bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 8
Luke 8
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Zvino shure kwaizvozvo, akapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveVhangeri youshe hwaMwari, vane gumi navaviri vanaye.
2
Navamwe vakadzi vakanga vaporeswa pamweya yakaipa napazvirwere, vaiti, Maria anonzi Magadharina, iye akanga abuda mweya yakaipa minomwe kwaari,
3
naJohana, mukadzi waKuza, mutariri waHerodhi, naSusana, navamwe vazhinji, vaimushumira nezvavo.
4
Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakati vaungana, navakanga vabva kumaguta ose vakasvika kwaari, akataura nomufananidzo, akati,
5
“Mukushi akabuda kundokusha mbeu dzake; akati achikusha, dzimwe mbeu dzakawira panzira, dzikatsikwa, shiri dzokudenga dzikadzidya.
6
Dzimwe dzakawira paruware; dzikamera, dzikaoma, nokushayiwa mwando.
7
Dzimwe dzakawira pakati peminzwa; minzwa ikakura pamwechete nadzo, ikadzivhunga.
8
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikamera, dzikabereka zvibereko zvine zana. Akati ataura izvozvo, akadanidzira, achiti, ‘Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.’ ”
9
Zvino vadzidzi vake vakamubvunza, kuti mufananidzo uyo wairevei.
10
Akati, “Imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwaMwari; asi vamwe vanozvipiwa nemifananidzo, kuti vachiona, varege kuona; vachinzwa, varege kunzwisisa.
11
Zvino mufananidzo ndiwo: mbeu ishoko raMwari.
12
Avo vapanzira ndivo vakanzwa; zvino Dhiabhori wouya, achibvisa shoko pamwoyo yavo, kuti varege kutenda, vakaponeswa.
13
Avo vaparuware ndivo vanoti kana vanzwa shoko, vanorigamuchira nomufaro; havano mudzi, vanongotenda nguva duku; nenguva yokuedzwa vanotsauka.
14
Dzakawira pakati peminzwa ndivo vakanzwa; zvino vanoenda, vakaungiwa nokufunganya nepfuma, nezvinofadza zvoupenyu huno, vakasasvitsa zvibereko.
15
Asi dzomuvhu rakanaka, ndivo vakanzwa shoko mumwoyo wakarurama nowakanaka, vanorichengeta, vachibereka zvibereko nokutsungirira.
16
“Hakuna munhu, anoti kana atungidza mwenje, anozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubhedha; asi anouisa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza.
17
“Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazooneswi, hakuna chakavigwa, chisingazozikanwi, nokubuda pachena.
18
“Naizvozvo, chenjerai mutoo wamunonzwa nawo; nokuti anazvo, achapiwa; asina, achatorerwa naichochowo chaanoti ndinacho.
19
“Zvino mai vake navakoma navanun'una vake vakauya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji.
20
“Akaudzwa, zvichinzi, ‘Mai venyu navakoma navanun'una venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.’ ”
21
Akapindura, akati kwavari, “Mai vangu navakoma navanun'una vangu ndivo vaya vanonzwa shoko raMwari vachiriita.”
22
Zvino nerimwe ramazuva iwayo akapinda muigwa navadzidzi vake, akati kwavari, “Ngatiyambukire mhiri kwegungwa.” Vakaenda.
23
Zvino vakati vachienda, iye akavata; dutu guru remhepo rikauya pagungwa; vakatanga kuzarirwa nemvura, vakava munjodzi.
24
Vakauya kwaari, vakamumutsa, vachiti, “Tenzi! Tenzi! Tofa!” Ipapo akamuka, akarayira mhepo namafungu emvura; zvikaguma, kukadzikama.
25
Zvino akati kwavari, “Kutenda kwenyu kuripiko?” Vakatya nokushamiswa, vakataurirana, vachiti, “Ndianiko uyu, zvaanoraira kunyange nemhepo nemvura, zvichimuteerera?”
26
Zvino vakasvika kunyika yavaGerasa, yakatarisana neGariria.
27
Akati achibuda muigwa panyika, mumwe murume weguta akasangana naye, akanga ane mweya yakaipa; nguva huru akanga asina kupfeka nguo, asingagari mumba, asi mumarinda.
