bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 17
Luke 17
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye.
2
Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
3
“Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire.
4
Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.”
5
Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.”
6
Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.
7
“Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya?
8
“Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’
9
Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here?
10
“Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ”
11
Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGariria.
12
Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.
13
Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!”
14
Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora.
15
Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru;
16
akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria.
17
Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko?
18
Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?”
19
Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”
20
Zvino akati achibvunzwa naFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura, akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa.
21
Havangati, ‘Tarirai pano!’ Kana, ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.”
22
Akati kuvadzidzi vake, “Mazuva achasvika amuchatsvaka kuona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarioni.
23
Vachati kwamuri, ‘Tarirai uko! Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera;
24
nokuti semheni inopenya, ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuo nezuva rake.
25
Asi anofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurambwa norudzi urwu.
26
Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu;
27
vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.
28
Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;
29
asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.
30
Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.
31
“Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kunezviri shure.
32
“Rangarirai mukadzi waRoti.
33
Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, achahuraramisa.
34
Ndinoti kwamuri, usiku uhwo varume vaviri vachava panhoo imwe, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.
35
Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. [
36
Vaviri vachava kumunda, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.]”
37
Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24