bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 24
Luke 24
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira.
2
Vakawana ibwe rakunguruswa, rabviswa pabwiro,
3
vakapinda, vakashayiwa chitunha chashe Jesu.
4
Zvino vakati vachakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vane nguo dzinopenya;
5
zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari, “Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?
6
“Haapo pano, amuka. Fungai zvaakakuudzai achiri Gariria,
7
kuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu vakaipa aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.’ ”
8
Ipapo vakarangarira mashoko ake,
9
vakadzoka vachibva kubwiro, vakaudza vane gumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose.
10
Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo.
11
Mashoko awa akaita soupenzi kwavari; vakasaatenda.
12
Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa.
13
Pazuva iroro vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusaremu masitadhi ana makumi matanhatu;
14
vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.
15
Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.
16
Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva.
17
Akati kwavari, “Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?” Vakamira vane shungu pamwoyo.
18
Mumwe wavo, wainzi Kiropasi, akapindura, akati kwaari, “Ko ndiwe woga ugere muJerusaremu somutorwa, asingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?”
19
Akati kwavari, “Zvinyiko?” Vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareta, aiva muporofita ane simba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose;
20
uye kuti vapristi vakuru navashandi vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa.
21
Takanga tichiti ndiye aizodzikinura vaIsiraeri; uye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo.
22
“Uyezve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa;
23
nokuti vakati vachishayiwa chitunha chake, vakauya vachiti, vaona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu.
24
“Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuona.”
25
Zvino iye akati kwavari, “Imi vokusafunga, mune mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaporofita!
26
“Kristu akanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda mukubwinya kwake here?”
27
Ipapo akatanga kuna Mosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.
28
Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda; iye akaita sooda kupfuura.
29
Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo.
30
Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa.
31
Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari.
32
Vakataurirana, vachiti, “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?”
33
Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusaremu, vakawana vane gumi nomumwe navaiva navo vakaungana.
34
Ivo vakati, “Ishe amuka zvirokwazvo; aonekwa naSimoni.”
35
Vakarondedzera zvakaitika munzira, uye kuti akazikanwa navo sei pakumedura chingwa.
36
Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi!”
37
Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vaona mweya.
38
Akati kwavari, “Munotambudzika neiko? Mifungo inomukireiko mumwoyo yenyu?
39
Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunondiona ndinazvo ini.”
40
Akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake.
41
Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo, vachashamiswa, akati kwavari, “Mune zvokudya pano here?”
42
Vakamupa nhindi yehove yakagochwa.
43
Akatora, akadya vachizviona.
44
Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurayiro waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.”
45
Ipapo akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.
46
Akati kwavari, “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu achatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu;
47
kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga muJerusaremu.
48
Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49
Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.”
50
Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBhetania, ndokutambanudza maoko ake, akavaropafadza.
51
Akati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
52
Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusaremu vanomufaro mukuru.
53
Vakarambira mutemberi, vachirumbidza Mwari.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24