bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 23
Luke 23
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
1
Zvino vose vakanga vakaungana, vakasimuka, vakaenda naye kuna Pirato.
2
Vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari kuterera; uye achizviti ndini Kristu Mambo.”
3
Ipapo Pirato akamubvunza, akati, “Ko uri Mambo wavaJudha here?” Akamupindura, akati, “Ndizvo zvamareva.”
4
Pirato akati kuvapristi vakuru nokuvazhinji, “Handiwani mhosva kumunhu uyu.”
5
Ivo vakanyanya, vachiti, “Anomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGariria kusvikira pano.”
6
Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea.
7
Akati anzwa kuti anobva kunyika yakatongwa naHerodhi, akamutumira kuna Herodhi, nokuti akanga ari muJerusaremu pamazuva iwayo.
8
Zvino Herodhi akafara kwazvokwazvo achiona Jesu; nokuti aida kumuona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti achaona chimwe chiratidzo chingaitwa naye.
9
Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu.
10
Vapristi vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru.
11
NaHerodhi navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza nguo dzinobwinya, vakamudzosera kuna Pirato.
12
Nomusi uyo Pirato naHerodhi vakayanana; nokuti vaivengana.
13
Zvino Pirato akaunganidza vapristi vakuru namakurukota navanhu,
14
akati kwavari, “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti, anotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo;
15
kunyange naHerodhiwo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakuna chinhu chakaitwa naye, chakafanira rufu.
16
“Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura. [
17
Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.]”
18
Asi vose vakadanidzira pamwechete, vachiti, “Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!”
19
Iye akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuuraya.
20
Zvino Pirato akataurazve navo, achida kusunungura Jesu.
21
Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!”
22
Akati kwavari rwechitatu, “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari.”
23
Asi ivo vakasimbisa namazwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Mazwi avo akakunda.
24
Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe;
25
akavasunungurira uyo wavakakumbira, akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo.
26
Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu.
27
Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema.
28
Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu;
29
nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’
30
Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti, ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’
31
Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?”
32
Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa.
33
Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
34
Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
35
Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.”
36
Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga,
37
vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.”
38
Zvino kwakanga kune runyoro pamusoro pake rwaiti, “UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.”
39
Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.”
40
Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye?
41
Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.”
42
Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!”
43
Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.”
44
Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe.
45
Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati.
46
Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
47
Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.”
48
Vazhinji vose vakanga vakaungana kuzoona izvozvo, vakati vaona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvipfuva zvavo.
49
Navazikanwi vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Gariria, vakamira kure, vachiona izvozvo.
50
Zvino kwakanga kuno mumwe munhu, ainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume akanaka akarurama,
51
iye akanga asina kutenderana navo pakurangana, nokuita kwavo, aiva weArimatia, guta ravaJudha, akanga achimirira ushe hwaMwari;
52
iye akaenda kuna Pirato, akandokumbira chitunha chaJesu,
53
akachiburusa, akachiputira nomucheka, akachiuisa mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu.
54
Waiva musi woKugadzirira, Sabata roda kutanga.
55
Navakadzi vakanga vauya naye, vachibva Gariria, vakavatevera, vakaona bwiro, nomuisirwo womutumbi wake.
56
Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta. Vakazorora nomusi weSabata vachiterera murayiro.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24