, vasina zvavangadya, Jesu akadana vadzidzi vake, akati kwavari:
2
Ndinetsitsi nechaunga, nokuti chakagara neni mazuva atova matatu vasina zvavangadya.
3
Kana ndikavaendisa kumba kwavo vasina kudya, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure.
4
Vadzidzi vake vakamupindura, \add vakati\add*: Zvingabvepiko zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo vanhu ava murenje muno?
5
Akavabvunza, \add akati\add*: Munezvingwa zvinganiko? Vakati: Zvinomwe.
6
Zvino akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, aka\add zvi\add*medura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi \add pavo\add*; vakazviisa pamberi pavazhinji.
7
Uye vakanga vanehove duku shomanene; zvino aka\add dzi\add*ropafadza, akaraira kuti zviiswevo pamberi \add pavo\add*.
8
Naizvozvo vakadya, vakaguta; ndokuvunganidza zvimedu zvakasara, matengu manomwe.
9
Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavaendisa.
10
Pakarepo akapinda muchikepe navadzidzi vake, akasvika kumativi eDharimanuta.
11
Zvino vaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza.
12
Akagomera zvikuru pamweya wake, akati: Rudzi urwu runotsvakireiko chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chingapiwa kurudzi urwu.
13
Ipapo akavasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kune gumwe rutivi.
14
Zvino vakanga vakangamwa kutora zvingwa; uyevo vakanga vasina \add c\add*hinhu muchikepe chingapfuvura chingwa chimwe chete.
15
Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere, mbiriso yavaFarisi nembiriso yaHerodhe.
16
Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatine zvingwa.
17
Zvino Jesu wakati achi\add zvi\add*ziva, akati kwavari: Munorangana nemhaka yeiko kuti hamunezingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Moyo yenyu ichiri mikukutu here?
18
Munameso hamuvoni here? Uye munenzeve, hamunzwi here? Zvekare hamurangariri here?
19
Musi wandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu azere manganiko ezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi namaviri.
20
uye nomusi wezvinomwe pavanezvuru zvina, matengu manganiko akazadzwa nezvimedu amakanonga? Vakati: Manomwe.
21
Akati kwavari: Nemhaka yeyi musinganzwisisi?
22
Zvino wakasvika Bhetisaidha; vakavuya nebofu kwaari, vakamugombedzera kuti arinyangate.
23
akabata bofu neruvoko \add rwaro\add*, akaribudisira kunze komusha, akati apfira meso aro, akaisa mavoko pamusoro paro, akaribvunza kana richivona chinhu.
24
Iro rikatarira kumusoro rikati: Ndinovona vanhu vakaita semiti, vachifamba.
25
Mushure maizvozvo akaisazve mavoko pamusoro pameso ake akamutaridza kudenga, akaporeswa, akavona zvose zvakanaka.
26
Akamuendesa kumba kwake, achiti: Usatongopinda mumusha kana kuvudza chero munhu mumusha.
27
Zvino Jesu akabuda navadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesaria Firipi; \add vari\add* munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini aniko?
28
Vakapindura \add vachiti\add*: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria, vamwezve, mumwe wavaporofita.
29
Zvino akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu.
30
Akavaraira zvikuru kuti varege kuzivisa munhu pamusoro pake.
31
Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nokurambwa navakuru, navaprista vakuru, navanyori, agovurawa, mushure mamazuva matatu, amukezve.
32
Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutora, akatanga kumutsiura.
33
Asi iye wakatendevuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.
34
Zvino wakadanira kwaari chaunga navadzidzi vakevo, akati kwavari: Aninani unoda kuvuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
35
Nokuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake, ucharashikirwa nahwo, asi ani nani ucharashikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweevhangeri, ndiye uchahwuponesa.
36
Nokuti zvinobatsireiko munhu, kana akawana nyika yose akarashikirwa nomweya wake?
37
Kana kuti munhu ucharipeiko kuti adzikinure mweya wake?
38
Nokuti aninani unonyara pamusoro pangu namashoko angu parudzi urwu rwovupombwe nokutadza, Mwanakomana womhunhu uchanyaravo pamusoro pake, paanovuya mukubwinya kwake naBaba vake navatumwa vatsvene.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16