bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 11
Luke 11
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
1
Zvino akati achinyengetera pane imwe nzvimbo, apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengeterawo Johani sezvaakadzidzisa vadzidzi vakewo.”
2
Akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti, ‘Baba, zita renyu ngarikudzwe nohutsvene; ushe hwenyu ngahuuye;
3
mutipe zuva rimwe nerimwe zvokudya zvedu zvinotiringana;
4
mutikanganwire zvivi zvedu, nokuti nesu tinokanganwira vose vane mhosva nesu; musatiisa mukuedzwa.’ ”
5
Akati kwavari, “Ndianiko kwamuri angava neshamwari; akaenda kwaari pakati pousiku, akati kwaari, ‘Shamwari ndiposewo zvingwa zvitatu;
6
nokuti shamwari yangu iri parwendo yakasvika kwandiri, zvino handina chandingamupakurira.’
7
Ari mukati akapindura, akati, ‘Usandinetsa; musuo watopfigwa, navana vangu vava neni panhoo; handingamuki ndikakupa.’
8
“Ndinoti kwamuri, kunyange asingamuki akamupa, nokuda kwokuti ishamwari yake, achamuka, akamupa zvose zvaanoshaiwa nokusa kwokutsungirira kwake.
9
Ndinoti kwamuri, kumbirai, muchapiwa; tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa.
10
“Nokuti mumwe nomumwe anokumbira, anopiwa; anotsvaka, anowana; neanogogodza, anozarurirwa.
11
Ndavapiko baba pakati penyu, kana mwanakomana achikumbira chingwa, vangamupa ibwe here? Kana hove, vangamupa nyoka panzvimbo yehove here?
12
Kana akakumbira zai, vangamupa chinyavada here?
13
Naizvozvo kana imi makaipa muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene vanokumbira kwaari.”
14
Zvino akanga achibudisa mweya wakaipa, waiva mbeveve; mweya wakaipa ukati wabva, mbeveve ikataura, vanhu vazhinji vakashamiswa.
15
Asi vamwe vavo vakati, “Anobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, mukuru wemweya yakaipa.”
16
Asi vamwe vakamuedza, vakakumbira chiratidzo kwaari chinobva kudenga.
17
Zvino iye akati achiziva kufunga kwavo, akati kwavari, “Ushe humwe nohumwe hunozvipesanisa, hunoparadzwa; neimba inopesana neimba, inowa.
18
NaSatani, kana achizvipesanisa, ushe hwake hungamiri seiko, zvamunoti, ndinobudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri?
19
Kana ini ndichibudisa mweya yakaipa naBheerizebhuri, ko vanakomana venyu vanoibudisa nani? Naizvozvo ivo vachava vatongi venyu.
20
“Asi kana ndichibudisa mweya yakaipa nomunwe waMwari, ipapo ushe hwaMwari hwasvika kwamuri.
21
“Kana munhu ane simba, akashonga nhumbi dzokurwa, achirinda imba yake, nhumbi dzake dzinochengeteka.
22
Asi kana mumwe anomupfuura nesimba akamuvamba, akamukunda, ipapo achamutorera nhumbi dzose dzokurwa, dzaakanga achivimba nadzo, ndokugovera izvo zvaapamba.
23
“Asi neni, anopesana neni, noasingaunganidzi neni, anoparadza.
24
“Mweya wakaipa kana wabuda kumunhu, anopota nenzvimbo dzakaoma, achitsvaka zororo; kana ukashaiwa, unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwangu kwandabuda.’
25
Kana wasvika, unoiwana yatsvairwa, yanatswa.
26
Ipapo unoenda, ndokundotora mimwe mweya minomwe inoukunda nokuipa, ndokupinda, ndokugaramo; kuguma kwomunhu uyo kwakaipa kupfuura kutanga kwake.”
27
Akati areva izvozvo, mumwe mukadzi pakati pavanhu vazhinji akadanidzira, akati kwaari, “Rakaropafadzwa dumbu rakakutakurai, namazamu amakayamwa.”
28
Asi iye akati, “Hongu, zvikuru vakaropafadzwa vanonzwa shoko raMwari, vachirichengeta.”
29
Zvino vazhinji vakati vachiunganira kwaari, akatanga kuti, “Rudzi urwu, rudzi rwakaipa; runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.
30
Nokuti Jona sezvaakanga ari chiratidzo kuna vaNinivhe, ndizvo zvichaitawo Mwanakomana womunhu kurudzi urwu.
31
Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu, akavapa mhosva, nokuti akabva pamigumo yenyika, kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.
32
Varume veNinivhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu, vakarupa mhosva, nokuti vakatendeuka nokuparidza kwaJona; tarirai, mukuru kuna Jona ari pano.
33
“Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje angauisa pakavanda, kana pasi pedengu, asi pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza.
34
Mwenje womuviri iziso rako; kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa; asi kana rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.
35
Naizvozvo chenjera kuti chiedza chiri mukati mako chirege kuva rima.
36
Zvino kana muviri wako wose wakavhenekerwa, pasina rutivi rune rima, uchavhenekerwa wose, somwenje unokuvhenekera nokupenya kwawo.”
37
Akati achataura, mumwe muFarisi akakumbira kwaari kuti adye naye; akapinda, akagara pakudya.
38
Zvino muFarisi akashamiswa, achiona kuti haana kumboshamba asati adya.
39
Ishe akati kwaari, “Zvino imi vaFarisi, munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40
Imi mapenzi! Ko uyo akaita zviri kunze, haazi iye akaita zviri mukatiwo here?
41
Asi ipai izvo zviri mukati zvive zvipo; ipapo tarirai zvose zvichava zvakanaka kwamuri.
42
“Asi mune nhamo, imi vaFarisi, nokuti munopa chegumi chemindi neruyi nemiriwo yose, muchirega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo.
43
“Mune nhamo, imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare.
44
Mune nhamo, imi, nokuti makaita samakuva asingaonekwi; vanhu vanofamba pamusoro pawo, vasingazivi.”
45
Zvino mumwe wavadudziri womurayiro akapindura, akati kwaari, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvozvo, munotituka nesuo.”
46
Iye akati, “Mune nhamo nemiwo, vadudziri vomurayiro; nokuti munotakudza vanhu mitoro inorema, inotambudza kutakura, asi imi mumene hamubati mitoro iyo kunyange nomunwe wenyu mumwechete.
47
“Mune nhamo, imi, nokuti munovaka marinda avaporofita vakaurawa namadzibaba enyu.
48
Naizvozvo muri zvapupu, muchitenderanawo namabasa amadzibaba enyu; nokuti ivo vakavauraya, nemi munovaka marinda avo.
49
Saka nokuchenjera kwaMwariwo kwakati, ‘Ndichatumira kwavari vaporofita navapostori, vachauraya vamwe vavo, nokuvatambudza;’
50
kuti mhosva yeropa ravaporofita vose, rakateurwa kubva pakuvambwa kwenyika, itsvakwe parudzi urwu;
51
kubva paropa raAbheri, kusvikira paropa raZekariya, akaurawa pakati pearitari neImba yaMwari; hongu, ndinoti kwamuri, mhosva ichatsvakwa parudzi urwu.
52
“Mune nhamo, imi vadudziri vomurayiro; nokuti makabvisa kiyi yokuziva; hamuna kupinda pachenyu, uye makadzivisa avo vakanga vachipinda.”
53
Akati achibvapo, vanyori navaFarisi vakatanga kumumanikidza kwazvo, nokumubvunzisisa pamusoro pezvimwe zvizhinji,
54
vachimurindira, kuti vamubate pashoko rinobuda mumuromo make.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24