bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 5
Mark 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yavaGadharini.
2
Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo akasongana nomunhu achibva kumarinda anomweya wetsvina,
3
uyo wakanga ane vugaro kumarinda, uye kwakanga kusina munhu wakanga achigona kumusunga kunyange neketani,
4
nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvamakumbo namaketani, asi maketani aidamburwa napakati naye, nezvisungo waidambura kuita zvidimbu; saizvozvo kwakanga kusina waigona kumupingudza.
5
Zvino nguva dzose, vusiku namasikati, waiva mumakomo nokumarinda achidanidzira, achizvicheka namabwe.
6
Zvino wakati achivona Jesu ari kure, akamhanya, ndokumunamata;
7
akadanidzira nenzwi guru akati: Ndineiko nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosa? Ndinokupikirai naMwari kuti murege kunditambudza.
8
Nokuti akati kwaari: Buda pamunhu, \add iwe\add* mweya wetsvina.
9
Akamubvunza \add akati\add*: Zita rako ndianiko? Akapindura achiti kwaari: Zita rangu \add rinonzi\add* Rigiyoni nokuti tiri vazhinji.
10
Vakamukumbira zvikuru kuti arege kuvadzinga panyika iyo.
11
Zvino kwakanga kuripo pedo negomo boka guru renguruve dzichifura.
12
Mweya yakaipa yose ikamukumbira zvikuru ichiti: Titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.
13
Pakarepo Jesu akaitendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikamhanyira zvinesimba kumawere kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikafira mugungwa.
14
Zvino avo vaifudza nguruve vakatiza, vakandoreva muguta naparuwa. Vakavuya kuzovona kuti chii chainge chaitwa.
15
Vakasvika kuna Jesu, vakavona uyo wakanga ane mweya yakaipa, iye waiva neRigiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
16
Vaya vakanga va\add zvi\add*vona, vakavarondedzera zvakaitirwa iye wakanga ane mweya yakaipa nenguruvevo.
17
Vakatanga kumugombedzera zvikuru kuti abve kumiganhu yavo.
18
Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemweya yakaipa akamukumbirisa zvikuru kuti agare naye.
19
Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kuhama dzako, undovaudze kuti zvikuru sei zvawakaitirwa naShe, napawakaitirwa ngoni napo.
20
Akaenda akabva akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu zvaakaitirwa naJesu; vose vakashamiswa.
21
Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, vanhu vazhinji vakavunganira kwaari ava pedo negungwa.
22
Zvino tarira, kwakasvika mumwe wavakuru vesinagoge; nezita \add wainzi\add* Jairosi, zvino wakati amuvona, akawira patsoka dzake.
23
Akamugombedzera zvikuru achiti: Mukunda wangu muduku wotandadza, vuyai muise mavoko enyu pamusoro pake aponeswe uye uchararama.
24
Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chichimutsikirira.
25
Zvino mumwe mukadzi waiva ne\add chirwere\add* chokubuda ropa makore anegumi namaviri,
26
wakanga atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakanga apedza zvose zvaakanga anazvo, asina kutongobatsirika, asi kungonyanyisa.
27
Wakati anzwa zvaJesu, akavuya napakati pechaunga chaiva mushure, akabata nguvo yake.
28
Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo yake chete, ndichaporeswa.
29
Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pakurwara uku.
30
Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda kwaari, akatendevuka pakati pechaunga akati: Ndianiko wabata nguvo dzangu?
31
Vadzidzi vake vakati kwaari: Munovona chaunga chikuru chinokutsimbirirai, zvino moti ndiani wandibata?
32
Zvino wakaringa-ringa kuvona uyo wakanga aita chinhu ichi.
33
Asi mukadzi achitya, nokubvunda, achiziva zvakanga zvaitiwa maari, akavuya ndokuwira pasi pamberi pake, ndokumuvudza chokwadi chose.
34
Zvino akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa, enda norugare, upore pachifo chako.
35
Wakati achataura, kwakasvika \add vamwe\add* \add vacibva kumba\add* kwemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchagotambudzireiko mudzidzisi?
36
Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
37
Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro naJakobho naJohwani munun'una waJakobho.
38
Vakasvika mumba momukuru wesinagoge, akavona mhere-mhere navaichema nokurira zvikuru.
39
Zvino wakati apinda, akati kwavari: Munoitireiko mhere-mhere iyi muchichema? Mwana haana kufa asi uvete.
40
Vakamuseka vachimumhura. Asi iye wakati avabudisa vose panze, akatora baba vomwana namai navaakanga anavo, akapinda kwakanga kuvete mwana.
41
Akabata ruvoko rwomwana, akati kwaari: "Tarita kumi;" ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana, Muka!
42
Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba, nokuti waiva wamakore anegumi namaviri; vakashamiswa nokushama kukuru.
43
Akavaraira zvikuru kuti hakuna munhu unofanira kuzviziva; akati apiwe zvokudya.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16