bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 9
Luke 9
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
1
Zvino akaunganidza vane gumi navaviri, akavapa simba nechiremera pamusoro pemweya yakaipa yose, nokuporesa kurwara.
2
Akavatuma kuparidza ushe hwaMwari nokuporesa.
3
Akati kwavari, “Musatongotora zvomunzira, kana mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari; musava nenguo mbiri.
4
Imba ipi neipi yamunopinda mairi, garaimo, mugozobvapo.
5
Uye vose vasingakugamuchirii, kana mobva paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu, chive chapupu kwavari.”
6
Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza Vhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.
7
Zvino ishe Herodhi, akanzwa zvose zvakanga zvichiitwa; akakanganiswa, nokuti vamwe vakanga vachiti, Johani akamuka kuvakafa;
8
Vamwe kuti Eria aonekwa; navamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.
9
Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro; zvino ndianiko uyu, wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akatsvaka kumuona.
10
Vapositori vakati vadzoka, vakamurondedzera zvose zvavakanga vaita; akavatora, akaenda navo vari voga kuguta rainzi Bhetisaidha.
11
Zvino vanhu vazhinji vachizviziva, vakamutevera; akavagamuchira, akavaudza zvoushe hwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.
12
Zuva rakati rovira, vane gumi navaviri vakauya, vakati kwaari, “Endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha nokuruwa rwakapoteredza, vagareko, vawane zvokudya; nokuti pano tiri murenje.”
13
Asi iye akati kwavari, “Muvape imi, vadye.” Vakati, “Isu hatine nezvingwa zvingapfuura zvishanu, nehove mbiri, asi kana tikaenda kundotengera vanhu vose zvokudya.”
14
Nokuti vaiva varume vanenge zviuru zvishanu. Akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vaite mapoka, anavanhu vanenge makumi mashanu”
15
Vakaita kudaro, vakavagarisa vose.
16
Ipapo akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kudenga, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu vazhinji.
17
Vakadya, vakaguta vose; vakaunganidza zvimedu zvavakanga vasarirwa nazvo, matengu ane gumi namaviri.
18
Zvino akati achinyengetera ari oga, vadzidzi vake vakanga vanaye; akavabvunza, achiti, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?”
19
Vakapindura, vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi;” vamwe, “Eria; vamwezve, kuti mumwe wavaporofita vekare amuka.”
20
Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu waMwari.”
21
Akavaudza zvikuru, nokuvarayira kuti varege kuzivisa munhu izvozvo;
22
achiti, “Mwanakomana womunhu anofanira kutambudzika zvizhinji, nokuraswa navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswa nezuva retatu.”
23
Zvino akati kuna vose, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe, anditevere.
24
“Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuponesa.
25
Nokuti munhu achabatsirweiko, kana awana nyika yose, akazvirasa nokuzvitadzira?
26
“Nokuti ani naani anonyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake musi waanouya nokubwinya kwake nokwaBaba, nokwavatumwa vatsvene.
27
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vamwe varipo kuna vamire pano vasingazofi, vasati vaona ushe hwaMwari.”
28
Mashoko iwayo akati apera kutaurwa mazuva anenge masere, akatora Petirosi naJohani naJakobho, akakwira mugomo kundonyengetera.
29
Zvino akati achinyengetera, uso hwake hwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya.
30
Zvino tarira, varume vaviri, vanaMosesi naEria, vakaonekwa vachitaurirana naye.
31
Vakaonekwa vachibwinya, vakataura zvokuenda kwake, kwaakanga ondopedzisa muJerusaremu.
32
Zvino Petirosi, navaiva naye, vakanga vabatwa nehope; asi vakati vachipepuka, vakaona kubwinya kwake, navarume vaviri vamire naye.
33
Zvino vakati voparadzana naye, Petirosi akati kuna Jesu, “Tenzi, zvakanaka, zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria, asingazivi zvaanoreva.”
