bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
/
Luke 4
Luke 4
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Zvino Jesu azere noMweya Mutsvene, akadzokazve achibva kuJorodhani, akatungamirirwa noMweya murenje
2
achiedzwa naDhiabhori mazuva ana makumi mana. Akanga asingadyi chinhu namazuva iwayo; zvino akati apera, akaziya.
3
Zvino Dhiabhori akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.”
4
Jesu akamupindura, akati, “Kwakanyorwa kuti munhu haangararami nechingwa bedzi.”
5
Zvino akamutungamirira kugomo refurefu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku-duku.
6
Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda.
7
Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.”
8
Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
9
Akaenda naye Jerusaremu, akamuisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano;
10
Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;’
11
‘Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.’ ”
12
Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanzi, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
13
Dhiabhori akati apedza kuedza kwose, akamusiya kusvikira imwe nguva.
14
Zvino Jesu akadzokera Gariria nesimba roMweya; mukurumbira wake ukanzwika nenyika yose yakapoteredza.
15
Aidzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa navanhu vose.
16
Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave.
17
Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti,
18
“Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa;
19
Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.”
20
Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
21
Zvino akatanga kuvaudza, achiti, “Nhasi rugwaro urwu rwaitika munzeve dzenyu.”
22
Vose vakamupupurira zvakanaka, vakashamiswa namashoko akanaka akabuda mumuromo make, vakati, “Ko uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”
23
Akati kwavari, “Ndinoziva, muchareva tsumo iyi kwandiri, ‘N'anga uzviporese; zvose izvo zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaume, uzviitewo nomuno munyika yako.’ ”
24
Akati, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hakuna muporofita anogamuchirwa munyika yake.
25
Ndinokuudzai shoko iri razvokwadi. Kwakanga kune chirikadzi zhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva aEria, panguva yakazarirwa denga makore matatu nemwedzi mitanhatu, nzara huru ikavapo panyika yose;
26
asi Eria haana kutumwa kune mumwe wavo, asi akatumwa Sarepita bedzi, munyika yeSidhoni, kumukadzi aiva chirikadzi.
27
Kwakanga kuna vaiva namaperembudzi vazhinji pakati pavaIsiraeri pamazuva omuporofita Erisha; hakuna mumwe wavo akanatswa, asi Naamani bedzi, muSiria.”
28
Ipapo vose vakanga vari musinagoge, vakatsamwa zvikuru, vachinzwa izvozvo,
29
vakasimuka, vakamudzingira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo, pakanga pakavakwa guta ravo, kuti vamuwisire pasi.
30
Asi iye akapinda napakati pavo, akaenda.
31
Zvino akaburukira Kapenaume, raiva guta reGariria; akasivadzidzisa nemisi yeSabata;
32
vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti shoko rake rakanga rine simba.
33
Zvino musinagoge makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa wahan'ora; iye akadanidzira nezwi guru, achiti,
34
“Haiwa, tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.”
35
Ipapo Jesu akaurayira, achiti, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa ukamuwisira pasi pakati pavo, ukabuda kwaari, usina kutongomukuvadza.
36
Kutya kukavawira vose, vakataurirana, vachiti, “Shoko iri ndereiko? Nokuti anoraira mweya yakan'ora nechikuriri nesimba, ikabuda.”
37
Mukurumbira wake ukanzwika kumativi ose enyika yakapoteredza.
38
Zvino akasimuka musinagoge, akapinda mumba maSimoni. Mai vomukadzi waSimoni vakanga vakabatwa nefivhzvikuru; vakavakumbirira kwaari.
39
Ipapo akakotamira pamusoro pavo, akarayira fivha, ikavarega; vakasimuka pakarepo, vakavashandira.
40
Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva navanorwara nehosha zhinji vakauya navo kwaari; akaisa maoko ake pamusoro pomumwe nomumwe wavo, akavaporesa.
41
Nemweya yakaipa yakabuda kuvazhinji, ichidanidzira, ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari!” Asi akayiraira, akasaitendera kutaura, nokuti yakanga ichiziva kuti ndiye Kristu.
42
Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kwakanga kusina vanhu; vazhinji vakamutsvaka, vakasvika kwaari, vakaedza kumudzivisa, kuti arege kubva kwavari.
43
Asi akati kwavari, “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Vhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”
44
Akasiparidza mumasinagoge eGariria.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24