bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Mark 16
Mark 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
1
Sabata rakati rapfuvura, Maria Magidharini, naMaria \add mai\add* vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwira, kuti vaende kunomuzodza.
2
Mangwanani-ngwanani omusi wokutanga wevhiki, vakaenda, kuhwiro, zuva robuda.
3
Vakati pakati pavo: Ndianiko uchatikungurusira ibwe kubva pamukova wehwiro?
4
Zvino vakati vachitarira, vakavona kuti ibwe rakanga ratokungurusirwa kure, nokuti raiva guru-guru.
5
Zvino vakati vapinda muhwiro, vakavona murume wechiduku wakanga agere kurutivi rworudyi, akapfeka nguvo chena yakareba, vakavhunduka;
6
akati kwavari: Musatya; munotsvaka Jesu weNazareta wakaroverwa here? Wamuka, haapo pano; tarirai pavakanga vamuradzika.
7
Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Gariri, muchandomuvonako, sezvaakakuvudzai.
8
Vakabuda nokukurumidza vakatiza pahwiro; nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakanga vachitya.
9
Zvino wakati amuka mangwanani nowokutanga wevhiki, wakavonekwa pakutanga kunaMaria Magidharini, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.
10
Iye akaenda kundovudza avo vaaiva navo, pavaichichema nokurira.
11
Naivo pavakanzwa kuti mupenyu, uye kuti wakanga avonekwa naye, havana kutenda.
12
Shure kwaizvozvo wakazviratidza nechimwe chimiro kuvaviri vavo vachifamba, vachienda muruwa.
13
Naivovo vakaenda, vakandovudza vakanga vasara; naivo vakasavatendavo.
14
Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe vagere pakudya, akavasvora nokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.
15
Akati kwavari: Endai munyika yose muparidze evhangeri kuchisikwa choga-choga.
16
Uyo unotenda akabhabhatidzwa uchaponeswa; asi usingatendi ucharashwa.
17
Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda; muzita rangu vachabudisa mweya yakaipa, vachitaura nendimi itsva;
18
vachanonga nyoka; kunyange vakamwa chinhu chinovuraya, hachingavakuvadzi; vachaisa mavoko pavarwere, vakapora.
19
Zvino Ishe wakati ataura kwavari, akagamuchirwa kumusoro kudenga, akagara kuruvoko rworudyi rwaMwari.
20
Ivo vakaenda, vakaparidza kose-kose, Ishe achibata \add navo\add*, achisimbisa shoko nezviratidzo zvaitevera. Amen.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16