bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 24
Joshua 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
1
Joshuwa akaunganidza madzinza ose avaIsiraeri kuShikemu. Akadaidzawo vakuru vakuru vavo navatungamiriri vavo navatongi namachinda eIsiraeri, vakauya pana Mwari.
2
Joshuwa akataurira vanhu vose ivava achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Madzitateguru enyu aigara kumhiri kwaYufuratesi, Tera baba waAbhurahamu naNahori vainamata vamwe vamwari.
3
Ndakazotora tateguru wenyu Abhurahamu kumhiri kwerwizi ndikamufambisa nenyika yose yeKanani ndikamupa vana vakawanda. Ndakamupa Isaki,
4
Isaki ndikamupawo Jakobho naEsau. Ndakapa nyika yeSeiri yamakomo kuna Esau kuti ive yake, asi Jakobho navana vake vakadzika kuIjipiti.
5
Ndakatumirako Mosesi naAroni, ndikaonesa Ijipiti nhamo nezvandakaita mukati mayo shure kwaizvozvo, ndikazokuburitsaiko.
6
Ndakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti mukasvika kugungwa. VaIjipiti vakaronda madzibaba enyu nengoro dzavo dzehondo dzamabhiza navachairi vadzo kusvikira kugungwa Dzvuku.
7
Vakachema kuna Tenzi kuti avabatsire, akabva aisa rima rakati ndo-o pakati penyu navaIjipiti. Akaunza gungwa akavafushira naro. Imi nameso enyu makaona zvandakaita kuIjipiti. Makazogara murenje kwenguva ndefu.
8
Ndakakuunzai kunyika yavaAmori vaigara kumhiri kwaJorodhani. Vakakurwisai, asi ndakavaisa mumaoko enyu, ndakakuparadzirai vanhu ivavo, imi mukavatorera nyika yavo kuti ive yenyu.
9
Kwakazomuka mambo weMoabhu, Bharaki mwanakomana wavaZipori akarwisa vaIsiraeri akatumira nhume kundodaidza Bhiriamu mwanakomana waBheori kuti arengererei rushambwa.
10
Asi ndakaramba kuteerera Bhiriamu, akatokukomborerai kwazvo kwazvo ndikakununurai mumaoko ake.
11
Makazoyambuka Jorodhani mukasvika kuJeriko. Machinda okuJeriko akakurwisai sezvakazoitwawo navaAmori navaPerizi navaKanani navaHiti navaGirigashi navaHivhi navaJebhusi ndakavaisa mumaoko enyu.
12
Ndakafanotumira madzimambo maviri aya avaAmori mweya wokutyai imi samago, vakafanokutizai. Haasi mapakatwa enyu kana miseve yenyu yakaita izvozvi.
13
Ndakakupai minda yamusina kumbounda namaguta amusina kuvaka mamugere, muchidya zvenyu michero yeminda yemigirepisi neyemiorivhi yamusina kumbosima.’
14
“Saka zvino ityai Tenzi mumunamate nomwoyo wose muchokwadi, rasai vamwari vainamatwa namadzitateguru enyu kumhiri kwerwizi kuya nokuIjipiti, munamate Tenzi.
15
Kana imi musingadi kunamata Tenzi chisarudzai nhasi uno wamunoda kunamata pana vamwari vainamatwa namadzibaba enyu kumhiri kwerwizi kana vamwari vavaAmori vomunyika ino yamugere. Asi ini nemhuri yangu tichanamata Tenzi.”
16
Vanhu ndokuti, “Hatimbofa takafuratira Tenzi tichindonamata vamwe vamwari
17
nokuti Tenzi, Mwari wedu ndiye akatiburitsa isu namadzibaba edu munyika yeIjipiti muuranda, akaita zviratidzo zvikuru zviya tichiona nameso edu. Akatichengeta murwendo rwedu rwose nomukati memarudzi mataipfuura namo.
18
Tenzi akafanotidzingira marudzi ose navaAmoriwo vaigara munyika ino. Naizvozvo kana nesuwo tichanamata Tenzi nokuti ndiye Mwari wedu.”
19
Asi Joshuwa akavati, “Hamungambokwanisi kushandira Tenzi imi nokuti iye ndiMwari mutsvene. NdiMwari weshanje. Haazokuregererai zvikanganiso nezvitadzo zvenyu.
20
Chandinodariro ndechokuti mukazofuratira Tenzi mondonamata vamwari vasirivo achakupindukirai wokuitirai zvakaipa achakuparadzai iye ambenge achikukuitirai zvakanaka.”
21
Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Kwete. Tenzi ndiye watichanamata.”
22
Joshuwa ndokuti kwavari, “Iyemi ndimi matova zvapupu zvokuzvipupurira pachenyu kuti masarudza kuti Tenzi ndiye wamuchanamata.” Vakati, “Hongu ndisu zvapupu zvacho.”
23
Joshuwa ndokuti, “Saka chirasai vamwari vasirivo vamunavo, muise mwoyo wenyu kuna Tenzi, Mwari wavaIsiraeri.”
24
Vanhu vakati kuna Joshuwa, “Tenzi Mwari wedu ndiye watichanamata, izwi rake ndiro ratichateerera.”
25
Naizvozvo Joshuwa akaita chitenderano navanhu musi iwoyo, akavapa mitemo nemirao kuShikemu.
26
Ipapo Joshuwa akanyora zvinhu izvozvi mubhuku romutemo waMwari. Akatora zidombo guru akaridzimikira pasi pomuti womuoku, pedyo nenzvimbo yaTenzi inoera.
27
Joshuwa akataurira vanhu vose achiti, “Chionai, zidombo iri richava chapupu chokutipisa mhosva nokuti ranzwa zvose zvataurwa naTenzi kwatiri. Naizvozvo richava chapupu chokukupisai mhosva zvimwe mungadaro mukazoita zvokunyengedza Mwari wenyu.”
28
Joshuwa akazoti vanhu vachienda zvavo kunyika dzenhaka dzavo vachiti uyu kwake uyu kwake.
29
Mushure mezvinhu izvi, Joshuwa mwanakomana waNuni muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore rina makore gumi.
30
Vakamuviga munyika yenhaka yake kuTimunatisera munyika yaEfuraimu yemakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi.
31
VaIsiraeri vakanamata Tenzi panguva yose yaJoshuwa, napamazuva avakuru vakuru vakasiirwa naJoshuwa variko, vakanga vaona basa rose rakanga raitirwa vaIsiraeri naTenzi.
32
Mapfupa aJosefi akanga aunzwa navaIsiraeri pavakabva kuIjipiti vakaaviga kuShikemu munzvimbo yakatengwa naJokobho kuna vaHamori baba waShikemu nezana remari yesirivha. Nzvimbo yacho yakazova nhaka yezvizvarwa zvokwaJosefi.
33
Ereazari mwanakomana waAroni akafawo, vakamuviga kuGibhea muguta raFinehasi mwanakomana wake raakapiwa munyika yemakomo yeEfuraimu.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24