bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 18
Joshua 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
1
Zvino gungano rose ravaIsiraeri rakaungana kuShiro, rikadzika tendhe rokusanganira ikoko, nyika iyoyo yakanga yatova mumaoko avo.
2
Asi kwakange kuchine madzinza manomwe avaIsiraeri akanga asati atora nyika yawo yenhaka.
3
Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Kusvikira riniko muchingoverengera kudai, musingandotora nyika iyi yamakapiwa naTenzi Mwari wamadzibaba enyu kuti ive yenyu?
4
Ndipei varume vatatu vatatu padzinza ndivatume kuti vasimuke vandomema nyika iyi yose, vanyore vachiitsanangudza maererano nenhaka ichava yedzinza nedzinza, vozodzokera kuno kwandiri.
5
Ngavaikamure muzvikamu zvinomwe. VokwaJudha ngavarambe vari kumaodzanyemba, vokwaJosefiwo vari kwavo kuchamhembe.
6
Munonyora muchitsanangudza zvikamu izvozvo zvinomwe mouya nazvo kuno kwandiri, ndikuitirei chin'ange pana Tenzi, Mwari wedu.
7
Asi vaRevhi havana mugove wenyika wavanowana pakati penyu nokuti upristi hwaTenzi ndonhaka yavo. Kana vari vokwaGadhi nevokwaRubheni nechimwe chikamu chevokwaManase vakatogoverwa kare nhaka yavo naMosesi muranda waTenzi, kumabvazuva kumhiri kwaJorodhani.”
8
Varume vokundomema nyika vakasimuka vakapinda munzira. Joshuwa akavakomera achiti, “Chiendai mufambe nyika yose iyoyo muchiimema, muchinyora mamiriro ayakaita mugozodzoka kuno kwandiri ndikuitirei chin'ange pano paShiro pana Tenzi.”
9
Saka varume ava vakaenda, vakafamba nyika yose iyoyo vachiimema, vachinyora mubhuku mamiriro ayakaita, guta neguta. Vakaiisa muzvikamu zvinomwe, ndokudzokera kwaiva naJoshuwa kumatendhe kuShiro.
10
Joshuwa akavaitira chin'ange chiya kuShiro pana Tenzi, akagovera vaIsiraeri nyika ipapo achipa dzinza nedzinza nyika yaro.
11
Mugove wakapiwa vedzinza rokwaBhenjamini mhuri nemhuri ndiwo wakatanga kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika iri pakati penyika yedzinza rokwaJudha neyedzinza rokwaJosefi.
12
Muganhu wayo wokuchamhembe waibvira muna Jorodhani woenda nokumateru okuchamhembe kweJeriko. Hoyo wokwidza nomunyika yemakomo nechokumadokero kusvikira kurenje reBhetiavheni.
13
Waizobva ipapo wakananga kumateru okumaodzanyemba kweguta reRuzi ravakunzi Bhetieri wodzika wakananga kuAtarotiadhori pamakomo okumaodzanyemba kweBhetihoroni yezasi.
14
Muganhu wayo wokumadokero unotangira pachikomo chakatarisana neguta reBhetihoroni chiri kumaodzanyemba kwaro. Wozobvapo wakananga kumaodzanyemba kusvikira, kuKiriatibhaari ndiro guta reKiriatijearimu, guta revedzinza rokwaJudha. Iwoyu ndomuganhu wayo wokumadokero.
15
Muganhu wayo wokumaodzanyemba waibvira kunoperera guta reKiriatijearimu wombonanga kumadokero wosvika kutsime remvura reNefutoa.
16
Waizondosvika mujinga megomo rakatarisana nebani romwanakomana waHinomu kuchamhembe kwebani ravaRefaimu. Waizoti tande nebani iroro wopfuura nokumateru okumaodzanyemba kwavaJebhusi uchidzika kusvikira kuEnirogeri.
17
Waibva ipapo wonanga kuchamhembe kusvika kuEnishemeshi, woramba uchienda kudzamara wasvika kuGeriroti rakatarisana nomupata weAdhumimu, wozondosvika kuDombo raBhohani mwanakomana waRubheni.
18
Muganhu iwoyu unopfuura wakananga kumateru okuchamhembe kweBhetiarabha, kusvikira kunyika yeArabha.
19
Waizopfuurapo wakananga kumateru okuchamhembe kweguta reBhetihogira, wondosvika kumahombekombe okuchamhembe kwegungwa roMunyu, kumaodzanyemba kwaJorodhani pamadiro arwo. Iwoyu ndomuganhu wayo wokumaodzanyemba.
20
Rwizi rwaJorodhani ndiwo munganhu wayo wokumabvazuva. Iyoyi ndiyo nhaka yemhuri yedzinza rokwaBenjamini mhuri nemhuri nemiganhu yayo kumativi ose.
21
Maguta evedzedzinza rokwaBhenjamini mhuri nemhuri ndiwo aya. Kunoti guta reJeriko neBhetihogira neEmekikezizi,
22
neBhetiarabha neZemaraimu neBhetieri,
23
neAvhimu nePara neOfura,
24
neKefariamoni neOfuni neGebha, ose pamwechete aiva maguta gumi namaviri nemisha yawo;
25
kwouya reGibheoni neRama neBheeroti,
26
neMizipa neKefira neMoza,
27
neRekemu neIripeeri neTarara neZera;
28
Kwozoti guta reZera neHaerefu neJebhusi rakazonzi Jerusaremu, ndokuzouya guta reGibhea neKiriatijearimu. Ose pamwechete aiva gumi ramaguta rina maguta mana. Iyoyi ndiyo nhaka yemhuri dzedzinza rokwaBhenjamini.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24