bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 10
Luke 10
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Shure kwaizvozvo Ishe akagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda.
2
Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake.
3
Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere.
4
Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira.
5
Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve neimba ino.’
6
Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri.
7
Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavanazvo; nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake; musapota-pota nedzimba.
8
“Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa.
9
Poresai varwere varimo, muchiti kwavari, ‘Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.’
10
Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzaro, muti,
11
‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti ushe hwaMwari hwaswedera.’
12
“Ndinoti kwamuri, Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuura guta iro.
13
Une nhamo, iwe Korazini! Une nhamo, iwe Bhetisaidha! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu dai akaitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare, vakagara vana masaga nedota.
14
Asi Tire neSidhoni acharerukirwa pakutongwa kupfuuremi.
15
Newe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchadzika kuHadhesi.”
16
“Anokunzwai imi, anondinzwa ini; anokurambai imi, anondiramba ini; anoramba ini, anoramba iye akandituma.”
17
Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kunyange nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.”
18
Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kudenga semheni.
19
“Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai.
20
Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
21
Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.
22
“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.”
23
Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga, “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa.
24
“Nokuti ndinoti kwamuri, vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona, vakasazviona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.”
25
Zvino mumwe mududziri womurayiro akasimuka, akamuedza, achiti, “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?”
26
Akati kwaari, “Pamurayiro pakanyorweiko? Unorava sei?”
27
Iye akapindura, akati, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.”
28
Akati kwaari, “Wapindura zvakanaka; ita izvozvo, ugorarama.”
29
Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kuna Jesu, “Wokwangu ndianiko?”
30
Jesu akapindura, akati, “Mumwe munhu akabva Jerusaremu, akaburukira Jeriko, akawirwa namakororo, akamupamba nguo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.
31
Zvino mumwe mupristi akanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuona, akamunyenyeredza.
32
Nokudaro muRevhiwo akasvikapo, akamuona, akamunyenyeredza.
33
Zvino mumwe muSamaria, akanga ari parwendo, akasvika kwaari; akati achimuona, akamunzwira tsitsi,
34
akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
35
“Zvino, ava mangwana, akabudisa madhenari maviri, akaapa muridzi weimba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”
36
“Unofungei, ndoupiko kuna vatatu ava akanga ari wokwake waiye akawirwa namakororo?”
37
Akati, “Ndiye akamuitira ngoni.” Jesu akati kwaari, “Enda, unoita saizvozvo.”
38
Zvino vakati vachifamba, akapinda muno mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita, akamugamuchira mumba make.
39
Iye akanga anomunun'una ainzi Maria, akagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake.
40
Asi Marita akanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akauya, akati, “Ishe, hamuna hanya muchiona munun'una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muudzei andibatsire.”
41
Ishe akapindura, akati kwaari, “Marita! Marita! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji,
42
asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria akasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24