bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 13
Luke 13
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
1
Nenguva iyo vamwe vakanga varipo vakamuudza shoko ravaGariria vakanga vavenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.
2
Akapindura, akati kwavari, “Munoti vaGariria avo vakanga vari vatadzi here kupfuura vaGariria vose, zvavakatambudzika saizvozvo?
3
Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.
4
Kana vaya vane gumi navasere, vakawirwa nesvingo yeSiroami, ikavauraya, munoti vakanga vane mhosva kukunda vanhu vose vaigara Jerusaremu here?
5
Ndinokuudzai, kwete; asi kana musingatendeuki, imi mose muchaurawa saizvozvo.”
6
Zvino akataura mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga ano muonde, wakanga wakasimwa mumunda wake wemidzambiringa; akauya achitsvaka muchero kwauri, akaushayiwa.
7
Ipapo akati kumurimi womunda wemidzambiringa, ‘Tarira, ndauya makore matatu ndichitsvaka michero pamuonde uyu, ndikaushayiwa; uuteme, unotadzireiko pasi?’
8
Akapindura, akati kwaari, ‘Ishe, muuregei henyu nhaka, kusvikira ndichiurimira, nokuuisa mupfudze;
9
kana ukazobereka michero, zvakanaka; asi kana usingabereki, mungazoutema henyu.’ ”
10
Zvino akanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi weSabata.
11
Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka.
12
Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.”
13
Akaisa maoko ake pamusoro pake; akatasanuka pakarepo, akarumbidza Mwari.
14
Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu akaporesa nomusi weSabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji, “Mazuva matanhatu aripo, anofanira kushandwa nawo; uyai naiwayo, muporeswe; asi musauya nomusi weSabata.”
15
Asi Ishe akamupindura, akati, “Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi weSabata, akaenda nayo kundoinwisa here?
16
Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, akanga akasungwa naSatani makore ane gumi namasere, haaizafanira kusunungurwa nomusi weSabata pachisungo ichi here?”
17
Zvino akati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisvonaka, zvakaitwa naye.
18
Zvino akati, “Ushe hwaMwari hwakafanana neiko? Ndichahufananidza nei?
19
Hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akadyara mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokudenga dzikagara pamatavi awo.”
20
Akatizve, “Ushe hwaMwari ndichahufananidza neiko?
21
Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muzviyero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.”
22
Zvino akafamba namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusaremu.
23
Mumwe akati kwaari, “Ishe, vachazoponeswa vashoma here?”
24
Akati kwavari, “Irwai kupinda nesuo rakamanikana; nokuti vazhinji, ndinoti kwamuri, vachatsvaka kupinda, asi havangagoni.
25
Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’
26
Zvino muchatanga kuti, ‘Taidya, tainwa pamberi penyu, uye maidzidzisa panzira dzomumisha yedu.’
27
Asi iye achati, ‘Ndinokuudzai, handizivi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, vaiti vezvisakarurama!’
28
Apo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno, kana muchiona Abhurahamu naIsaka naJakobho navaporofita vose vari muushe hwaMwari, asi imi mabudiswa kunze.
29
“Vanhu vachabva kumabvazuva, nokumavirira, nokumusoro, nezasi, vakagara muushe hwaMwari.
30
Tarirai, varipo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.”
31
Nenguva iyo vamwe vaFarisi vakasvika, vakati kwaari, “Budai, mubve pano, nokuti Herodhi anoda kukuurayai.”
32
Akati kwavari, “Endai, mundoudza mhungubwe iyo, muti, ‘Tarira, ndinobudisa mweya yakaipa, ndinoporesa nhasi namangwana, nezuva retatu ndinopedzisa.’
33
Asi ndinofanira kufamba nhasi namangwana, nerinotevera, nokuti hazvingaitiki kuti muporofita aurawe kunze kweJerusaremu.
34
“Jerusaremu, Jerusaremu, unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri; ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba.
35
Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo; asi ndinoti kwamuri, hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe!’ ”
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24