bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 8
Joshua 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
1
Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Usatye kana kuzeza, tora vanhu vehondo vose vaunavo usimuke ukwire kuAi. Zviripo ndezvizvi, ndaisa mumaoko ako mambo wokuAi navanhu vake, neguta rake nenyika yake.
2
Zvawakaita kuguta reJeriko namambo waro, ndozvauchaita kuguta reAi namambo waro. Asi torai zvenyu zvinhu zvomo nemombe zvamunenge mapamba zvive zvenyu. Itai zvokurihwandira necheshure kwaro.”
3
Joshuwa akasimuka aine varwi vehondo vose, vakakwira kuguta reAi. Joshuwa akasarudza zviuru makumi matatu zvavarwi, vano vakasimba chaizvo akavatumako nousiku.
4
Akavaudza achiti, “Endai mundohwandira guta iroro necheshure kwaro. Regai kundova kure kure neguta, asi garai makagadzirira.
5
Ini navanhu vandinavo tichafamba kusvika paguta iroro. Pavachabuda kuzotirwisa sezvavakamboita tichavatiza.
6
Ivo vachatidzingirira kusvikira tavakwezvera kunze kweguta nokuti ivo vachati, ‘Vari kutitiza sapakutanga paya.’ Saka isu tichavatiza, imi mosimuka pamunenge manga makahwanda paya
7
muchindotora guta iroro nokuti Tenzi, Mwari wenyu achariisa mumaoko menyu.
8
Kana matora guta iroro ripisei nomoto muite zvatakaudzwa naTenzi. Chinzwai, ndiri kutokutumai izvozvi.”
9
Joshuwa akavati vachienda. Ivo ndokubva vaenda kunzvimbo yavo yokuhwanda iri pakati peBhetieri neAi, kuri kumadokero kweAi. Asi Joshuwa akarara usiku ihwohwo ari mukati mavanhu.
10
Joshuwa akafumomuka akaunganidza vanhu vachibva vakwira kuenda kuAi, iye navakuru vakuru vavaIsiraeri vakatungamira pamberi pavanhu.
11
Varwi vehondo vose vaakanga anavo vakaendako vakasvika pedyo neguta, vakadzika matendhe avo kuchamhembe kweAi. Pakati pavo neguta irori paiva nenhika yakadzika.
12
Akatora varume vainge zviuru zvishanu, akavati vahwande vari pakati peBhetieri neguta reAi kumadokero kweAi.
13
Saka vakaronga varwi, vakaisa boka ravo guru nechokuchamhembe kweguta iroro, rimwe boka ravo reshure kumadokero kweguta iroro. Asi usiku ihwohwo Joshuwa akarara ari munhika muya.
14
Mambo weguta reAi paakaona izvi iye navanhu vake vose vomuguta imomo vakabuda, vakamhanyira kumateru, vakananga kugan'a reArabha, vachida kundorwisana navaIsiraeri ikoko. Asi haana kuziva kuti kuseri kweguta irori kwaiva navakanga vakamuhwandira.
15
Joshuwa navaIsiraeri vose vakaita sokunge vakundwa navo, ndokutiza vakananga kurenje.
16
Vanhu vose vaiva muguta iri vakakokorodzwa kuti vavadzingirire. Vachidzingirira Joshuwa kudaro vakatenge vachikwezverwa kure neguta.
17
Hakuna murume akasara ari muguta reAi kana muBhetiere asina kundodzingirira vaIsiraeri. Vakasiya guta iri rakashama vachitandanisa vaIsiraeri.
18
Tenzi ndokuti kuna Joshuwa, “Tondeka kuguta reAi nepfumo riri muruoko rwako nokuti ndichaisa guta irori mumaoko ako.” Joshuwa akanongedzera kuguta iroro nepfumo raiva muruoko rwake.
19
Joshuwa paakangosimudza ruoko rwake, vaya vakanga vakahwandira, vakabva vasimuka pavakanga vari nokukurumidza. Vakamhanya, vakapinda muguta, rikabva rava mumaoko avo, vakachimbidza kuripisa.