34
Akati achataura izvozvo, gore rikauya, rikavafukidza; vakatya vachipinda mugore.
35
Ipapo izwi rakabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu, mumunzwei!”
36
Izwi rakati raenda, Jesu akaonekwa ari oga. Vakanyarara, vakasaudza munhu namazuva iwayo chinhu chimwe chavakanga vaona.
37
Nezuva rinotevera vakati vaburuka mugomo, vazhinji-zhinji vakamugamuchira.
38
Zvino mumwe murume pakati pavazhinji akadana, akati, “Mudzidzisi, ndinokumbira kwamuri kuti mutarire mwanakomana wangu, nokuti ndiye mwana wangu mumwe woga.
39
Tarirai, mweya unomubata, zvino woridza mhere pakarepo; unomubvundisa, achipupuma furo; haudi kumurega, asi unomurwadzisa zvikuru.
40
Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.”
41
Jesu akapindura, akati, “Haiwa! Rudzi rusingatendi, rwakatsauka; ndichagara nemi kusvikira riniko, nokukuitirai mwoyo murefu? Uya pano nomwanakomana wako.”
42
Akati achauya, mweya wakaipa ukamuwisira pasi, ukamubvundisa zvikuru. Asi Jesu wakarayira mweya wakaipa, akaporesa mwana, akamudzosera kuna baba vake.
43
Vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Zvino vose vachashamiswa nezvose zvaakaita, akati kuvadzidzi vake,
44
“Mashoko awa ngaapinde munzeve dzenyu; nokuti Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.”
45
Asi ivo havana kunzwisisa kutaura uku; vakanga vakuvanzirwa, kuti varege kukunzwisisa; vakatya kumubvunza pamusoro pokutaura uku.
46
Zvino nharo dzikamuka pakati pavo, kuti ndiani mukuru kwavari.
47
Asi Jesu, zvaakanga achiziva kufunga kwemwoyo yavo, akatora mwana muduku, akamuisa parutivi rwake,
48
akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana uyu muduku muzita rangu, anondigamuchira ini, uye ani naani anondigamuchira ini, anogamuchira akandituma; nokuti muduku kwamuri mose, ndiye mukuru.”
49
Johani akapindura, akati, “Tenzi, taona munhu achibudisa mweya yakaipa muzita renyu, tikamudzivisa, nokuti haateveri nesu.”
50
Asi Jesu akati kwaari, “Musamudzivisa; nokuti asingapesani nemi, anemi.”
51
Mazuva okukwidzwa kwake akati oswedera, akaramba akarinzira chiso chake kuenda Jerusaremu,
52
akatuma nhume pamberi pake. Idzo dzikaenda, dzikapinda mumusha wavaSamaria kundomugadzirira.
53
Asi havana kumugamuchira, nokuti chiso chake chakanga chakaringira Jerusaremu.
54
Vadzidzi vake, Jakobho naJohani, vakati vachizviona, vakati, “Ishe, munoda kuti titi moto uburuke kudenga, uvaparadze here?”
55
Asi iye akatendeuka, akavarayira.
56
Ipapo vakaenda kune mumwe musha.
57
Zvino vakati vachifamba munzira, mumwe munhu akati kwaari, “Ndichakuteverai pose pamunoenda.”
58
Jesu akati kwaari, “Mhungubwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere, asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
59
Akati kune mumwe, “Nditevere.” Iye akati, “Nditenderei henyu ndimbondoviga baba vangu.”
60
Asi iye akati kwaari, “Rega, vakafa ngavavige vakafa vavo; asi iwe, enda undoparidza ushe hwaMwari.”
61
Mumwezve akati, “Ndichakuteverai Ishe, asi munditendere henyu ndimbondoonekana navari mumba mangu.”
62
Asi Jesu akati kwaari, “Hakuna munhu angati kana aisa ruoko rwake pabadza, akacheukira shure, angafanirwa noushe hwaMwari.”
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24