bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 12
Luke 12
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Zvino vanhu vane zviuru zvizhinji vakati vaunganira pamwechete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti, “Chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiko kunyengera.
2
Hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi.
3
“Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba.
4
“Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo.
5
Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye.
6
Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari.
7
“Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji.
8
“Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari.
9
Asi anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.
10
“Mumwe nomumwe anoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, achakanganwirwa, asi anoshonha Mweya Mutsvene haangakanganwirwi.
11
“Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru vakuru, musafunganya kuti tichapindura sei, kana tichapindurei, kana tichataurei.
12
Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”
13
Zvino mumwe pakati pavazhinji akati kwaari, “Mudzidzisi, udzai munun'una wangu kuti agovane nhaka neni.”
14
Iye akati kwaari, “Iwe munhu, ndianiko akandiita mutongi kana mugoveri pakati penyu?”
15
Akati kwavari, “Chenjerai, muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”
16
Akavataurira mufananidzo, akati, “Munda womumwe mupfumi wakanga wabereka kwazvo;
17
akafunga mumwoyo make, akati, ‘Ndichaita seiko? Nokuti handina pandingaunganidzira mbesanwa dzangu.’
18
Akati, ‘Ndichaita kudai, ndichaputsa matura angu, ndikavaka makuru; ndichaunganidzirapo zviyo zvangu, nezvose zvangu zvakanaka zvandinazvo,
19
ndigoti kumweya wangu, Mweya, une zvakawanda zvakanaka, zvakavigirwa makore mazhinji, zorora, udye, unwe, ufare.’
20
Asi Mwari akati kwaari, ‘Iwe benzi, nousiku uhwu vachakutorera mweya wako; izvo zvawagadzira, zvichagova zvaani?’
21
“Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingapfumi kuna Mwari.”
22
Zvino akati kuvadzidzi vake, “Naizvozvo ndinoti kwamuri, musafunganya pamusoro poupenyu hwenyu, kuti muchadyei, kana pamusoro pomuviri wenyu, kuti muchapfekei?
23
Nokuti upenyu hunopfuura zvokudya, nomuviri unopfuwura zvokupfeka.
24
Fungai makunguo, kuti haadyari, haacheki, haane tsapi kana dura; asi Mwari anoapa zvokudya. Imi munokunda shiri zvikuru sei!
25
Ndianiko kwamuri angawedzera kubhiti rimwe pahurefu hwake nokufunganya?
26
Zvino kana imi musingagoni kuita chinhu chiduku, munofunganyireiko pamusoro pezvimwe?
27
“Fungai maruva, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo.
28
Zvino kana Mwari achipfekedza saizvozvo uswa hwenyika, huripo nhasi, mangwana hwokandirwa muchoto, haangakupfekedzi nokupfuurisa, imi vokutenda kuduku here?
29
“Imi musatsvaka zvamuchadya, nezvamuchanwa; musazvidya mwoyo.
30
Nokuti zvinhu izvozvi zvose zvinotsvakwa navahedheni; asi Baba venyu vanoziva kuti munoshayiwa izvozvi.
31
Asi tsvakai ushe hwavo, naizvozvo zvose muchazviwedzerwa.
32
“Musatya henyu, imi veboka duku, nokuti Baba venyu vanofara kukupai ushe.
33
Tengesai zvamunazvo, mupe zvipo; muzviitire zvikwama zvisingasakari, pfuma isingaperi kudenga, pasingasviki mbavha, pasingaparadzi zvipfunho.
34
“Nokuti pane pfuma yenyu, nomwoyo wenyu uchavapowo.
35
“Zviuno zvenyu ngazvigare zvakasungwa, nemwenje yenyu ipfute.
36
Nemi muve savanhu vakarindira ishe wavo pakudzoka kwake kumutambo womuchato; kuti kana akasvika, akagogodza, vamuzarurire pakarepo.
37
Vakaropafadzwa varanda avo, vanoti, kana ishe achisvika, anovawana vakarindira. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, achazvisunga chiuno iye, akavagarisa pakudya, akauya akavashandira.
38
“Kana akasvika nenguva yokurindira yechipiri, kana yechitatu yousiku, akavawana vakadaro, vakaropafadzwa varanda ivavo.
39
Asi muzive izvi, kuti dai muridzi weimba aiziva nguva inouya nayo mbavha, haazaitendera kuti imba yake ipazwe.
40
Nemiwo mugare makazvigadzira, nokuti Mwanakomana womunhu achauya nenguva yamusingafungi.”
41
Zvino Petirosi akati kwaari, “Ishe, mufananidzo uyu munoutaura kwatiri, kana kuna vose here?”
42
Ishe akati, “Ndianiko mutariri akatendeka, akachenjera, achaiswa nashe wake pamusoro pavaranda vake, kuti avape mugove wezvokudya zvavo nenguva yakafanira?
43
“Akaropafadzwa muranda uyo anoti, kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo.
44
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti achamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.
45
Asi kana muranda uyo akareva mumwoyo make, achiti, ishe wangu anonoka kuuya; akatanga kurova varanda, varume navakadzi, akadya, akanwa, akadhakwa,
46
ishe womuranda uyo achasvika nezuva raasingatariri, nenguva yaasingazivi, akamurovesa zvikuru, akamupa mugove wake pamwechete navasakatendeka.
47
Muranda uyo akaziva kuda kwashe wake, akasagadzira, kana kuita kuda kwake, acharohwa zvakanyanya.
48
“Asi asina kuziva, akaita zvakafanira kurohwa, acharohwa zvishoma. Akapiwa zvizhinji, zvizhinji zvichatsvakwa kwaari; anotendwa nezvizhinji, vachareva zvinopfuurisa kwaari.
49
“Ndakauya kuzokanda moto panyika; zvino ndinoti, dai watobatidzwa hawo!
50
Ndino rubhabhatidzo rwandichabhabhatidzwa narwo; ndinomanikidzwa sei kusvikira zvichiitika.
51
Munofunga kuti ndakauya kuzopa rugare panyika here? Ndinoti kwamuri, kwete, asi kupesanisa.
52
Nokuti kubva zvino vashanu veimba imwe vachapesana, vatatu vachipesana navaviri, vaviri navatatu.
53
Baba vachapesana nomwanakomana wavo, nomwanakomana nababa vake; mai nomwanasikana wavo, nomwanasikana namai vake; vamwene nomukadzi womwanakomana wavo, nomukadzi womwanakomana navamwene vake.”
54
Akati kuvanhu vazhinji, “Kana muchiona gore richikwira kumavirira, pakarepo munoti, mvura ichanaya; zvoitika saizvozvo.
55
Kana muchiona mhepo ichivhuvhuta ichibva Zasi munoti, kuchapisa kwazvo; zvoitika.
56
Imi vanyengeri; munoziva kududzira zvamunoona zvenyika nezvokudenga, asi hamuzivi sei kududzira nguva ino?
57
“Munoregereiko kuzvitongera mumene zvakarurama?
58
Nokuti kana uchienda kuna she nomudzivisi wako, edza kuti uregedzwe naye muchiri munzira; kuti arege kukukwirira kumutongi, mutongi akuise kumupurisa, mupurisa akuise mutorongo.
59
Ndinoti kwauri, haungatongobudimo, usati waripa kamari kwokupedzisira.”
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24