bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 22
Joshua 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
1
Joshuwa akadaidza vedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase
2
akavati, “Makachengeta zvose zvamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, mukanditeerera pane zvose zvandakakuudzai.
3
Hamuna kana kumbosiyana zvenyu nehama dzenyu nguva yose iyi yanga yakareba kudai kusvikira nhasi uno, asi kutoti manga muchinyatsochengeta zvamakaudzwa naTenzi, Mwari wenyu.
4
Zvino Tenzi Mwari wenyu apa hama dzenyu runyararo sokuvatsidzira kwaakaita. Saka imimi chidzokerai zvenyu kumusha kwenyu, kunyika yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi kumhiri kwaJorodhani, kuti ive yenyu.
5
Nyatsongwarirai kuchengeta mutemo nomurao wamakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, wokuti mude Tenzi, Mwari wenyu, mufambe munzira dzake dzose muteerere mirao yake muti kwati kwati naye, muchimushandira nomwoyo wenyu wose, nomweya wenyu wose.”
6
Saka Joshuwa akavapa chikomborero ndokuvati vaende zvavo, vakaenda kumisha yavo.
7
Zvakanga zvaitika ndezvokuti Mosesi akanga apa chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase nyika yavo kuBhashani, Joshuwa ndokupawo chimwe chikamu chevedzinza irori nyika, pedyo nehama dzavo yokumadokero kwaJorodhani. Pakuonekana navo, Joshuwa akavapa chikomborero
8
achiti kwavari, “Chidzokerai zvenyu kumisha yenyu muine upfumi hwenyu hwakawanda kwazvo, hwamatanga namatanga ezvipfuwo nesirivha nendarira nesimbi, namatutu matutu ehanzu, musvikogoverana nehama dzenyu zvamakapamba kuvavengi venyu.
9
Naizvozvo vokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vakadzokera kumusha. Vakaonekedzana navamwe vavo vaIsiraeri kuShiro, munyika yeKanani, voenda zvavo kuGireadhi kunyika yavo yavakatora vakaiita yavo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nokuna Mosesi.”
10
Pavakasvika kunharaunda yokuna Jorodhani munyika yeKanani, vokwaRubheni novokwaManase vakavaka atari huru kwazvo munyasi maJorodhani.
11
Pazvakasvika munzeve dzavamwe vavo vaIsiraeri zvichinzi, “Hezvoka, vokwaRubheni nevokwaGadhi vaya nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase chiya vavaka atari kumuganhu wenyika yeKanani kunharaunda yokunaJorodhani kumhiri ino munyika yavaIsiraeri.”
12
VaIsiraeri pavakazvinzwa, gungano rose ravaIsiraeri rakakokorodzana kuShiro kundovarwisa.
13
VaIsiraeri vakatumira Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari kune vedzinza rokwaRubheni nerokwaGadhi nokune chimwe chikamu chevedzinza rokwaManase riya kunyika yeGireadhi.
14
Akaenda navatungamiriri gumi, mutungamiriri mumwechete mumwechete pamadzinza gumi avaIsiraeri. Mumwe nomumwe wavo aiva mukuru mukuru wemhuri mumadzinza avaIsiraeri.
15
Vakasvika kune vokwaRubheni nevokwaGadhi nevechimwe chikamu chiya chevokwaManase kunyika yeGireadhi, vakati kwavari,
16
“Chinzwai zvarehwa negungano rose raTenzi, zvanzi, ‘Ko madarirei kupandukira Mwari wavaIsiraeri kudai, motsauka kuna Tenzi nhasi nokutozvivakira zvenyu atari muchipandukira Tenzi?
17
Ko mhosva iya yechitadzo chokuPeori munoti haina kukwana here? Inga mhosva yacho hatisati taishamba wani kusvikira pari nhasi uno. Ndiyo yakaunza denda pagungano raTenzi.
18
Zvamava kutosiyana zvenyu nhasi uno naTenzi. Zvino kana imi mukapandukira Tenzi nhasi uno, mangwana achashatirirwa gungano rose ravaIsiraeri.