20
Zvino varume vokuAi vakati cheu, vakaona guta changova chamupwititi utsi, huchingotogoka mudenga. Zvakavapedza simba rokuti vatizire uku, kana uku nokuti vaya vokutizira kurenje vakadzoka kuzorwisa vaivadzingirira vacho.
21
Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vose vaona kuti guta riya rava mumaoko avaya vakanga vakahwandira, uye kuti guta rakanga rangova utsi chete mudenga, vakabva vadzoka kuzouraya varwi veAi.
22
VaIsiraeri vokupinda muguta vaya vakavabudirawo, saizvozvo ivo vakanga vava pakati, vachiti uku vaIsiraeri uku vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya zvokuti hakuna akasara ari mupenyu kana akapunyuka.
23
Asi vakabata mambo weAi ari mupenyu vakaenda naye kuna Joshuwa.
24
Kuzoti vaIsiraeri vapedza kuuraya vagari vose vokuAi kugan'a kuya kurenje kwavakanga vachivadzingira, vapedza kuuraya munhu wose zvake nebakatwa, vaIsiraeri vose vakadzokera kuAi vakandouraya vose vaivamo namapakatwa.
25
Pazuva iroro vanhu vose vokuAi vakaurayiwa vaiva zviuru gumi nezviviri zvavanhu varume navakadzi,
26
nokuti Joshuwa haana kudzosa ruoko rwake ruya rwaiva rwakabata pfumo kusvikira aparadza vagari vose vomuAi.
27
VaIsiraeri chavakangotora chete imombe nezvinhu zvomuguta iroro zvavakapamba, sokutaurirwa kwakanga kwaitwa Joshuwa naTenzi.
28
Saka Joshuwa akapisa Ai, rikasara rangova murwi kusvikira narini wose sezvariri nanhasi uno.
29
Akasungirira mambo weAi mumuti kusvikira manheru. Kuzoti zuva rodoka Joshuwa akaudza vanhu zvokuita, vanhu vakaturura chitunha chake mumuti vakachikanda panzira, pasuo guru reguta iroro, ndokubva vatutira murwi mukuru wamatombo pamusoro pacho. Pari nhasi murwi iwoyo uchiripo.
30
Joshuwa akavakira Tenzi Mwari wavaIsiraeri atari pagomo reEbhari
31
sokuudzwa kwakaitwa vaIsiraeri naMosesi muranda waTenzi, sokunyorwawo kwazvakaitwa mubhuku raMosesi remitemo zvichinzi, “Inofanira kuva atari yamatombo asina kuvezwa nesimbi,” vakapira Tenzi zvibayiro zvemipiro yokupisa neyokuwadzana.
32
Ipapo vanhu vechiIsiraeri vachiona kudaro Joshuwa akanyora pamatombo mutemo uya waMosesi waakanga anyora.
33
VaIsiraeri vose zvavo, vatorwa pamwechete nezvidza zvomo, pamwechete navakuru vakuru vavo, namakurukota avo, navatongi vavo, vakandomira vakati vamwe uku, vamwe uku kumativi ebhokisi rechitenderano vakatarisana navapristi vaRevhi vokutakura bhokisi raTenzi rechitenderano. Chimwe chikamu chavo chakandomira pamberi pegomo reGerizimu, chimwe chikandomira pamberi pegomo reEbhari sokuudzwa kwavakanga vaitwa naMosesi muranda waTenzi pakutanga kuti vanofanira kupa vaIsiraeri chikomborero.
34
Shure kwaizvozvo, akaverenga mazwi ose omutemo okukomborera munhu, nookupinza munhu murushambwa maererano nezvose zvakanyorwa mubhuku romutemo.
35
Hakuna chinhu pane zvose zvakanga zvakataurwa naMosesi chisina kuverengwa naJoshuwa kugungano rose ravaIsiraeri, navakadzi navana navatorwa vaigara navo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24