bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 3
Mark 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakanga kunomunhuko wakanga anoruvoko rwakawonyana.
2
Zvino vakamutarisisa \add kuvona\add* kana angamuporesa nomusi wesabata, kuti vamupomere mhosva.
3
Zvino iye akati kumunhu wakanga anoruvoko rwakawonyana: Simuka uuye pakati.
4
Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka namazuva esabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuvuraya? Asi vakanyarara.
5
Zvino wakati aringa-ringa kwavari, achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo; akati kumunhu: Tambanudza ruvoko rwako. Akatambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.
6
Zvino vaFarisi vakati vabuda pakarepo vakarangana navaHerodhe pamusoro pake kuti vangamuparazda sei.
7
Zvino Jesu akabva navadzidzi vake \add vakaenda\add* kugungwa, chaunga chikuru chikamutevera chichibva Gariri nokuJudhiya,
8
neJerusarema, neIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani navakapoteredza Tire neSidhoni; chaunga chikuru, chakati chanzwa zvinhu zvikuru zvaanoita chikavuya kwaari.
9
Akataura kuvadzidzi vake kuti kachikepe kadiki kamugarire nokuda kwechaunga, zvimwe vangamutsikirira.
10
Nokuti wakanga aporesa vazhinji zvokuti vaitsikirirana pamuoro pake kuti vamubate vose vakanga vane zvirwere.
11
Nemweya yetsvina, payakamuvona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Ndiwe Mwanakomana waMwari!
12
Akairairisa zvikuru kuti irege kumuzivisa \add pachena\add*.
13
Zvino wakakwira mugomo, akadana vaakanga achida, vakavuya kwaari.
14
Akagadza vanegumi navaviri, kuti vagare naye, nokuti avatume kunoparidza,
15
uye vave nesimba rekuporesa vurwere nokubudisa mweya yakaipa.
16
NaSimoni aka\add mu\add*tumidza zita rinonzi Petro,
17
naJakobho waZebhedhi, naJohwani munun'una waJakobho akavatumidza ivo mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti vanakomana vokutinhira;
18
naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo naMatewu naTomasi naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani,
19
naJudhasi Isikariyoti, iyevo wakamutengesa. Zvino wakapinda mumba.
20
Chaunga chikavunganazve pamwechete zvokuti vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa.
21
Vanhu vokwake vakati vachi\add zvi\add*nzwa vakabuda kuzomubata; nokuti vakati: Unopenga.
22
Navanyori vakaburuka vachibva Jerusarema vakati: Una Bheerizebhuri, uye unobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.
23
Zvino akavadana, akati kwavari nemifananidzo: Satani ungabudisa Satani seiko?
24
Kana ushe hwukazvipesanisa, ushe uhwo hahwungagoni kumira.
25
Kana imba ikazvipesanisa, imba iyo haigoni kumira.
26
Zvino kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi unopera.
27
Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba, akapamba nhumbi dzake, kunze kokuti ambosunga murume unesimba, zvino ungapamba imba yake.
28
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakangamwirwa vanakomana vavanhu, nokumhura Mwari kose kwavanomhura Mwari nako;
29
asi ani nani wamhura Mwari Mweya Mutsvene haangatongokangamwirwi asi uri panjodzi yokutongerwa mhosva yokusingaperi.
30
Nokuti vakati: Unomweya wetsvina.
31
Zvino kwakavuya vanunu'una vake namai vake, vakamira kunze, vakatumira \add nhume\add* kwaari vachimudana.
32
Chaunga chakanga chigere chakamukomba; chikati kwaari: Tarirai, mai venyu navana vamai venyu vari panze vanokutsvakai.
33
Akavapindura achiti: Mai vangu ndiyaniko kana vanun'una vangu?
34
Zvino akaringa-ringa avo vakanga vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu navana vamai vangu.
35
Nokuti ani nani unoita kuda kwaMwari, ndiye mwana wamai vangu nehanzvadzi yangu namai.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16