bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 17
Joshua 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
1
Nyika yakagoverwawo vedzinza rokwaManase nokuti iyeyu ndiye aiva dangwe raJosefi. Makiri dangwe raManase baba waGireadhi vakapiwa nyika yeGireadhi neyeBhashani nokuti akanga ari munhu wehondo.
2
Dzimwe mhuri dzosewo dzedzinza rokwaManase dzakagoverwawo nyika dzaiti: mhuri yokwaAbhihezeri naHereki naAsirieri naShikemu naHeferi naShemidha. Ndovechirume vedzinza rokwaManase mwana waJosefi mhuri nemhuri.
3
Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGireadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase, akanga asina vana vakomana achingova navasikana chete vaiti: Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza.
4
Vakaenda kuna vava vaiti: mupristi Ereazari naJoshuwa mwana waNunu navatungamiri vakati, “Tenzi akaudza Mosesi kuti tinofanira kupiwa nhaka pakati pehanzvadzi dzedu.” Naizvozvo sokutaura kwakaita Tenzi akavapa nhaka pakati pavakoma navanun'una vababa vavo.
5
Zvakazoitika ndezvokuti dzinza rokwaManase rakazowana migove gumi tisingaverengere nyika yeGireadhi neyeBhashani iri kumhiri kwaJorodhani,
6
pari pamusana pokuti vanasikana ivava vokwaManase vakagoverwawo nhaka pakati pavana vokwaManase vechikomana. Nyika yeGireadhi ndiyo yakagoverwa vamwe vokwaManase.
7
Muganhu wenyika yokwaManase iyi unobvira Asheru kusvikira kuMikimetati kumabvazuva kweShekemu wodzika kumaodzanyemba kuvanhu vokuEnitapua.
8
Nyika yeTapua ndeyevokwaManase asi guta reTapua riri pamuganhu waManase nderevokwaEfuraimu.
9
Muganhu iwoyu waizodzika wosvika kukakova keKana. Maguta ose okumaodzanyemba kwekakova ikaka ndokwaEfuraimu kunyange zvazvo ari mukati memaguta okwaManase. Muganhu uyu wokwaManase waizokwidza nokuchamhembe kwekakova ikaka uchindoperera kugungwa reMediterenieni.
10
Nyika yokumaodzanyemba kwako ndeyokwaEfuraimu yokuchamhembe kwako ndeyokwaManase, ukuwo gungwa ririwo muganhu, kuchamhembe kwayo inondosvika kunyika yevokwaAsheru, kumabvazuva ichindoganhurana novokwaIsakari.
11
VokwaManase ivava vaivawo namaguta munyika yevokwaIsakari neyokwaAsheru aiti: Bhetisheani nemisha yaro, nereIbhureamu nemisha yaro. Vagotiwo maguta ano aya navagari vawo anoti: guta reDhoru nemisha yaro nereEndori nemisha yaro neTaanaki nemisha yaro neMegidho nemisha yaro pane aya rechitatu rawo ndiro Nafati.
12
Asi vokwaManase havana kukwanisa kukurira maguta iwayo nokuti vaKanani vakarambira munyika iyoyo.
13
VaIsiraeri pavakazenge vava namasimba vakazovaitisa basa rechibharo, asi havana kubva vavadzinga zvokuvapedzeredza.
14
Vemba yokwaJosefi vakati kuna Joshuwa, “Ko madarireiko kungotipa mugove wenhaka mumwechete chete kudai isu takawanda kwazvo kudai mudzinza medu nokukomborerwa kwatakaitwa naTenzi.”
15
Joshuwa akavati, “Kana zvirizvo kuti makawanda kudaro, nyika iyoyo yemakomo yokwaEfuraimu yakuitirai duku duku, chiendai zvenyu kumasango kunyika yavaPerizi neyavaRefaimu muzvitemere makombo.”
16
Vedzinza raJosefi vakati, “Nyika yemakomo haitikwaniri. Chimwewo ndechokuti vaKanani vagere kubani vane ngoro dzehondo dzesimbi, kunoti: vamwe vagere kuBhetisheani nemisha yaro kwouya vamwe vari kubani reJezireeri.”
17
Joshuwa akaudza vemba yokwaJosefi, vedzinza reEfuraimu neraManase achiti, “Makawanda imi uye mune simba guru. Hazvingaiti kuti muve nomugove wenhaka mumwechete chete.
18
Zvino nyika yemakomo ichava yenyu. Kunyange zvazvo iri sango kudaro, ritemei muiite yenyu kusvikira kwokupedzesera chaiko kwemiganhu yavo nokuti munofanira kudzinga vaKanani kunyange zvazvo vakasimba vaine ngoro dzehondo dzesimbi.”
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24