bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 15
Mark 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Pakarepo mangwanani vaprista vakuru vakarangana navakuru navanyori nedare rose, vakasunga Jesu, vakamutakura, vaka\add mu\add*kumikidza kunaPirato.
2
Pirato akamubvunza \add akati\add*: Ndiwe Mambo wavaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
3
Vaprista vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi haana kupindura chinhu.
4
Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvinganiko zvavanokupomera!
5
Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvokuti Pirato wakashamiswa.
6
Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa mumwe, wavaikumbira.
7
Zvino kwakanga kune wainzi Barabhasi, akasungwa navamwe vakanga vamutsa bope naye, vakavuraya pabope irero.
8
Zvino chaunga chakadanidzirisa, vakatanga kukumbira sezvaaisivaitira kuti avaitire.
9
Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha here?
10
Nokuti wakanga achiziva kuti vaprista vakuru vakanga vamukumikidza \add kwaari\add* negodo.
11
Zvino vaprista vakuru vakakurudzira chaunga kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.
12
Pirato akapindura, akatizve kwavari: Zvino munoda kuti ndi\add mu\add*itireiko, wamunoti ndiMambo wavaJudha?
13
Vakadanidzirazve \add vachiti\add*: Muroverei!
14
Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaiteiko chakaipa? Vakanyanyisa kudanidzira \add vachiti\add*: Murovere!
15
Zvino Pirato, achida kufadza vanhu vazhinji, akavasunungurira Bharabhasi, asi wakakumikidza Jesu, a\add mu\add*rova netyava kuti aroverwe.
16
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, rweimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;
17
vakamupfekedza nguvo shava, vakaruka korona yemhinzwa, vakamudzika.
18
Vakatanga kumukwazisa, \add vachiti\add*: Hekanhi, Mambo wavaJudha!
19
Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
20
Zvino vakati vamusweveredza, vakamubvisa nguvo shava, ndokumupfekedza nguvo dzake, vakaenda naye kundomurovera.
21
Zvino vakamanikidza mumwe waipfuvura \add wainzi\add* Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchnjikwa wake.
22
Vakamuisa kunzvimbo \add yainzi\add* Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
23
Vakamupa waini, yakavhenganiswa negavakava kuti amwe, asi haana kugamuchira.
24
Zvino vakati vamurovera, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo, kuti mumwe nomumwe uchatorei.
25
Yakanga yava nguva yechitatu, vakamurovera.
26
Norugwaro rwemhosva yake rwakanga rwakanyorwa pamusoro, \add ruchiti\add*: MAMBO WAVAJUDHA.
27
Pamwechete naye vakarovera makororo maviri, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe.
28
Rugwaro rukaitika, runoti: Wakaverengwa pamwechete navadariki.
29
Navaipfuvura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Haiwa, Iwe, wokuputsa tembere, nokuvaka namazuva matatu,
30
zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
31
Saizvozvo vaprista vakuru navanyori vakamusweveredza pakati pavo, \add vachiti\add*: Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa.
32
Kristu, Mambo wavaIsraeri ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, kuti tivone titende. Navakanga varoverwa pamwe chete naye vakamuzvidza.
33
Zvino nguva yechitanhatu yakati yasvika, rima rikavapo panyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe.
34
Zvino nenguva yepfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?
35
Vamwe vavakanga vamirepo vakati vachi\add zvi\add*nzwa, vakati: Tarirai, unodana Eria.
36
Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti amwe, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.
37
Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake.
38
Vheiri retembere rikabvaruka kuita \add mapandi\add* maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
39
Zvino mukuru wezana wakanga amirepo akatarisana naye, wakati achivona kuti wadanidzira akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
40
Kwakanga kune vakadzivo vakatarira vari kure, pakati pavo kwakanga kuna Maria Magidharini, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome,
41
(Vaimutevera achi muGariri, vachimushandira), navamwe vakadzi vazhinji vakanga vakwira Jerusarema naye.
42
Zvino ava manheru, zvarakanga riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
43
Josefa weArimatea, gurukota rairemekedzwa wakanga akamiriravo ushe hwaMwari wakavuya akapinda kunaPirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
44
Pirato akashamiswa nokuti wakanga atofa; akadana mukuru wezana, akamubvunza kana akanguva afa.
45
Zvino wakati a\add zvi\add*nzwa nomukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
46
Iye wakatenga \add mucheka\add* werineni, akamuburusa, akamuputira nerineni, ndokumuradzika muhwiro hwakanga hwakacherwa paruware, ndokukungurusira ihwe pamukova wehwiro.
47
Zvino Maria Magidharini, naMaria \add mai\add* vaJose, vakavona paakavigwa.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16