bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 19
Joshua 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
1
Mugove wakapiwa vedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri ndiwo wakatevera kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika yenhaka yavo mukati menyika yedzinza rokwaJudha.
2
Maguta omunyika yenhaka yavo ndeaya: kunoti reBheerishebha neMoradha,
3
kwoti reHazorishuarinebhara,
4
kwozoti reEritoradhi neBheturu neHoruma.
5
Kwouyawo reZikiragi neBhetimarikabhoti neHazarisusa,
6
kwotiwo Bhetirebhaoti neSharuheni pamwechete aiita maguta gumi namatatu nemisha yawo.
7
Kwaizotiwo guta reAini neRimori neEteri neAshani pamwechete aita maguta mana nemisha yawo.
8
Nemisha yomunharaunda memaguta iwayo kusvikira kuBhaaratibheeri neguta reRama, rokuNegevhu. Iyoyo ndiyo nyika yenhaka yedzedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri.
9
Nyika yenhaka yevedzinza rokwaSimeoni yaiva mukati menyika yenhaka yevokwaJudha nokuti mugove wevokwaJudha wakanga wakakurisa kwavari. Saka vedzinza rokwaSimeoni vakazowana nhaka yenyika mukati menyika yenhaka yevokwaJudha.
10
Mugove wakapiwa vedzinza rokwaZebhuruni mhuri nemhuri ndowakava wechitatu kubuda pachin'ange. Muganhu wenyika yavo yenhaka yaindosvika kuSaridhi.
11
Waizobva wonanga nokumadokero kusvikira kuMareari uchindobatana neDhabhesheti wondosvika kukakova kari kumabvazuva kweJokuneamu.
12
Waibvirawo kuSaridhi wonanga nechokumabvazuva kusvikira kumuganhu neKisirotitabhori wopfuura wosvika kuDhabherati hoyo wokwidza kuJafia.
13
Waizobva ipapo woti tande wakananga kumabvazuva kusvikira kuGatiheferi nokuEtikazini wonanga kuRimoni uchipota nokuNea.
14
Kuchamhembe, muganhu wayo unopinduka wakananga kuHamatoni uchindoperera kubani reIfutaheri.
15
Guta reKatati nereNaharari neShimuroni neIdhara neBheterehemu aivawo avo, ose pamwechete aiva maguta gumi namaviri nemisha yawo.
16
Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaZebhuruni mhuri nemhuri maguta iwayo nemisha yawo.
17
Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaIsakari mhuri nemhuri ndiwo wakava wechina kubuda.
18
Maguta omunyika yavo ndeaya: Kunoti guta reJezireeri neKesuroti neShunemu;
19
kwouya reHafaraimu neShioni neAnaharoti;
20
kwoti reRabhiti neKishioni neEbhezi.
21
Kwozoti reRemeti neEniganimu neEnihadha neBhetipazezi.
22
Muganhu wayo waindosvika napaTabhori napaShahazuma napaBhetishemeshi wondoperera muna Jorodhani. Ose pamwechete aiva maguta gumi namatanhatu nemisha yawo.
23
Iyoyi ndonhaka yevedzinza rokwaIsakari mhuri nemhuri maguta acho nemisha yawo.
24
Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaAsheru mhuri nemhuri ndiwo wakava wechishanu kubuda.
25
Maguta omunyika yavo ndeaya: Kunoti guta reHerikati neHari neBheteni neAkishafu,
26
kwouya reAramumereki neAmadhi neMishari. Kumadokeri, yaindosvika kuKarimeri nokuShihoriribhunati.
27
Kumabvazuva yaitenderera yondosvika kuBhetidagoni nokuZebhuruni heyo kubani raIfutaeri yonanga kuchamhembe yosvika kuBhitiemeki nokuNeieri yoramba ichienda kuchamhembe kusvikira kuKabhuru,
28
neEbhuroni neRehobhu neHamoni neKana kudzamara muSidhoni romukurumbira.
29
Muganhu wayo waizotendeuka wonanga kuRama uchindosvika kuguta retsvingo, reTire wopinduka wosvika kuHosa ichindosvika kugungwa reMedhiterenieni.
30
Kwouyawo guta reMaharabhu neAkizibhu neUma neAfeki neRehobhu. Ose pamwechete aiva makumi maviri amaguta ana maguta maviri nemisha yawo.
31
Iyoyi ndonhaka yevedzinza rokwaAsheru mhuri nemhuri maguta iwaya nemisha yawo.
32
Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaNafutari mhuri nemhuri ndiwo wakava wechitanhatu kubuda.
33
Muganhu wenyika yavo waibvira kuHerefu pamuti womuoku wokuZaananimu uchienda nokuAhaminekebhu nokuJabhuneeri kusvikira kuRakumu uchindosvika muna Jorodhani.
34
Waizobvapo wonanga kumadokero kuAzinotitabhori, wobva ipapo wondosvika kuHukoki wosvika kumaodzanyemba kumuganhu nevokwaZebhuruni. Kumadokero yaiganhurana nevokwaAsheu, kumabvazuva ichiganhurwa naJorodhani.
35
Maguta acho ane tsvingo ndeaya: kunoti guta reZidhimu neZeri neHamati neRakati neKinereti;
36
Kwoti reAdhama neRama neHazori
37
neKedheshi neEdhirei neEnihazori,
38
kwouya reYironi neMigidhareri neHoremu neBhetianoti neBhetishemeshi. Ose pamwechete aiva gumi ramaguta rina maguta mapfumbamwe nemisha yawo.
39
Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaNafutari mhuri nemhuri maguta acho nemisha yawo.
40
Mugove wakagoverwa vemhuri dzedzinza rokwaDhani ndiwo wakava wechinomwe.
41
Maguta omunyika yavo yenhaka ndiwo aya kunoti: guta reZora neEshitaori neguta reIrishemeshi.
42
Kwoti reShaarabhini neAijaroni neItira.
43
Kwoti reEroni neTimuna neEkironi,
44
neEriteke neGibheoni neBhaarati,
45
neJehudhi neBhenebheraki neGatirimoni.
46
Ndokuzouya guta reMejarikoni neRakoni pamwechete nenyika yakatarisana neJopa.
47
Vedzinza rokwaDhani pavakarasikirwa nenyika yavo, vakandorwisa guta reReshemu. Vakarikurira vakauraya namapakatwa vanhu vomo, vakariita ravo. Vakatumidza guta iri reReshemu zita ratateguru wavo rokuti Dhani.
48
Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaDhani mhuri nemhuri namaguta iwaya nemisha yawo.
49
VaIsiraeri vakati vapedza kugovera nyika, vakapawo Joshuwa mwanakomana waNunu nhaka mukati mavo.
50
Sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTenzi vakamupa guta raakanga akumbira reTimunatisera romunyika yaEfuraimu yemakomo. Akarivaka patsva ndokubva agaramo.
51
Idzi ndidzo nhaka dzakagoverwa nomupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navakuru vakuru vamadzinza avaIsiraeri. Vakaigoveranisira kuShiro, nechin'ange pana Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira vakabva vapedza zvavo kugoveranisa nyika iyoyo.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24