28
Zvino iye akati achiona Jesu, akadanidzira, ndokuzviwisira pamberi pake, akati nezwi guru, “Ndine mhaka yeiko nemi Jesu, Mwanakomana woWokumusoro-soro? Ndinokumbira kwamuri kuti musanditambudza.”
29
Nokuti akarayira mweya wahan'ora kuti ubude kumunhu. Nokuti kazhinji akanga abatwa nawo; akasungwa nezvisungo nengetani akarindiwa; akadambura zvisungo, akadzingirwa kumarenje nomweya wakaipa.
30
Jesu akamubvunza, achiti, “Zita rako ndianiko?” Akati, “Regioni.” Nokuti mweya yakaipa mizhinji yakanga yapinda maari.
31
Ikakumbira zvikuru kwaari, kuti arege kuyiraira kuti iende kwakadzika-dzika.
32
Zvino kwakanga kuripo boka guru renguruve zhinji, raifura mugomo; ikakumbira zvikuru kwaari, kuti aitendere kupinda madziri; akaitendera.
33
Mweya yakaipa ikabuda kumunhu, ikapinda munguruve; ipapo boka rakamhanyira kumawere kugungwa, rikagaramo.
34
Vaidzifudza vakati vaona zvaitwa, vakatiza, vakandoudza izvozvo muguta naparuwa.
35
Vakabuda kundoona zvaitwa; vakasvika kuna Jesu, vakandoona munhu, makanga mabuda mweya yakaipa maari, agere patsoka dzaJesu, apfeka, ava munhu kwaye; vakatya.
36
Vakanga vazviona vakavaudza mutoo waakaporeswa nawo, iye waiva nemweya yakaipa.
37
Vanhu vose venyika yakapoteredza yavaGerasa vakakumbira kwaari kuti abve kwavari, nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru. Akapinda muigwa, akadzoka.
38
Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, akakumbira kwaari kuti agare naye. Asi akamudzosa, achiti,
39
“Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari.” Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu.
40
Zvino Jesu akati achidzoka, vazhinji vakamugamuchira; nokuti vose vakanga vakamumirira.
41
Ipapo mumwe murume, ainzi Jairosi, akanga ari mukuru wesinagoge, akauya akazviwisira patsoka dzaJesu, akakumbira zvikuru kwaari kuti apinde mumba make.
42
Nokuti akanga anomukunda mumwechete, waiva namakore anenge gumi namaviri, akanga atotandadza. Zvino akati achienda, vanhu vazhinji vakamumanikidza.
43
Ipapo mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga apedzera pan'anga zvose zvaairarama nazvo, asingaporeswi neimwe,
44
akauya mumashure make, akabata mupendero wenguo yake, pakarepo kubuda kwake kweropa kukaguma.
45
Jesu akati, “Ndianiko andibata?” Zvino vose vakati vachiramba, Petirosi akati, “Tenzi, vanhu vazhinji vanokumanikidzai nokukutsikirirai.”
46
Asi Jesu akati, “Mumwe andibata, nokuti ndanzwa kuti simba rabuda kwandiri.”
47
Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo.
48
Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.”
49
Akati achataura, mumwe akasvika, achibva kumba kwomukuru wesinagoge, akati kwaari, “Mukunda wenyu afa; regai henyu kutambudza Mudzidzisi.”
50
Zvino Jesu akati achizvinzwa, akapindura, akati, “Usatya, tenda bedzi, iye achaponeswa.”
51
Zvino akati asvika kumba, akasatendera munhu kupinda naye, asi Petirosi, naJohani, naJakobho, nababa vomusikana, namai.
52
Vose vakanga vachichema, vachimuungudza. Iye akati, “Musachema, haana kufa, asi avete.”
53
Vakamuseka, vachiziva kuti wafa.
54
Zvino iye akabata ruoko rwake, akadana, achiti, “Musikana, muka!”
55
Ipapo mweya wake wakadzoka, akamuka pakarepo. Akarayira kuti apiwe zvokudya.
56
Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti varege kuudza munhu zvakaitwa.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24