bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 2
Mark 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Zvino akapindazve muKapenaume pashure pamazuva; zvikanzwikwa kuti uri mumba.
2
Zvino pakarepo vazhinji vakavungana pamwechete zvokuti pakanga pasina nzvimbo, kunyange pamukova, akataura shoko kwavari.
3
Vakavuya kwaari, vakaisa munhu wakanga akawoma mitezo, akatakurwa na\add vanhu\add* vana.
4
Zvino vakati vachikonewa kusvika pedo naye nokudzvinyidzirwa, vakazarura denga paakanga ari, vakati va\add ri\add*putsa vakaburusira nhovo yakanga ivete munhu wakanga akawoma mitezo.
5
Jesu wakati avona kutenda kwavo akati kunowakanga akawoma mitezo: Mwana zvivi zvako ngazvikangamwirwe iwe.
6
Zvino vamwe vavanyori vakanga vagerepo, vakafunga mumoyo yavo \add vachiti\add*:
7
Uyu unoiteiko achimhura Mwari? ndianiko unogona kukangamwira zvivi kunze komumwe chete, Mwari?
8
Zvino pakarepo Jesu paakanzwa mumweya wake kuti vanofunga kudaro mukati mavo akati kwavari: Munofungireiko zvinhu izvi mumoyo yenyu?
9
Chinyiko chakareruka, kuti kunowakawoma mitezo: Zvivi zvako zvakangamwirwa, kana kuti: Simuka, utore nhovo dzako, ufambe?
10
Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu unesimba panyika rokukangamwira zvivi, (akati kuwakanga akawoma mitezo):
11
Ndinoti kwauri: Simuka utore nhovo yako, uende kumba kwako.
12
Zvino pakarepo akasimuka, akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose; zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozvivona zvakadai.
13
Wakabudazve \add akaenda\add* kurutivi rwegungwa, chaunga chose chikavuya kwaari, akachidzidzisa.
14
Wakati achipfuvura, akavona Revhi waArifiyosi agere panogamuchirwa mutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
15
Zvino zvakaitika kuti wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagaravo pamwechete naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vakamutevera.
16
Zvino vanyori navaFarisi vakati vamuvona achidya navateresi navatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yeiko achidya nokumwa navateresi navatadzi?
17
Jesu wakati achi\add zvi\add*nzwa akati kwavari: Avo vasingarwari havatsvaki chiremba, asi avo vanorwara. Handina kuvuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendevuka.
18
Zvino vadzidzi vaJohwani navavaFarisi vaigara vachitsanya; vakavuya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
19
Jesu akati kwavari: Vana veimba yomuchato vangatsanya here chikomba chichiri kwavari? Kana vachingova nechikomba kwavari, havangatsanyi;
20
asi mazuva achasvika apo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo mazuva iwayo vachatsanya.
21
Hakuna munhu unosoneravo chigamba chitsva panguvo yakashakara zvimwe chigamba chitsva chinoiswa chinobvarura nguvo yakashakara vuri rikanyanya.
22
Hakunomunhu unodira waini itsva muhombodo sharu, nokuti waini itsva inoparusa hombodo, waini ikatevuka nehombodo ikaparara, asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva.
23
Zvino zvakaitika kuti wakapuvura nemuminda yezviyo nomusi wesabata, vadzidzi vake vakatanga vachifamba kutanha hura dzezviyo.
24
VaFarisi vakati kwaari: Tarirai, vanoitireiko nomusi wesabata zvisiri pamutemo?
25
Akati kwavari: Hamuna kutomborava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa, ava nenzara, iye navakanga vanaye?
26
Kuti wakapinda sei mumba maMwari namazuva aAbhiatari muprista mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisiri pamutemo kudyiwa asi navaprista \add voga\add*, akapavo kwavari vaaiva naye?
27
Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu \add kuitirwa\add* sabata.
28
Naizvozvo Mwanakomana womunhu ndiShevo wesabata.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16