bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 16
Luke 16
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
1
Zvino wakatiwo kuvadzidzi vake, “Kwakanga kuno mupfumi, aiva nomutariri; iye akacherwa kwaari, zvichinzi anoparadza pfuma yake.
2
Ipapo akamudana, akati kwaari, ‘Izvi zvandinonzwa pamusoro pako ndezveiko? Chizvidavirira pamusoro pohutariri hwako; nokuti haungazovi mutariri.’
3
Zvino mutariri akati mumwoyo make, ‘Ndichaiteiko, ishe wangu zvaanditorera hutariri hwangu? Handina simba rokurima naro; kukumbira ndinonyara.
4
Ndinoziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pahutariri, vandigamuchire mudzimba dzavo.’
5
Zvino akadana mumwe nomumwe akanga ane chikwerete nashe wake, akati kune wokutanga, ‘Une chikwerete chakadiniko kuna ishe wangu?’
6
Iye akati, ‘Makate ane zana amafuta.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, gara pasi pakarepo, unyore makumi mashanu.’
7
Akati kuno mumwe, ‘Ko iwe, une chikwerete chakadiniko?’ Iye akati, ‘Matengu ane zana ezviyo.’ Akati kwaari, ‘Tora runyoro rwako, unyore makumi masere.’
8
Ishe wake akarumbidza mutariri asakarurama, nokuti akanga aita nokuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera parudzi rwavo kukunda vana vechiedza.”
9
Ndinoti kwamuri, “Muzviitire shamwari nepfuma isakarurama, kuti, kana yapera, vakugamuchirei mudzimba dzisingaperi.
10
Akatendeka pazvinhu zviduku-duku, akatendekawo pazvikuru; asi asakarurama pazvinhu zviduku-duku, haangaruramiwo pazvikuru.
11
Naizvozvo kana musina kuva vakatendeka papfuma isakarurama, ndianiko achakutendai nepfuma yechokwadi?
12
Kana musina kuva vakatendeka pazvinhu zvomumwe, ndianiko achakupai zvenyu?
13
“Hakuna muranda angagona kushandira vatenzi vaviri, nokuti achavenga mumwe, akada mumwe; kana achinamatira mumwe, akazvidza mumwe; hamungashandirii Mwari nePfuma.”
14
Zvino vaFarisi, vakanga vachida mari, vakanzwa izvozvo zvose, vakamuseka.
15
Akati kwavari, “Imi munozviruramisa pamberi pavanhu, asi Mwari anoziva mwoyo yenyu; nokuti izvo zvinokudzwa pakati pavanhu, zvinonyangadza pamberi paMwari.
16
“Murayiro navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kuna Johani; kubva panguva iyo ushe hwaMwari hunoparidzwa, mumwe nomumwe anopinda mahuri nesimba.
17
Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti tsanga imwe yomurayiro ikoneswe.
18
“Mumwe nomumwe anoramba mukadzi wake, akawana mumwe, anoita upombwe; uye mumwe nomumwe anowana wakarambwa nomurume, anoita upombwe.
19
“Mumwe mupfumi akanga aripo, aipfeka nguo tsvuku nemicheka yakanaka, nokufarira zvakaisvonaka misi yose.
20
“Zvino mumwe murombo, ainzi Razaro, akanga anamaronda mazhinji, akaiswa pasuo rake,
21
achida kuzvigutisa nezvaidonhera patafura romupfumi; kunyange nembwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake.
22
“Zvino murombo akati afa, vatumwa vakamuisa pachipfuva chaAbhurahamu. Mupfumi akafawo, akavigwa.
23
Zvino ari muHadhesi, ari pakurwadziwa, akatarira kumusoro, akaona Abhurahamu ari kure, naRazaro ari pachipfuva chake.
24
Akadanidzira, akati, ‘Baba Abhurahamu, ndinzwirei ngoni; tumai Razaro, kuti anyike muromo womunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu, nokuti ndinorwadziwa nomurazvo uyu womoto.’
25
Abhurahamu akati, ‘Mwana, funga kuti wakapiwa zvakanaka zvako muupenyu hwako; naRazaro, saizvozvo akapiwa zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa pano, iwe unorwadziwa.
26
Uye pazvinhu izvi zvose, mukaha mukuru wakaiswa pakati pedu nemi, kuti vokuno vanoda kuenda mhiri kwamuri, vakoniwe, nowoko varege kuyambukira kwatiri.’
27
Ipapo akati, ‘Ndinokumbira kwamuri baba, kuti mumutumire kumba kwababa vangu;
28
nokuti ndina vanun'una vashanu; kuti andonatsovapupurira, kuti varege kuuyawo panzvimbo ino yokurwadziwa.’
29
Abhurahamu akati, ‘Mosesi navaporofita vanavo, ngavavanzwe ivo.’
30
Iye akati, ‘Kwete, baba Abhurahamu, asi kana mumwe akabva kuvakafa, akaenda kwavari, vangatendeuka.’
31
“Akati kwaari, ‘Kana vasinganzwi Mosesi navaporofita, havangatendi, kunyange mumwe akamuka kuvakafa.’ ”
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24