bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 4
Joshua 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
1
Vanhu vose pavakapedza kuyambuka Jorodhani, Tenzi akati kuna Joshuwa,
2
“Sarudza varume gumi navaviri muvanhu, murume mumwechete padzinza,
3
uvati, ‘Torai mabwe gumi namaviri apano apa pakati paJorodhani panga pamire vapristi chaipo, muatakure muende nawo, mundoaisa pamucharara usiku hwanhasi.’ ”
4
Joshuwa akadaidza varume gumi navaviri muvaIsiraeri, vaakanga asarudza achitora murume mumwechete padzinza.
5
Zvino Joshuwa akati kwavari, “Endai mberi kwebhokisi rechitenderano chaTenzi Mwari wenyu, pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu atore ibwe aritakure papfudzi rake, maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri.
6
Itai izvozvi kuti chigova chiratidzo; pakati penyu chokuti mangwana, kana vana venyu vobvunza kuti, ‘Ko kwamuri imi mabwe ayo anorevei’?
7
Imi muvataurire kuti, ‘Mvura yaJorodhani yakamboganhurwa pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano pakuyambuka kwarakaita Jorodhani. Mvura yaJorodhani yakaganhurwa. Saka mabwe iwaya achava chiyeuchidzo kuvaIsiraeri nokusingaperi.’ ”
8
Saizvozvo vaIsiraeri ivavo vakaita zvavakaudzwa naJoshuwa. Vakatora mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani maererano nouwandi hwamadzinza avaIsiraeri sokuudziwa kwakaitwa Joshuwa naTenzi. Vakaatakura vakayambukira nawo kwavakandorara, vakaaisa ikoko.
9
Joshuwa akarongawo mabwe gumi namaviri pakati paJorodhani, pakanga pamire vapristi paya, vainge vakatakura bhokisi rechitenderano. Mabwe iwayo achiripo nanhasi uno,
10
nokuti vapristi vainge vakatakura bhokisi rechitenderano vakaramba vamire pakati paJorodhani kusvikira zvose zvakanga zvaudzwa Joshuwa naTenzi kuti ataurire vanhu zvapera kuitwa, maererano nezvose zvakanga zvaudzwa Joshuwa naMosesi. Vanhu vakaita chipitipiti kuyambuka.
11
Kuzoti vanhu vose vapedza kuyambuka, vapristi vakayambukawo nebhokisi rechitenderano vanhu vachiona.
12
Vedzinza rokwaRubheni nevokwaGadhi nechikamu chapakati napakati chevedzinza rokwaManase vakayambuka vakapakata zvombo zvehondo vari mberi kwavaIsiraeri, sokuudzwa kwavakanga vaitwa naMosesi.
13
Kwakayambuka zviuru zvinenge makumi mana zvavanhu vakanga vakapakata zvombo zvehondo pana Tenzi vakandosvika kumapani eJeriko.
14
Musi iwoyo Tenzi akasimudzira Joshuwa pamusoro vaIsiraeri vose vachiona, vakamuremekedza sokuremekedza kwavaiita Mosesi upenyu hwake hwose.
15
Tenzi akataurira Joshuwa achiti,
16
“Chiudza vapristi vakatakura bhokisi rechitenderano vachibuda muna Jorodhani.”
17
Saka Joshuwa akati kuvapristi, “Chibudai muna Jorodhani!”
18
Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakakwira vachibva muna Jorodhani, pavakangoti simudzei tsoka dzavo vachitsika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani yakabva yadzokera pakare ikafashukira mhiri nemhiri sezvayakanga yakaita.
19
VaIsiraeri vakabuda muna Jorodhani pazuva rechigumi romwedzi wokutanga, vakandodzika matendhe avo vava kuGirigari, kumuganhu wokumabvazuva weJeriko.
20
Joshuwa akaronga matombo gumi namaviri iwayo avakatora muna Jorodhani kuGirigari.
21
Akataurira vaIsiraeri kuti, “Kana mangwana, zvizukuru zvenyu zvozobvunza madzibaba azvo kuti, ‘Matombo aya anorevei?’
22
Ipapa izotaurira vana venyu kuti, ‘VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu napakaoma.’
23
Ndinodaro nokuti Tenzi, Mwari wenyu akakuomeserai mvura yaJorodhani kusvikira mayambuka, sezvakaitawo iye Tenzi, Mwari wenyu kugungwa Dzvuku raakatiomesera kusvikira tayambuka,
24
kuitira kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzigoziva kuti Tenzi ane simba guru kwazvo, uyewo kuti mutye Tenzi Mwari wenyu wose narini narini.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24