bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 19
Luke 19
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Akapinda Jeriko, akapfuura napakati.
2
Zvino murume aivapo, ainzi Zakeo; iye akanga ari mukuru wavateresi, uye aiva mupfumi;
3
akatsvaka kuona Jesu, kuti ndiye ani; asi akanga asingagoni, nokuti akanga akapfupika.
4
Ipapo akamhanyira mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga opfuura napo.
5
Zvino Jesu akati achisvikapo, akatarira kumusoro, akati kwaari, “Zakeo, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”
6
Iye akakurumidza kuburuka, akamugamuchira nomufaro.
7
Vose vakazviona, vakagu'nun'una, vachiti, “Wapinda kundogara nomurume uri mutadzi.”
8
Ipapo Zakeo akamira, akati kuna Ishe, “Tarirai, Ishe, ndinopa varombo hafu yepfuma yangu, uye kana ndatorera mumwe chinhu chake nokunyengera, ndinomudzosera zvava zvina.”
9
Jesu akati kwaari, “Nhasi ruponeso rwasvika paimba ino; nokuti naiyewo mwanakomana waAbhuruhamu.
10
“Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.”
11
Vakati vachinzwa izvozvo, akawedzera akataura mumwe mufananidzo, nokuti akanga ava pedyo neJerusaremu, ivo vakati ushe hwaMwari hwobva hwoonekwa pakarepo.
12
Naizvozvo akati, “Mumwe munhu mukuru akaenda kunyika yakanga iri kure, kuti andopiwa ushe, agodzokazve.
13
Akadana varanda vake vane gumi, akavapa gumi repondo, akati kwavari, ‘Shambadzirai, kusvikira ndichiuyazve.’
14
Asi vanhu venyika yake vakanga vachimuvenga, vakatuma nhume kumutevera, kundoti, ‘Hatidi kuti uyu munhu ave ishe wedu.’
15
“Zvino akati adzoka kuya kwaakanga andopiwa ushe, akarayira kuti vaya varanda vaakanga apa mari, vadanirwe kwaari, anzwe kuti mumwe nomumwe akawanei nokushambadzira kwake.
16
Wokutanga akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawana dzimwe pondo dzine gumizve.’
17
“Akati kwaari, ‘Zvakanaka, muranda wakanaka; zvawakanga wakatendeka pazviduku-duku, ubate maguta ane gumi.’
18
“Wechipiri akasvika, akati, ‘Ishe, pondo yenyu yakawedzerazve pondo shanu.’
19
“Akati kwaariwo, ‘Newe, ubate maguta mashanu.’
20
Zvino mumwe akasvika, akati, ‘Ishe, tarirai pondo yenyu heyi, yandakanga ndachengeta mumucheka.
21
Nokuti ndakanga ndichikutyai, zvamuri munhu ane hasha, munotora zvamusakaisapo, munocheka zvamusakakusha.’
22
Akati kwaari, ‘Ndichakutonga namashoko ako amene, iwe muranda wakaipa! Wakanga uchiziva kuti ndiri munhu ane hasha, ndichitora zvandisakaisa, ndichicheka zvandisakakusha;
23
zvino wakaregereiko kuisa mari yangu mubangi, ndikazoitora pakudzoka kwangu yawanda.’
24
Ipapo akati kuna vakanga vamirepo, ‘Mutorerei pondo iyo, muipe ane pondo dzine gumi.’
25
Vakati kwaari, ‘Ishe, atova nepondo dzine gumi.’
26
Ndinoti kwamuri, ‘Mumwe nomumwe ane chinhu, achapiwa; asi asina, achatorerwa nezvaanazvo.
27
Asi vavengi vangu avo, vakanga vasingadi kuti ndive ishe wavo, uyai navo pano, muvauraye pamberi pangu.’ ”
28
Akati areva izvozvo, akatungamirira mberi achikwira Jerusaremu.
29
Akati oswedera Bhetifage neBhetania, kugomo rinonzi reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,
30
achiti, “Endai kumusha wakatarisana nemi; kana muchipinda mauri, muchawana mhuru yembongoro yakasungirwa, isina kumbotasvwa nomunhu; muisunungure, mugouya nayo.
31
Kana mumwe akakubvunzai, achiti, ‘Munoisunungurireiko?’ Muti kwaari, ‘Kudai ishe anoida.’ ”
32
Avo vakatumwa vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza.
33
Zvino vakati vachisunungura mhuru, varidzi vayo vakati kwavari, “Munosunungurireiko mhuru?”
34
Vakati, “Ishe anoida.”
35
Vakauya nayo kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo pamusoro pemhuru, vakatasvisa Jesu pamusoro payo.
36
Zvino achifamba, vakawarira nguo dzavo munzira.
37
Akati oswedera pamaburusiro egomo reMiorivhi, vadzidzi vake vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nezwi guru pamusoro pamabasa ose esimba avakanga vaona,
38
vachiti, “Mambo ngaakudzwe, iye anouya muzita raIshe! Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!”
39
Vamwe vaFarisi pakati pavazhinji vakati kwaari, “Mudzidzisi, rairai vadzidzi venyu!”
40
Akapindura, akati, “Ndinokuudzai, kana ava vakanyarara, mabwe angadanidzira.”
41
Zvino akati aswedera pedyo, akaona guta, akachema pamusoro paro,
42
achiti, “Dai waiziva iwe zuva rino zvinhu zvingakupa rugare, asi zvino zvakavanzirwa meso ako!
43
Nokuti uchasvikirwa namazuva, auchavakirwa nawo muchinjiziri navavengi vako, vachakukomba, nokukumanikidza pamativi ose;
44
vachakuparadzira pasi, iwe navana vako mukati mako; havangaregi mukati mako ibwe rimwe riri pamusoro perimwe; nokuti hauna kuziva nguva yokushanyirwa kwako.”
45
Zvino akapinda mutemberi, akatanga kubudisira kunze vakanga vachitengesamo,
46
achiti kwavari, “Kwakanyorwa kuti imba yangu ichava imba yokunyengetera; asi imi makaiita bako ramakororo.”
47
Aidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutemberi; asi vapristi vakuru navanyori navakuru vavanhu vakanga vachitsvaka kumuuraya.
48
Asi vakanga vasingawani zvavangaita, nokuti vanhu vose vakamunamatira, vachimunzwa.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24