bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 21
Luke 21
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Zvino akati achitarira, akaona vapfumi vachiisa zvipo zvavo muchivigiro chemari.
2
Akaona imwe chirikadzi, yaiva murombo, achiisamo tumari tuviri tuduku.
3
Akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa kupfuura vamwe vose;
4
nokuti avo vose vakaisa zvipo, vachitora pazvizhinji zvavanazvo, asi uyu akaisa, achitora pakushayiwa kwake, zvaayifanira kurarama nazvo, zvose zvaakanga anazvo.”
5
Zvino vamwe vakati vachitaura pamusoro petemberi, kuti yakanga yakashongedzwa namabwe akanaka nezvipo, iye akati,
6
“Kana zviri izvi zvamunoona, mazuva achasvika, asingazoregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”
7
Zvino vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipi, kana izvozvi zvoda kuitwa?”
8
Akati, “Chenjerai, kuti murege kutsauswa; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu’; ‘Nguva yaswedera.’ Musavatevera.
9
“Kana muchinzwa zvokurwa, nenyonganiso, musavhunduka henyu, nokuti izvozvi zvinofanira kumboitwa; asi kuguma hakusi pakarepo.”
10
Akati kwavari, “Rudzi rumwe ruchamukira rumwe rudzi, noushe humwe huchamukira humwe ushe.
11
Kudengenyeka kukuru kwenyika kuchavapo, nokune dzimwe nzvimbo nzara nehosha, nezvinotyisa, uye zviratidzo zvikuru, zvichabva kudenga, zvichavapo.
12
Asi izvozvi zvose zvisati zvasvika, vachakubatai, nokukutambudzai, vachikuisai kumasinagoge nomumatorongo, nokukuisai pamberi pamadzimambo namadzishe, nokuda kwezita rangu.
13
Ichi chichava chapupu kwamuri.
14
Naizvozvo simbai mumwoyo menyu, kuti murege kumbofungisisa pamuchapindura napo.
15
Nokuti ndichakupai muromo nokuchenjera, kuchakonesa vavengi venyu vose kukukundai nokuramba zvamunoreva.
16
Muchaiswa kuvatongi kunyange navabereki, navanun'una, nehama, neshamwari; vamwe venyu vachaurawa.
17
Muchavengwa navanhu vose nokuda kwezita rangu.
18
“Asi ruvhudzi rumwe rwomusoro wenyu harungarasiki.
19
Nokutsungirira kwenyu muchawana upenyu hwenyu.
20
“Zvino kana muchiona Jerusaremu rakombwa nehondo, zivai kuti roda kuparadzwa.
21
Musi uyo vari muJudhea ngavatizire kumakomo; navari mukati maro ngavabude; navari kuruwa ngavarege kupindamo.
22
Nokuti iwayo ndiwo mazuva okutsiva, kuti zvose zvakanyorwa zviitike.
23
Asi vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo, nokuti kutambudzika kukuru kuchavapo panyika, nokutsamwa pamusoro pavanhu ivavo.
24
Vachaparadzwa nomunondo, nokutapwa kumarudzi ose; Jerusaremu richatsikwa navahedheni, kusvikira nguva dzavahedheni dzazadzika.
25
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu;
26
vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka.
27
Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba nokubwinya kukuru.
28
Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.”
29
Zvino akavataurira mufananidzo, achiti, “Tarirai muonde nemiti yose.
30
Kana yotunga, mukazviona, munoziva kuti zvino zhizha rava padyo.
31
“Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti ushe hwaMwari hwava padyo.
32
“Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira zvose zvaitika.
33
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
34
“Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuraradza, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.
35
Nokuti richawira vose vagere panyika yose.
36
Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.”
37
Zvino aidzidzisa masikati mutemberi, asi usiku aibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi.
38
Vanhu vose vakauya kwaari mutemberi mangwanani, kuzomunzwa.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24