19
Ko, kana maona kuti nyika yenyu ino yakan'ora madii kusva mayambukira zvenyu kunyika yaTenzi kune tendhe raTenzi muwane nyika mukati medu. Asi chete musapandukire Tenzi, kana kupandukira isu muchitozvivakira zvenyu atari isiri atari yaTenzi, Mwari wedu.
20
Handiti Akani mwanakomana waZera akapara chitadzo panyaya yezvinhu zvakanga zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe. Chitadzo chacho hachina here kupfukira gungano rose ravaIsiraeri? Haasiri iye woga akafa pamusana pechitadzo chake.’ ”
21
VokwaRubheni nevokwaGadhi nechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase ndokupindura vatungamiriri vaya vemhuri dzavaIsiraeri vachiti,
22
“Tenzi, Samasimbaose, ndiye Mwari! Iye Tenzi, Samasimbaose, ndiye Mwari. Ndiye anoziva navaIsiraeri pachavo ngavazivewo kana izvozvi takazviita noumhandupandu kana kuti nokusatendeka kuna Tenzi musatirege tiri vapenyu nhasi uno.
23
Kana takazvivakira atari iyi kuti tikande pasi zvokutevera Tenzi kana kuti tipire pairi mupiro wokupisa, kana kupira pairi mipiro yembesanwa kana mipiro yokuwadzana, Tenzi pachake ngaatitsividze.
24
Aiwa. Takangozviita tichityira kuti, mune ramangwana vana venyu vanozokonora vana vedu vachiti, ‘Muneiwo zvenyu naTenzi, Mwari wavaIsiraeri.
25
Handiti Tenzi akaisa Jorodhani urwu kuti ruve muganhu pakati pedu nemi vokwaRubheni nevokwaGadhi, chenyu muna Tenzi hapana.’ Saka vana venyu vangazoregesa vana vedu kunamata Tenzi.
26
Ndokusaka takati, ‘Ngatidai izvi, ngativakei atari isiri yomupiro wokupisa kana yechibayiro,
27
asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi, uyewo chigozova chapupu pakati pezvizvarwa zvedu zvichauya.’ Chive chinhu chokutipupurira kuti isuwo tinonamata Tenzi kunzvimbo yake tsvene nemipiro yedu yokupisa nezvibayiro zvedu nemipiro yedu yokuwadzana tichiitira kuti mangwana vana venyu vanozoti ‘Chenyu muna Tenzi hapana.’
28
Takati kana vakawana zvavanozotaura kwatiri, isu tichazoti, ‘Onaika atari iyo yakaita seyaTenzi yakavakwa namadzibaba edu isiri yemipiro yokuwadzana kana yechibayiro asi kuti ive chapupu pakati pedu nemi.’
29
Hazvimbofa zvakaitika kuti isu tipandukire Tenzi tokanda pasi nhasi zvokumutevera Tenzi tava kutovaka zvedu atari yomupiro wokupisa kana mupiro wembesanwa kunyange yechibayiro tichisiya atari yaTenzi, Mwari wedu iri kumusuo wetendhe rinoera!”
30
Mupristi Finehasi navatungamiriri vegungano, navakuru vakuru vemhuri dzavaIsiraeri vaaiva navo pavakanzwa zvakataurwa nevokwaRhubheni nevokwaGadhi nevokwaManase, vakafadzwa nazvo.
31
Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari akataurira vokwaRubheni nevokwaGadhi nevokwaManase achiti, “Nhasi tazoziva kuti Tenzi ari pakati pedu nokuti hamuna kuzviita muchipandukira Tenzi. Zvino mazonunura vaIsiraeri mumaoko aTenzi.
32
Finehasi mwanakomana womupristi Ereazari navatungamiriri vaya vakadzokera zvavo kunyika yeKanani neshoko kuvaIsiraeri vachibva kunyika yeGereadhi kune vokwaRubheni nevokwaGadhi.
33
Shoko iroro rakafadza vaIsiraeri. VaIsiraeri vakarumbidza Tenzi uye havana kana kuzotaura nezvokuvarwisa muhondo kuti vaparadze nyika yaigara vokwaRubheni nevokwaGadhi.
34
VokwaRubheni nevokwaGadhi vaya vakatumidza atari iya kuti chapupu vachiti, ‘Ndiyo chapupu pakati pedu chokuti Tenzi ndiMwari.’ ”
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24