bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joshua 7
Joshua 7
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
1
Asi vaIsiraeri havana kuva vanhu vakatendeka panyaya yezvinhu zvakaturirwa kuparadzirwa Mwari. Chakaitika ndechokuti, Akani mwanakomana waKarumi, muzukuru waZabhudhi, mwanakomana waZeraha, wedzinza rokwaJudha akatora zvimwe zvinhu pazvinhu zviya zvakanga zvaturirwa kuparadzirwa Mwari, hasha dzaTenzi dzikavirukira vaIsiraeri.
2
Joshuwa akatuma vamwe varume vachibva kuJeriko kuenda kuAi, guta riri pedyo neBhetihavheni nechokumabvazuva kweBheteri, akavati, “Kwirai uku mundosora nyika.” Varume ivavo vakakwira ikoko, vakasora guta reAi.
3
Vakadzoka kuna Joshuwa vakati kwaari, “Regai kuti vanhu vose vakwireko, ingotii chete varume zviuru zviviri kana zvitatu vakwire ikoko, varwise guta reAi. Regai zvenyu kutambudza vanhu nokuendesa vose ikoko nokuti vanhu voko vashoma.”
4
Saka vanhu vainge zviuru zvitatu vakabva mugungano vakaendako. Asi vakamhanyiswa navarume vokuAi.
5
Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya.
6
Joshuwa akabvarura hanzu dzake neshungu, akandoti pasi zvambarara pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano kusvikira manheru, iye pamwechete navakuru vakuru vavaIsiraeri, vakazvidira dota mumusoro.
7
Ndopakazonamata Joshuwa achiti: “O babawe kani! Nhai Tenzi Mwari, makagoyambutsireiko vanhu ava Jorodhani. Kuzotiisa here chokwadi mumaoko avaAmori, kuti vatiparadze zvavo? Inga, dai takangosva tagara zvedu kumhiri kwaJorodhani.
8
Zvino ndingagoti kudii chaizvo, nhai Tenzi kana vaIsiraeri vachidai kutiza vavengi vavo?
9
Handiti vaKanani navagari vose vomunyika ino vachazvinzwa, vakatikomberana zvavo, vakatitsakatisa panyika zvokusazombonzwika zvedu kana zita. Zvino imi noukuru hwezita renyu, muchava papi ipapa?”
10
Tenzi akati kuna Joshuwa, “Simuka apo! Ko ndochii ichocho kuzvambarara kudaro.
11
VaIsiraeri vaita chitadzo, vatyora chitenderano changu navo, nokutora kwavaita zvimwe zvinhu zvakashorwa kuti zviparadzwe. Vaba, vakareva nhema, vakabatanidza zvavo zvinhu izvozvo nezvinhu zvavo.
12
Ndokusaka vaIsiraeri vasisakwanisi kumirisana navavengi vavo vachitovapa gotsi kuvatiza. Izvozvi ivo ndivo vatova chinhu chakaturirwa kuneni kuti chiparadzwe. Kubvira iye zvino zvokuva nemi ndarega kusatoti matoparadza pakati penyu chinhu ichocho chakaturirweni kuti chiparadzwe.
13
Simuka, uchenure vanhu uti, zvichenurei mugadzirire mangwana nokuti Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ati, ‘Mukati menyu mune zvinhu zvakuturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe. Saka imi vaIsiraeri, hamungakwanise kumirisana navavengi venyu kusvikira mabvisa zvinhu izvozvo pakati penyu zvakaturirwa kwandiri kuti zviparadzwe.
14
Naizvozvo mangwanani munofanira kuuya kuno muri dzinza nedzinza. Dzinza rinenge rabatwapo naTenzi richapinda mudariro mhuri nemhuri. Kwozotiwo mhuri yomo inenge yabatwapo naTenzi, inofanira kupindawo mudariro imba nemba. Vembawo inenge yabatwa naTenzi vachapinda mudariro vachiteverana munhu nomunhu.
15
Munhu anobatwa aine zvinhu izvozvo zvakaturirwa kuti zviparadzwe Mwari, anosungirwa kupiswa nomoto pamwechete nezvinhu zvake zvose nokuti atyora chitsidzirano chawakanzi naTenzi chichengetwe, uyewo nokuti akaita zvinonyadza muIsiraeri.’ ”
16
Joshuwa akamuka rungwanangwana akati vaIsiraeri vauye mberi dzinza nedzinza, ndokubva kwabatwa dzinza rokwaJudha.
17
Akapinza dzinza rokwaJudha mudariro, kukabatwa vemhuri yokwaZera. Akapinza vemhuri yokwaZera mudariro, vachiteverana munhu nomunhu kukabatwa vemba yokwaZabhudhi.
18
Akapinza mudariro vemba yake iyeyu vachiteverana munhu nomunhu kukabatwa Akani mwanakomana waKarumi, mwanakomana waZera wedzinza rokwaJudha.
19
Joshuwa akati kuna Akani, “Mwanangu pano apaka, chiremekedza Tenzi, Mwari wavaIsiraeri umurumbidze, ureurure kwandiri zvawakaita usandivanzire.”
20
Akani akapindura Joshuwa achiti, “Chokwadi ndakatadzira Tenzi Mwari wavaIsiraeri. Zvandakaita ndezvizvi.
21
Pandakaona hanzu yegemenzi yamandiriri kunaka yokuShinari pazvinhu zvakanga zvapambwa, nemari yamashekeri yesirivha inorema makirogiramu maviri, nechidimbu chendarama chino uremu hunopfuura chikamu chapakati napakati chekirogiramu, ndakazvichiva ndikazvitora. Zvino zvinhu izvozvo ndakazviviga muvhu, mutendhe yangu, pakati, sirivha ndiyo iri nechapasi pazvo.”
22
Joshuwa akatuma nhume dzikamhanya kutendhe iroro, wanei zvakavigwa mutendhe rake imomo, sirivha iri nechepasipasi.
23
Vakazviburitsa mukati metendhe imomo, vakaenda nazvo kwaiva naJoshuwa navaIsiraeri vose, vakazviti ware ware pasi pana Tenzi.
24
Joshuwa pamwechete navaIsiraeri vose vakatora Akani mwanakomana waZera, nesirivha iya nehanzu iya nechidimbu chendarama chiya, vakatorawo vana vake vakomana navasikana, pamwechete nemombe dzake namadhongi nehwai dzake netendhe rake netwake twose, vakaenda nazvo kubani reAkori.
25
Joshuwa akati, “Ko iwe wakatipinzirei munhamo yakadai? Nhasi uno, Tenzi akupinzawo munhamo.” VaIsiraeri vose vakamutema namabwe, pamwechete navaaiva navo, vakavapisa nomoto.
26
Vakatutira murwi wamatombo mukuru pamusoro pake, uchiripo nanhasi uno, hasha dzaTenzi dzakanga dzaviruka dzikanyevenuka. Saka nanhasi uno zita rebani iroro richinzi, Bani reAkori.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24