bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 21
Joshua 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
1
Vakuru vakuru vemhuri dzokwaRevhi vakaenda kune vanhu ava vanoti; mupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri.
2
Vakataura navo vari kuShiro munyika yeKanani vachiti, “Tenzi akaudza Mosesi kuti isu tinofanira kupiwa maguta okugara ana mafuro emombe dzedu.”
3
Saka sokutaura kwaTenzi vaIsiraeri vakapa vaRevhi nhaka yavo yamaguta ano aya namafuro awo.
4
Mugove wakagoverwa vokwaKohati mhuri nemhuri ndiwo wakatanga kubuda pachin'ange. Saka vaRevhi vemba yomupristi Aroni vakapiwa maguta gumi namatatu omudzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni nerokwaBhenjamini.
5
Vamwe vose zvavo vemhuri yokwaKohati vakapiwa gumi ramaguta omunyika yokwaEfuraimu neyokwaDhani neyechimwe chikamu chevokwaManase.
6
VokwaGerishoni vakagoverwa nechin'ange maguta gumi namatatu omunyika yokwaIsakari neyokwaAsheru neyokwaNafutari neyechimwe chikamu chevokwaManase vokuBhashani.
7
VokwaMerari vakapiwa mhuri nemhuri maguta gumi namaviri omunyika dzevedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nerokwaZebhuruni.
8
Saka vaIsiraeri vakagovera vaRevhi nechin'ange maguta iwayo namafuro awo sezvakanga zvaudzwa Mosesi naTenzi.
9
Mudzinza rokwaJudha neraSimeoni vakapiwa maguta akaita zvokudomwa namazita.
10
Maguta iwayo akapiwa vemhuri yokwaAroni, vaRevhi vemba yokwaKohati nokuti mugove wavo ndowakatanga kubuda pachin'ange.
11
Vakavapa Kiriatiaribha, ndiro guta reHebhuroni. (Aribha uyu aiva baba waAnaki.) Vakapiwa guta irori riri munyika yamakomo yokwaJudha pamwechete namafuro akaripoteredza.
12
Asi minda yaro nemisha yaro zvakanga zvapiwa kare kuna Karebhu mwanakomana waJefune kuti zvive zvake.
13
Vakapa vemhuri yomupristi Aroni maguta aya anoti Hebhuroni, guta rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera, pamwechete namafuro aro vakavapawo guta reRibhuna namafuro aro;
14
kwouyawo reJatiri namafuro aro nereEshitemoa namafuro aro,
15
neHoroni namafuro aro neDhebhiri namafuro aro;
16
kwoti guta reAini namafuro aro neJuta namafuro aro neBhetishemeshi namafuro aro. Ose pamwechete aiva maguta mapfumbamwe omudzinza rokwaJudha nerokwaSimeoni.
17
Maguta avakapiwa omudzinza rokwaBhenjamini ndeaya kunoti guta reGibheoni namafuro aro neGebha namafuro aro;
18
kwouya Anatoti namafuro aro neArimoni namafuro aro pamwechete aiva maguta mana.
19
Saka maguta akapiwa vapristi vemba yokwaAroni ose pamwechete aiva gumi namatatu, namafuro awo.
20
Kune vamwe vose vokwaKohati vakanga vasara vemhuri dzevokwaKohati vomudzinza rokwaRevhi wakapiwa maguta omudzinza rokwaEfuraimu.
21
Vakapiwa maguta aya anoti: Shikemu guta romunyika yaEfuraimu yemakomo, namafuro aro rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera, kwouya Gezeri namafuro aro,
22
neKibhuzaimu namafuro aro, neBhetihoroni namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana.
23
Maguta avakapiwa omudzinza rokwaDhani ndeaya: kunoti guta reEriteke namafuro aro, neGibhetoni namafuro aro,
24
kwoti Aijaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro, Ose pamwechete aiva maguta mana.
25
Maguta avakapiwa mune chimwe chikamu chedzinza rokwaManase ndeaya. Kunoti guta reTanaki namafuro aro neGatirimoni namafuro aro, aiva maguta maviri.
26
Maguta emhuri idzi dzokwaKohati dzakanga dzasara ose zvawo pamwechete aiva gumi, aiva namafuro awo.
27
VaRevhi vemhuri yokwaGerishoni vakagoverwa maguta mune chimwe chikamu chevedzinza raManase anoti: guta reGorani rokuBhashani namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera kwouya Beeshitera namafuro aro, aiva maguta maviri.
28
Mudzinza rokwaIsakari vakapiwa maguta aya anoti guta reKishioni namafuro aro, nereDhabherati namafuro aro,
29
neJarimuti namafuro aro, neEniganimu namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana.
30
Mudzinza rokwaAsheri vakapiwa maguta aya anoti: guta reMishori namafuro aro, neAbhudhoni namafuro aro.
31
Kwouya reHerikati namafuro aro, neRehobhu namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta mana.
32
Mudzinza rokwaNafutari vakapiwa maguta aya anoti: Kedheshi riri kuGarirea namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane, kwokupotera, kwouya guta reHamatidhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro, ose pamwechete aiva maguta matatu.
33
Maguta emhuri dzose dzokwaGerishoni ose zvawo pamwechete aiva gumi namatatu aivawo namafuro awo.
34
Kune vose vaRevhi vakanga vasara vemhuri dzokwaMerari vakapiwa maguta mudzinza rokwaZebhuruni aya anoti: guta reJokineamu namafuro aro neKarita namafuro aro;
35
Kwoti Dhimuna namafuro aro neNaharara namafuro aro ose pamwechete aiva maguta mana.
36
Mudzinza rokwaRubheni vakapiwa maguta aya anoti: guta reBhezeri namafuro aro neJahazi namafuro aro
37
kwouya Kedhemoti namafuro aro neMefaati namafuro aro. Ose pamwechete aiva maguta mana.
38
Mudzinza rokwaGadhi vakapiwa maguta aya anoti: guta reRamoti riri kuGireadhi namafuro aro, rokuti munhu anenge auraya mumwe awane kwokupotera.
39
Kwouya reMahanaimu namafuro aro neHeshibhoni namafuro aro neJazeri namafuro aro; ose pamwechete aiva maguta mana.
40
Saka maguta emhuri dzavamwe vaRevhi vose, vakanga vasara vemhuri dzokwaMerari ose pamwechete aiva gumi namaviri.
41
Naizvozvo maguta avaRevhi avakapiwa pamwechete namafuro awo mukati menyika yavaIsiraeri yenhaka aiva makumi mana ana masere.
42
Pamaguta ose iwaya, guta roga roga rakanga rakapoteredzwa namafuro; ndozvakanga zvakaita maguta iwayo ose.
43
Nokudaro Tenzi akapa vaIsiraeri nyika yose yaakatsidzira kupa kumadzibaba avo. Vakaitora ikava yavo ndokubva vagaramo.
44
Tenzi akavapa runyararo kumative ose sokutsidza kwaakaita kumadzibaba avo. Hakuna kana nomumwe wavavengi vavo akagona kumirisana navo nokuti Tenzi akaisa vavengi vavo vose mumaoko avo.
45
Hakuna kana chinhu chimwechete chakanaka chakanga chatsidzirwa vaIsiraeri naTenzi chisina kuzoitika, zvose zvakaitika.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24