bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 20
Joshua 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
1
Tenzi akataurira Joshuwa achiti,
2
“Taurira vaIsiraeri kuti vasarudze maguta okupotera andakati Mosesi akuudzei.
3
Ndeekuti munhu anenge auraya mumwe zvetsaona kana mukusaziva atizire ikoko. Achava nzvimbo dzenyu dzokupotera kuti mudzivirirwe kuhama yomufi ine basa rokutsividza ropa romushakabvu.
4
Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo agondomira kusuo guru reguta iroro orondedzera mhosva yake kudare ravakuru vakuru veguta iroro. Ipapo vanofanira kumugamuchira muguta imomo vagomupa pokugara, agare zvake navo.
5
Kana uya ane basa rokutsividza ropa romushakabvu akamuronda, havafanire kuisa nyakuuraya mumwe mumaoko ake nokuti akauraya mumwe wake mukusaziva asina kumbenge achivengana naye kare.
6
Acharamba ari muguta imomo kudzamara mhosva yake yapinda mudare atotongwa kana kuti kusvikira panofa mupristi mukuru wenguva iyoyo. Panenge padaro, nyakuuraya mumwe uya anogona zvake kuzodzokera kuguta rokwake, kumusha kwake kuguta kuya kwaakambotiza.”
7
Saka maguta avakasarudza ndeaya kunoti Kadheshi rokuGarireya riri munyika yamakomo yokwaNafutari kwouya reShikemu riri munyika yemakomo yokwaEfuraimu kwoti reKiriatiaribha ndiro Hebhuroni riri munyika yemakomo yokwaJudha.
8
Mudzinza rokwaRubheni kumabvazuva kweJeriko kumhiri kwaJorodhani vakasarudza guta reBhezeri riri munyika yerenje yakatunhumara. Mudzinza rokwaGadhi vakasarudza guta reRamoti riri muGireadhi. Mudzinza rokwaManase vakasarudzawo guta reGorani riri muBhashani.
9
Maguta iwaya ndiwo akasarudzirwa vaIsiraeri vose pamwechete navatorwa vavagere navo okuti munhu anouraya mumwe mukusaziva awane kwokupotera arege kuurayiwa nouya ane basa rokutsividza ropa romuchakabvu kusvikira mhosva yake yapinda mudare yatongwa.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24