bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 10
Joshua 10
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
1
Adhonizedheki mambo weJerusaremu akanzwawo kuti Joshuwa akatora guta reAi rikava mumaoko ake, uye kuti akanga anyatsoriparadza achinzwawo kuti Joshuwa akaita kuguta reAi namambo waro zvaakanga aita kuguta reJeriko namambo waro. Akanzwawo kuti vanhu vokuGibheoni vakanga vava kutowirirana zvavo navaIsiraeri uye kuti vava kutogarisana navo savavakidzani.
2
Zvakamutyisa zvikuru nokuti guta reGibheoni raiva guta guru kwazvo, rakatoita seguta guru ramambo, rakakura zvokupfuura guta reAi. Varume vose vomo vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo.
3
Naizvozvo Adhonizedheki mambo weJerusaremu akatuma nhume kuna Hohamu, mambo weHebhuroni, nokuna Piramu, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi achiti,
4
“Uyai muzondibatsirawo tirwise guta reGibheoni nokuti rakatowirirana zvaro naJoshuwa navaIsiraeri.”
5
Madzimambo mashanu iwaya avaAmori aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi vakaunganidzana ndokukwira nehondo dzavo dzose kundokomberana kurwisa guta reGibheoni.
6
Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.”
7
Joshuwa akabva kuGirigari akakwira ikoko. Akaendako nehondo yake yose, varume vose vaya vaiva mvumba dzokurwa hondo.
8
Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usambovatya zvako nokuti ndatovaisa mumaoko ako. Hakuna nomumwe wavo achagona kumirisana newe.”
9
Joshuwa akaerekana ati pfacha kusvika pavari, avavinga kubva kuGirigari nousiku.
10
Tenzi akavapinza mweya wokutya vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavaita murakatira kuuraya paGibheoni ipapo vakavadzingirira kusvikira kumukwidza weBhetihoroni vachingovakatakazha kudzamara vasvika kuAzeka nokuMakedha.
11
Pavaingunotiza vaIsiraeri kudai, voteremuka zvino nomutenure weBhetihoroni, Tenzi akanayisa mhitsa dzechivhuramahwe pavari kusvikira kuAzeka, vakafa. Vanhu vakaurayiwa nechivhuramahwe ichi vakanga vakawanda kupfuura vanhu vakaurayiwa navaIsiraeri namapakatwa.
12
Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti, “Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira, newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti.
13
Zuva rakati mbikiti kumirapo. Mwedzi ukatiwo ndi kumira kusvikira vaIsiraeri vapedza vavengi vavo kutsividza.” Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose.
14
Hakuna kumbova nezuva rakadai kubvira pasi chigare kana shure kwaizvozvo rokuti Tenzi akateerera munhu, nokuti Tenzi akarwira vaIsiraeri.
15
Joshuwa akadzokera zvake navaIsiraeri vose vaaiva navo kumatendhe kuGirigari.
16
Madzimambo iwayo mashanu akatiza akandohwanda mubako rokuMakedha.
17
Joshuwa akaudzwa kuti, “Madzimambo mashanu aya awanikwa akahwanda mubako rokuMakedha.”
18
Joshuwa akati, “Kungurutsirai mabwe makuru pamuromo webako iroro, mugoisa vanhu vanogaririra ipapo.
19
Asi imi pachenyu regai kumirapo, rondai vavengi venyu, vateverei muchivarwisa, vanenge vasarira muchiuraya, musavarege vachindopinda mumaguta avo nokuti Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu.”
20
Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vapedza kuvauraya vachivaita murakatira kusvikira vanhu ava vaparadzwa, uye kusvikira chitsama chakasara chandopinda mumaguta akanga aine tsvingo,
21
vanhu vose vakadzokera zvakanakanaka kuna Joshuwa kumatendhe avo kuMakedha. Hakuna kuwanika munhu ane chaakati bufu kuvaIsiraeri.
22
Joshuwa akati, “Chizarurai bako muburitse madzimambo mashanu aya, muuye navo kwandiri.”
23
Vanhu vakaita izvozvo, vakaunza kwaari madzimambo mashanu aya kubva mubako aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi.
24
Pavakaburitsa madzimambo aya vakauya navo kuna Joshuwa. Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose akati kuvakuru vakuru vose vehondo vaakanga aenda navo, “Uyai pano mutsike netsoka dzenyu mutsipa yamadzimambo iwaya.” Vakauya vakatsika mitsipa yamadzimambo aya.
