bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 3
Joshua 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
1
Joshuwa akafumomuka mangwanani akasimuka kuShitimu akaenda kuna Jorodhani pamwechete navaIsiraeri vose, vakambogarapo vasati vayambuka.
2
Kwakati kwapera mazuva matatu, vatungamiriri vakapinda mumatendhe,
3
vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere,
4
ndokuti muzive kwokuenda nako nokuti hamusati mambosvika nokuno. Chiripo chete ndechokuti pakati penyu naro panofanira kuva nechinhambwe chekiromita rimwechete, musasvike pedyo naro.”
5
Joshuwa akataurira vanhu achiti, “Zvichenurei nokuti mangwana Tenzi achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.”
6
Joshuwa akataurira vapristi achiti, “Chitakurai bhokisi rechitenderano mutungamirire vanhu muende mberi kwavo.” Vakatakura bhokisi rechitenderano vakatungamirira vanhu.
7
Tenzi akati kuna Joshuwa, “Ndichatangisa nhasi uno kukusimudzira pamusoro mukati mavaIsiraeri vagoziva kuti ndinewe sezvandaingova naMosesi.
8
Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.”
9
Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Uyai kuno munzwe zvarehwa naTenzi Mwari wenyu.”
10
Joshuwa akati, “Mwari mupenyu, ari pakati penyu uye haambokundikani kukudzingirai vaKanani navaHiti navaHivhi navaPerizi navaGirigashi navaAmori navaJebhusi. Zvamuchazviziva nazvo ndezvizvi zvokuti:
11
bhokisi rechitenderano raTenzi wepasi pose richakutungamirirai kuyambuka Jorodhani.
12
Saka chisarudzai varume gumi navaviri, mumadzinza ose avaIsiraeri, murume mumwechete panzinza roga roga.
13
Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.”
14
Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano.
15
Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura,
16
mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu, yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
17
Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano vakanyatsomira zvavo pasi pakaoma, pakati paJorodhani, vaIsiraeri vose vachivapfuura kusvikira rudzi rwavo rwose rwayambuka napakaoma.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24