bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 7
Mark 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
1
Zvino kwakavunganira kwaari vaFarisi navamwe vavanyori vaibva Jerusarema;
2
vakati vavona vamwe vavadzidzi vake vachidya chingwa namavoko anetsvina, ndiko kuti asina kushambwa vakatsutsumwa.
3
Nokuti vaFarisi, navaJudha vose havadyi kunze kokuti vamboshamba mavoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru.
4
Kana vachibva pamisika, kunze kokuti vamboshamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, \add zvinoti\add*: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira neyematafura.
5
Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, \add vachiti\add*: Nemhaka yeiko vadzidzi venyu vasingafambi netsika yavakuru, asi vanodya chingwa namavoko asina kugezewa?
6
Akapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu imwi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, \add zvichinzi\add*: Vanhu ava vanondikudza nemiromo, asi moyo yavo iri kure neni.
7
Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa dzidziso, \add iri\add* mirairo yavanhu.
8
Nokuti munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu, \add se\add*kusuka mapoto nemikombe nezvimwe zvakadaro munozviita.
9
Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo, munoramba murairo waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu.
10
nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye aninani unotuka baba kana mai, ngaafe rufu.
11
Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kunababa vake kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chava chipo \add kunaMwari\add*,
12
hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu,
13
muchishayisa shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamunogamuchidzana, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.
14
Zvino wakati adanira chaunga chose \add kwaari\add* akati kwavari: Nditeererei mose, munzwisise.
15
Hapana chinhu chinobva kunze komunhu, chinoti kana chichipinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu.
16
Kana ariko anenzeve dzokunzwa, ngaanzwe.
17
Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo.
18
Akati kwavari: Nemwi hamunzwisisivo here? Hamunzwisisi here kuti chipi nechipi chinobva kunze, chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa?
19
Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu, chichibuda kunze; \add nokutaura kwakadaro\add* wakanatsa zvokudya zvose.
20
Ipapo akati: Izvo zvinobuda mumunhu, ndizvo zvinosvibisa munhu.
21
Nokuti kubva mukati, mumoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, vupombwe, vufeve, umhondi,
22
umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, neziso rakaipa, kumhura Mwari, kuzvikudza, vupenzi;
23
zvakaipa izvozvi zvose zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu.
24
Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidoni; akapinda mumba, asingadi kuti zvizikamwe nomunhu, asi akakoniwa kuzvivanza.
25
Nokuti \add mumwe \add*mukadzi, waiva nomwanasikana muduku, wakanga anomweya wetsvina, wakanzwa nezvake, akavuya akawira patsoka dzake.
26
Zvino mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pakuzvarwa; akamugombedzera kuti abudise mweya wakaipa pamwanasikana wake.
27
Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokukandira kuimbwanana.
28
Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; kunyange nembwananavo \add dziri \add*pasi petafura dzinodya zvimedu zvavana.
29
Akati kwaari: Nokuda kweshoko iro, enda; mweya wakaipa wabva pamwanasikana wako
30
Zvino akaenda kumba kwake, akawana mweya wakaipa wabuda, mwana avete panhovo.
31
Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akasvika kugungwa reGariri, napakati pemuganhu weDhekapori.
32
Vakaisa kwaari umwe waiva matsi waikakamira, vakamugombedzera kuti aise ruvoko rwake pamusoro pake.
33
Akamutora parutivi kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake.
34
Ipapo akatarira kudenga, akagomera, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa!
35
Pakarepo nzeve dzake dzakadzivuka, chisungo chorurimi rwake chikasununguka, akataura zvakanaka.
36
Zvino wakavaraira, kuti varege kuvudza munhu; asi iye achinyanya kuvaraira, ivovo vakanyanyisa kuparidza \add izvozvo\add*.
37
Vakashamiswa zvikuru-kuru, vachiti: Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16