bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 12
Mark 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Zvino wakatanga kutaura kwavari nemifananidzo, \add achiti\add*: Munhu wakasima munda wemizambiringa, akaukomba noruzhowa, akachera pokusvinira, akavaka shongwe, akaukumikidza kuvarimi, ndokuenda kune imwe nyika.
2
Nenguva yakafanira, akatumira muranda kuvarimi, kuti agamuchire kubva kuvarimi zvezvibereko zvomunda wemizambiringa.
3
Vakabata vakamurova, vakadzosa asina chinhu,
4
Akatumazve kwavari mumwe muranda; vakamuposhera mambwe, vaka\add mu\add*kuvadza musoro, vakamudzingira kure achinyara.
5
Akatumazve mumwe; iye vakamuvuraya; navamwe vazhinji, vachirova vamwe, nokuvuraya vamwe.
6
Naizvozvo wakanga achinomwanakomana mumwe, mudikamwa wake, akamutumiravo kwavari pakupedzisira, achiti: Vachakudza mwanakomana wangu.
7
Asi varimi ivavo vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; vuyai ngatimuvurayei, zvino nhaka igova yedu.
8
Vakamutora, vakavuraya, vakaposhera kunze komunda wemizambiringa.
9
Zvino mwene womunda wemizambiringa uchaiteiko? Uchavuya akaparadza varimi, akapa munda wemizambiringa kune vamwe.
10
Ko hamuna kutongorava here rugwaro urwu \add runoti\add*: Ibwe rakarashwa navavaki, ndiro rava musoro wekona;
11
Izvozvo zvakaitwa naShe, uye zvinoshamisa pameso edu?
12
Ipapo vakatsvaka kumubata, asi vakatya chaunga; nokuti vaiziva kuti wakanga ataura nomufananidzo iwoyo pamusoro pavo. Vakamusiya vakabvapo.
13
Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navavaHerodhe, kuti vamubate pamashoko ake.
14
Zvino vakati vavuya, vakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wechokwadi, hamutariri munhu; nokuti hamutariri chimiro chomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi: Zviri pamutemo kuterera Kesari mutero here, kana kwete?
15
Titere here, kana tirege kutera? Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari: Munondiidzireiko? Ndivigirei dhenari*, kuti ndivone.
16
Vaka\add ri\add*vuyisa. Ipapo akati kwavari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani? Vakati kwaari: ZvaKesari.
17
Jesu akpindura akati kwavari: Ipai kuna Kesarai zvinhu zvaKesari, nokunaMwari zvinhu zvaMwari. Vakashamiswa naye.
18
Zvino kwakavuya kwaari vaSajusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti:
19
Mudzidzisi, Mozisi wakatinyorera \add kuti\add*: Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi, akasasiya vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.
20
Zvino kwakanga kunavanakomana vanomwe vomunhu mumwe; wedangwe akawana mukadzi, akafa akasasiya vana.
21
Wechipiri akamutora, akafa, akasasiyavo vana; nowechitatu; saizvozvovo,
22
navanomwe vose vakamuwana, vakasasiya mwana; shure kwavose mukadzi akafavo.
23
Naizvozvo pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, uchava mukadzi waniko kwavari? Nokuti vanomwe vakava naye somukadzi.
24
Jesu akapindura akati kwavari: Hamuna kurashika here, nekuti hamuzivi magwaro kana simba raMwari?
25
Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani, kana kuwaniswa, asi vakaita savatumwa vari kudenga.
26
Zvino maererano navakafa, kuti vanomutswa, hamuna kurava here mubhuku raMozisi, \add kuti\add* Mwari wakataura naye sei mugwenzi, achiti: Ini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?
27
Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; imwi naizvozvo marashika kwazvo.
28
Zvino mumwe wavanyori wakasvika, wakati anzwa vachirangana, achiziva kuti wakanga avapindura zvakanaka, akamubvunza \add achiti\add*: Ndoupiko murairo wokutanga kune yose?
29
Jesu akamupindura, \add achiti\add*: Wokutanga kumirayiro yose \add ndiwoyu\add*: Inzwa Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiIshe mumwe chete!
30
Uye ida Ishe Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nefungwa dzako dzose, nesimba rako rose. Uyu murairo wokutanga.
31
Nowechipiri wakadai uyu: Ida muvakidzani wako sezvauno\add zvida\add*. Hakunomumwe murairo mukuru kune iyeyi,
32
Zvino munyori akati kwaari: Zvakanaka, Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo kuti kuna Mwari mumwe chete, uye hakuno mumwe kunze kwake;
33
nokumuda nomoyo wose, nokunzwisisa kose,, nomweya wose nesimba rose, nokuda wokwako sewe, zvinopfuvura zvipiriso zvose zvinopiswa nezvibayiro.
34
Zvino, Jesu wakati achizvivona kuti wapindura nenjere, akati kwaari: Hausi kure noushe hwaMwari. Kukasava nomunhu shure kwaizvozvo wakazotsunga kumubvunza.
35
Zvino Jesu wakati achidzidzisa mutembere, akapindura akati: Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi?
36
Dhavhidhi amene wakati noMweya Mutsvene: Ishe wakati kunaShe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.
37
Naizvozvo Dhavhidhi amene unomuidza Ishe, \add ungagova\add* mwanakomana wake seiko? Vazhinji-zhinji vakamunzwa nomufaro.
38
Zvino wakati kwavari pakudzidzisa kwake: Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguvo refu, nokukwaziswa pamisika,
39
nezvigaro zvapamusoro mumasingagoge, nenzvimbo dzakakwirira pazvirairo;
40
vachidya dzimba dzechirikadzi, uye nokunyengera vachiita minyengetero mirefu; ivava vachagamuchira kurashwa kukuru.
41
Zvino wakanga agere akatarisana nechivigiro chemari, akatarira kuti chaunga chinokanda sei mari muchivigiro; zvino vafumi vazhinji vakanga vachiisa zvizhinji.
42
Zvino kwakasvika imwe chirikadzi yaitambura, ikakanda tumari tuviri tuduku tunoita fadzingi*.
43
Akadana vadzidzi vake, akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Chirikadzi iyi murombo yakanda zvizhinji kupfuvura vose vakanda muchivigiro;
44
nokuti avo vose vakanda pazvizhinji zvavo; asi iye pakushaiwa kwake wakanda zvose zvaanazvo, zvose zvoupenyu hwake.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16