bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 11
Mark 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
1
Vakati vasvika pedo neJerusarema, paBhetifage neBhetaniya, pagomo reMiorivhi, akatuma vaviri vavadzidzi vake,
2
akati kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi; pakarepo kana muchangopinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina-kumbotaswa nomunhu; murisunugure, mugovuya \add naro\add*.
3
Kana munhu akati kwamuri: Munoitireiko izvi? Muti: Ishe unorida. Pakarepo ucharitumira pano.
4
Vakaenda, vakandowana dhongwana rakasungirwa pamukova kunze, pamharadzano dzenzira; vakarisunungura.
5
Vamwe vavakanga vamirepo vakati kwavari: Munoiteiko muchisunungura dhongwana?
6
Vakavavudza sezvakarairwa naJesu; vakavarega vachiinda.
7
Zvino vakavuya nedhongwana kunaJesu; vakakandira nguvo dzavo pamusoro paro, akagara pamusoro paro.
8
Navazhinji vakawarira nguvo dzavo munzira, navamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
9
Zvino avo vakanga vachitungamira, navakanga vachitevera, vakadanidzira, vachiti: Hosana*! Wakaropafadzwa iye unovuya muzita raShe;
10
hwakaropafadzwa ushe hwaBaba vedu Dhavhidhi, hwunovuya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!
11
Ipapo Jesu wakapinda Jerusarema nemutembere; akati aringa-ringa zvinhu zvose, zuva zvarakanga ravira, akabuda, akaenda Bhetaniya navanegumi navaviri.
12
Zvino fume mangwana vakati vachibva Bhetaniya, akanzwa nzara.
13
Zvino \add wakati\add* achivona muvonde uri kure, unamashizha, akaendako achiti zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha; nokuti yakanga isi nguva yamavonde.
14
Zvino Jesu akapindura, akati kwauri: Kusava nomunhu unozodya zvibereko pauri kubva zvino nokusingaperi. Vadzidzi vake vaka\add zvi\add*nzwa.
15
Vakasvika Jerusarema; Jesu akapinda mutembere, akatanga kudzingira panze avo vaitengesa navaitenga mutembere; akakwidibira matafura avaitsinhanhisa mari, nezvigaro zvaivo vaitengesa njiva.
16
Zvino akasatendera munhu kuti atakure mudziyo achipfuvura nemutembere.
17
Akadzidzisa, achiti kwavari: Hakuna kunyorwa here \add kuchinzi\add*: Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yamarudzi ose? Asi imwi makaiita bako ramakororo.
18
Zvino vanyori navaprista vakuru vaka\add zvi\add*nzwa, vakatsvaka kuti vangamuparadza sei; nokuti vakanga vachimutya, nokuti chaunga chose chakashamiswa nedzidziso yake.
19
Zvino ava madekwana, wakabuda kunze kweguta,
20
Zvino mangwanani vakati vachipfuvura, vakavona muvonde wawoma kubva pamidzi.
21
Petro akarangarira akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai muvonde wamakatuka wawoma.
22
Jesu akapindura, akati kwavari: Ivai nokutenda kunaMwari.
23
Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoti kugomo iri: Simudzwa, ukandwe mugungwa, asingakahadziki mumoyo make, asi achitenda kuti zvinhu izvo zvaanoreva zvichaitika, zvuchaitika kwaari zvose zvaanoreva.
24
Naizvozvo ndinoti kwamuri: Zvinhu zvose zvose zvamunokumbira muchinyengetera, tendai kuti muchagamuchira, zvino muchawana.
25
Kana mukamira muchinyengetera, kangamwirai kana munemhaka nomumwe; kuti naBaba venyuvo vari kudenga, vakukangamwirei kudarika kwenyu.
26
Asi kana imwi musingakangamwiri naBaba venyu vari kudenga havakangamwirivo kudarika kwenyu.
27
Vakasvikazve Jerusarema; zvino wakati achifamba mutembere, vaprista vakuru navanyori navakuru vakavuya kwaari,
28
zvino vakati kwaari: Unoita zvinhu izvozvi nesimba ripiko? Ndianiko wakakupa simba rokuita zvinhu izvi?
29
Jesu akapindura akati kwavari: Nenivo ndichakubvunzai mubvunzo mumwe, mundipindure, neni ndichakuvudzaivo simba randinoita naro zvinhu izvozvi.
30
Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabva kudenga, kana kuvanhu? Ndipindurei,
31
Vakataurirana, vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati: Makagoregerei kumutenda?
32
Asi kana tikati: Kuvanhu; vakanga vachitya vanhu; nokuti vose vakanga vachiverenga Johwani kuti muporofita zvirokwazvo.
33
Vakapindura vachiti kuna Jesu: Hatizivi. Jesu akapindura akati kwavari: Nenivo handingakuvudziyivo kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16