25
Joshuwa akati kwavari, “Musatye zvenyu kana kuzeza, shingai mutsunge mwoyo nokuti ndizvo zvichaita Tenzi kuvavengi venyu vose vamucharwisa.”
26
Joshuwa akabva avaponda vakafa akavasungirira mumiti mishanu. Vakaswera vakaremberapo kusvikira manheru.
27
Kuzoti zuva rodoka Joshuwa akati vatururwe pamuti paya ndokuvakanda mubako muya mavakanga vahwanda ndokuisa mabwe pamuromo waro achiripo kusvikira pari nhasi.
28
Pamusi iwoyo Joshuwa akatora guta reMakedha rikava mumaoko ake. Akariparadza nebakatwa, iro namambo waro. Akanyatsoparadza vanhu vose zvavo vakanga varimo. Hapana kana munhu mumwechete waakasiyamo. Akaita kuna mambo weMakedha zvaakaita kuna mambo weJeriko.
29
Joshuwa akabva kuMakedha navaIsiraeri vose vaaiva navo akaenda kuguta reRibhuna, akarirwisa.
30
Tenzi akaisawo guta iroro namambo waro mumaoko avaIsiraeri. Vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa. Hapana kana munhu mumwechete wavakasiyamo. Vakaita kuna mambo waro sezvavakanga vaita kuna mambo weJeriko.
31
Joshuwa akabva kuRibhuna navaIsiraeri vose vaaiva navo akadimura oenda kuguta reRakishi. Vakarikomba vakarirwisa.
32
Tenzi akaisa guta reRakishi mumaoko avaIsiraeri. Vakaritora pazuva rechipiri, vakaparadza guta iroro vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa sezvavakaita kuguta reRibhuna.
33
Horamu mambo weguta reGezeru akauya kuzobatsira vokuRakishi. Joshuwa akamuuraya, iye navanhu vake, kusara pasisina asara.
34
Joshuwa akabva kuRakishi navaIsiraeri vose vaaiva navo akadimura oenda kuguta reEgironi. Vakarikomba, vachirirwisa.
35
Musi iwoyo vakaritora rikava mumaoko avo. Vakaparadza guta iri vakanyatsouraya nebakatwa vanhu vaivamo vose zvavo musi wakarewo sezvavakaita kuguta reRakishi.
36
Joshuwa akabva kuEgironi navaIsiraeri vose vaaiva navo vakaenda kuguta reHebhuroni, vakabva varirwisa.
37
Vakaritora rikava mumaoko avo. Vakaparadza guta iroro nebakatwa namambo waro nemisha yaro. Vakauraya munhu wose akanga arimo. Hapana kana munhu mumwechete zvake wavakasiyamo. Vakanyatsoriparadza vakauraya munhu wose zvake akanga arimo sezvavakaita kuguta reEgironi.
38
Joshuwa akadzokera navaIsiraeri vose vaaiva navo kuDhebhiri, vakarirwisa.
39
Vakaritora rikava mumaoko avo, iro namambo waro nemisha yaro yose. Vakauraya namapakatwa vanhu vaivamo vakanyatsouraya vanhu vose vaivamo. Hapana wavakasiyamo. Zvavakaita kuguta reHebhuroni namambo waro ndozvavakaitawo guta reDhebhiri namambo waro.
40
Saka Joshuwa akakurira nyika yose zvayo inoti: nyika yamakomo neNegevhu nenyika yokumanhika namateru ayo. Akakurirawo madzimambo ose enyika idzodzo. Hapana kana munhu mumwechete zvake waakasiya, asi akatouraya vose zvokusambosiya kana chinhu chipenyu zvacho, sokureva kwakaita Tenzi Mwari wavaIsiraeri.
41
Joshuwa akakurira vanhu kubvira kuKadheshibharinea zvichienda nokuGaza nenyika yose yeGosheni kusvikira kuGibheoni.
42
Joshuwa akakurira madzimambo ose iwaya, nyika dzawo dzikava mumaoko ake nenguva imwecheteyo nokuti Tenzi Mwari wavaIsiraeri, aivarwira.
43
Joshuwa akazodzokera navaIsiraeri vaaiva navo kwavakanga vakadzika matendhe kuGirigari.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24