bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 1
1 Corinthians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 2 →
1
Pauro, wakaɗanwa nokuɗa kwaMŋari, kuti aʋe muapostora waKristu Jesu, naSostene, hama yeɗu,
2
kukereke yaMŋari iri paKorinte, kunaʋakaitwa ʋatȿene munaKristu Jesu, ʋakaɗanwa kuti ʋaʋe ʋatȿene pamŋe cete naʋose ʋanoɗana pose‐pose zita raJesu Kristu, Ishe weɗu, waʋo noweɗu:
3
Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.
4
Ndinogara ndiciʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu, pamsoro penyasha dzaMŋari dzamakapiwa munaKristu Jesu;
5
kuti makafumiswa paɀose maari, pakutaura kwose, napakuziʋa kwose;
6
nokuɗaro ʋucapupu bgaKristu bgakasimbiswa mamuri;
7
kuti hamushaiwi cipo cimŋe; mucimirira kuratidzwa kwaShe weɗu, Jesu Kristu;
8
ucakusimbisai kuȿikira pakuguma, muʋe ʋasiŋgapomerwi pazuʋa raShe Jesu Kristu.
9
Mŋari ndiye wakatendeka, wamakaɗanwa naye kuyanana noMŋanakomana wake, Jesu Kristu, Ishe weɗu.
10
Ɀino ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, nezita raShe weɗu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure cinhu cimŋe, kuti pakati penyu kurege kuʋa nokupesana; asi kuti musoŋganiswe ɀakanaka pamuraŋgariro mumŋe nokufuŋga kumŋe.
11
Nokuti ndakaʋudzwa pamsoro penyu, hama dzaŋgu, naʋari ʋokwaKroe, kuti kunegakaʋa pakati penyu.
12
Ɀandinoreʋa ndiɀo, kuti mumŋe nomumŋe wenyu unoti: Ini ndiri waPauro, ini waAporo, ini waKefasi, ini waKristu.
13
Ko Kristu wakaparadzaniswa here? Ko Pauro wakaroʋerwa pamucinjikwa nokuɗa kwenyu here? Ko makabapatidzwa muzita raPauro here?
14
Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti handina‐kubapatidza mumŋe wenyu, asi Krispo naGayo;
15
kuti kurege kuʋa nomunhu uŋgati, makabapatidzwa muzita raŋgu.
16
Ndakabapatidza ʋo ʋeimba yaStefana; asi ʋamŋe, handiziʋi kana ndakabapatidza mumŋe.
17
Nokuti Kristu haana‐kundituma kubapatidza, asi kuti ndiparidze Evaŋgeri; ndisiŋgaiti nenjere dzamashoko, kuti mucinjikwa waKristu urege kukoneswa.
18
Nokuti shoko romucinjikwa ʋupenzi kunaʋanoparadzwa; asi kwatiri, isu tinoponeswa, isimba raMŋari.
19
Nokuti kwakanyorwa kucinzi: Ndicaparadza ʋucenjeri bgaʋakacenjera, Ndicakonesa kuziʋa kwaʋanoziʋa.
20
Wakacenjera uripiko? Munyori uripiko? Muiti wenharo wenyika ino uripiko? Mŋari haana‐kuita ʋucenjeri bgenyika bguʋe ʋupenzi here?
21
Nokuti noʋucenjeri bgaMŋari, nyika noʋucenjeri bgayo, ɀaisina‐kuziʋa Mŋari, Mŋari wakafadzwa naɀo kuti ʋanotenda aʋaponese noʋupenzi bgokuparidza.
22
Nokuti ʋaJuda ʋanokumbira ɀiratidzo, naʋaGiriki ʋanotȿaka ʋucenjeri;
23
asi isu tinoparidza Kristu, wakaroʋerwa pamucinjikwa, cigumbuso kuʋaJuda, noʋupenzi kuʋahedeni;
24
asi kunaʋakaɗanwa, ʋaJuda naʋaGiriki, Kristu isimba raMŋari, noʋucenjeri bgaMŋari.
25
Nokuti ʋupenzi bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu noʋucenjeri; noʋutera bgaMŋari bgunopfuʋura ʋanhu nesimba.
26
Nokuti tarirai kuɗanwa kwenyu, hama dzaŋgu, kuti haʋazi ʋazhinji ʋakacenjera panyama ʋakaɗanwa; haʋazi ʋazhinji ʋanesimba, haʋazi ʋazhinji ʋanokudzwa;
27
asi Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀoʋupenzi ɀenyika, kuti anyadzise ʋakacenjera; Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀisinesimba ɀenyika, kuti anyadzise iɀo ɀinesimba;
28
Mŋari wakatsaura ɀinhu ɀinoɀidzwa ɀenyika, neɀinoshoʋorwa, neɀinhu ɀisi’po, kuti ashaise ɀiri’po simba raɀo,
29
kuti kurege kuʋa nenyama iŋgaɀikudza pamberi paMŋari.
30
Asi naye muri munaKristu Jesu, iye wakatiitirwa isu ʋucenjeri bgunobva kunaMŋari, nokururama, noʋutȿene, norudzikinuro.
31
Kuti unoɀirumbidza, ngaaɀirumbidze munaShe, seɀaɀakanyorwa.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16