bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 12
Joshua 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
1
Aya ndiwo madzimambo enyika iyi akakurirwa navaIsiraeri vakavatorera nyika yawo vakaiita yavo kumhiri kwaJorodhani nechokumabvazuva, kutangira kubani raArinoni kusvikira kugomo reHerimoni nekwose kuArabha nechokumabvazuva:
2
Kunoti Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni, aitonga kubvira kuAroero pamucheto webani raArinoni achibvira pakati pebani iroro kusvikira kurwizi rwaJabhoku, muganhu wavaAmoni runovaganhuranisa nechidimbu chenyika yeGireadhi.
3
Yaibvirawo kuArabha kusvikira kugungwa reKinereti kumabvazuva takananga kuBhetijeshimoti kugungwa reArabha, gungwa roMunyu, yonanga kuBhetijeshimoti kumaodzanyemba kusvikira mujinga megomo rePisiga.
4
Kwouyawo Ogu mambo weBhashani aiva mumwe wehofori dzechiRefaimu akanga asara, aigara kuAshitaroti nokuEdhirei.
5
Aitongawo kubvira kugomo reHerimoni zvichienda nokuSareka nenyika yose yeBhashani achindoganhurana navaGeshuri navaMaaka, achitongawo chimwe chidimbu chenyika yeGireadhi achindoganhurana naSihoni mambo weHeshibhoni.
6
Mosesi muranda waTenzi navaIsiraeri, vakakurira madzimambo iwayo, iye Mosesi muranda waTenzi ndokupa nyika yavo kuti ive yevedzinza rokwaRubheni nerokwaGhadhi nechikamu chapakati napakati chedzinza raManase.
7
Aya ndiwo madzimambo enyika iyoyo akazokurirwa naJoshuwa navaIsiraeri kumadokero kumhiri kwaJorodhani, kubvira kuBhaarigadhi mubani reRebhanoni kusvikira kugomo reHaraku rinokwira rakananga kuSeiri. (Joshuwa akapa nyika yemadzimambo iwayo kumadzinza avaIsiraeri somugove wavo wenhaka.
8
Akavapa nyika dzinoti nyika yemakomo nenyika yokumanhika, nenyika yeArabha nenyika yemateru, nenyika yerenje nenyika yeNegevhu, nenyika yavaHiti neyavaAmori neyavaKanani neyavaPerizi neyavaHivhi neyavaJebhusi).
9
Madzimambo akakurirwa acho ndeaya: kunoti mambo wokuJeriko nowokuAi, guta riri pedyo nereBhetieri,
10
nowokuJerusarema; kwouya mambo wokuHebhuroni
11
nowokuJarimuti, nowokuRakishi,
12
nowokuEgironi nowokuGezeru;
13
kwoti mambo wokuDhebhiri nowokuGedheru,
14
nowokuHoruma nowokuAradhi;
15
kwozoti mambo wokuRibhuna nowokuAdhuramu,
16
nowokuMakedha nowokuBheteri; kuchitiwo,
17
wokuTapua mambo wokuHeferi,
18
nowokuAfeki nowokuReshironi,
19
nowokuMadhoni nowokuHazori,
20
kuchizoti mambo wokuShimuronimeroni nowokuAkishafu,
21
nowokuTanaki nowokuMegidho;
22
ndokuuyawo wokuKedheshi, mambo womuJokineamu kuKarimeri
23
nowokuDhori riri kuNafatidhori nowomuGoiimu kuGirigari;
24
ndokuzoti mambo wokuTiriza. Vose pamwechete vaiva madzimambo makumi matatu ane mumwechete.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24