bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 20
Luke 20
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Zvino pane rimwe ramazuva iwayo, achidzidzisa vanhu mutemberi, achivaparidzira Vhangeri, vapristi vakuru navanyori navakuru vakasvika,
2
vakataura, vakati kwaari, “Tiudzei, kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi, kana ndianiko akakupai simba iri?”
3
Akapindura, akati kwavari, “Neni ndichakubvunzaiwo shoko; ndiudzei.
4
Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga kana kuvanhu here?”
5
Vakataurirana pakati pavo, vachiti, “Kana tikati, ‘Kudenga,’ achati, ‘Makagoregerei kumutenda?’
6
Asi kana tikati, ‘Kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe; nokuti ivo vanotenda kuti Johani aiva muporofita.”
7
Vakapindura, vachiti, “Hatizivi kwarwakabva.”
8
Zvino Jesu akati kwavari, “Neniwo handingakuudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi.”
9
Zvino akatanga kuudza vanhu mufananidzo uyu, “Mumwe munhu akanga asima munda wemidzambiringa; akaupa varimi; akandogara kumwe nguva refu.
10
Nenguva yezvibereko akatuma muranda kuvarimi, kuti vamupe zvibereko zvomunda wemidzambiringa; asi varimi vakamurova, vakamudzosa asina.
11
“Akatumazve mumwe muranda; naiyewo vakamurova, vakamunyadzisa, vakamudzosa asina.
12
Akatumazve wechitatu; naiye vakamukuvadza, vakamubudisa kunze.
13
Zvino muridzi womunda wemidzambiringa akati, ‘Ndichaiteiko? Ndichatuma mwanakomana wangu anodikanwa, zvimwe vachamukudza iye.’
14
Asi varimi vakati vachimuona, vakarangana, vakati, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka; ngatimuuraye, nhaka igova yedu.’
15
Vakamubudisa kunze kwomunda wemidzambiringa, vakamuuraya. Zvino, muridzi womunda wemidzambiringa achavaiteiko?
16
Achauya, akaparadza varimi ivava; munda wemidzambiringa akaupa vamwe.” Zvino vachinzwa izvozvo, vakati, “Haisva!”
17
Wakati avatarisisa, akati, “Zvino chinyiko icho chakanyorwa, chinoti, ‘Ibwe rakaraswa navavaki, Ndiro rakazova musoro wekona?’
18
“Mumwe nomumwe anowira pamusoro pebwe iro, achavhunikanya; asi richaparadza warinowira.”
19
Zvino vanyori navapristi vakuru vakatsvaka nenguva iyo kumubata, asi vakatya vanhu; nokuti vakaziva kuti akareva ivo nomufananidzo uyo.
20
Vakamucherechedza, vakatuma vashori, vakazviita savanhu vakarurama, kuti vamubate pakutaura kwake, vamuise kuushe nesimba romutongi.
21
Vakamubvunza, vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura nokudzidzisa zvakarurama, musingatendi zvinoonekwa zvomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi.
22
Ko zvino takatenderwa kuterera Kesari mutero here, kana kwete.”
23
Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari,
24
“Ndiratidzei dhenari. Rinomufananidzo norunyoro rwaaniko?” Vakati, “ZvaKesari.”
25
Ipapo akati kwavari, “Naizvozvo ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”
26
Vakakoniwa kumubata pakutaura kwake pamberi pavanhu; vakashamiswa nokupindura kwake, ndokunyarara.
27
Zvino vamwe vaSadhusi, ivo vanoramba kumuka kwavakafa vachiti hakuna, vakauya kwaari, vakamubvunza,
28
vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, anomukadzi, asi iye asina vana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’
29
Zvino, kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana;
30
nowechipiri;
31
nowechitatu akamutorawo; nokudaro navanomwe vose, vakasasiya vana, vakafa.
32
Pashure mukadzi akafawo.
33
Zvino pakumuka achava mukadzi waaniko kwavari? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.”
34
Jesu akati kwavari, “Vanakomana venyika ino vanowana, uye vanowaniswa;
35
asi avo vachanzi naMwari vakafanira kuwana nyika iyo nokumuka kwavakafa, havawani, uye havawaniswi.
36
Nokuti havazofizve; nokuti vachaenzana navatumwa; vava vana vaMwari zvavari vana vokumuka.
37
Naiye Mosesiwo akaratidza pashoko reGwenzi kuti vakafa vanomutswazve, paakati, ‘Ishe ndiye Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.’
38
“Zvino Mwari haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; nokuti vose vapenyu kwaari.”
39
Ipapo vamwe vanyori vakamupindura, vakati, “Mudzidzisi, mataura zvakanaka.”
40
Nokuti vakanga vachitya kuzomubvunza chinhu.
41
Zvino akati kwavari, “Vanoreva seiko kuti Kristu ndiye Mwanakomana waDhavhidhi?
42
Nokuti Dhavhidhi akareva amene mubhuku yaMapisarema, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kurudyi rwangu,
43
Kusvikira ndaisa vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’
44
“Naizvozvo, Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe,’ zvino angagova Mwanakomana wake seiko?”
45
Zvino akati kuvadzidzi vake, vanhu vose vachizvinzwa,
46
“Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, vachifarira kukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nougaro hwapamberi pamitambo;
47
vanoparadza dzimba dzechirikadzi, vachiita manomano eminyengetero mirefu; ivavo vachatongerwa zvakaipa zvinopfuurisa.”
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24