bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 14
1 Corinthians 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
1
Teʋerai ruɗo; shiŋgairirai ɀipo ɀoMŋeya, asi ɀikuru kuti muprofite.
2
Nokuti unotaura no rumŋe rurimi haatauri kuʋanhu, asi kunaMŋari; nokuti hakuna‐uno mu nzwa; asi noMŋeya unotaura ɀakaʋanzika.
3
Asi unoprofita, unotaura kuʋanhu, kuti ʋasimbiswe nokurairwa, nokunyaradzwa.
4
Unotaura norurimi, unoɀisimbisa iye; asi unoprofita, unosimbisa kereke.
5
Ɀino ndinoɗa kuti imi mose mutaure nendimi, asi ɀikuru kuti muprofite; unoprofita mukuru kunounotaura nendimi, asi kana aciɗudzira, kuti kereke isimbiswe.
6
Asi ɀino, hama dzaŋgu, kana ndiciʋuya kwamuri, ndicitaura nendimi, ndiŋgakuɓatsirai neiko, kana ndisiŋgatauri nokuzarurirwa, kana nokuziʋa, kana nokuprofita, kana nokudzidzisa?
7
Kunyaŋge ɀinhu ɀisinoʋupenyu, ɀinorira — kana iri nyere, kana ruɗimbga — kana ɀisiŋgasiyani pakurira kwaɀo, ɀiŋgazikanwa seiko cinoridzwa nenyere kana noruɗimbga?
8
Nokuti kana hwamanda isiŋgariri kwaɀo, ndianiko uŋgaɀigadzira kundorwa?
9
Ɀakaɗaro ʋo nemi, kana musiŋgatauri norurimi mashoko anonatso‐zikanwa, ɀinotaurwa ɀicazikanwa seiko? Nokuti mucaŋgotaura henyu mumhepo.
10
Manzwi anamarudzi mazhinji sei panyika, hakunecinhu cisinenzwi raco.
11
Ɀino kana ndisiŋgaziʋi kuti inzwi rinoreʋei, ini ndicaʋa somunhu worumŋe rurimi kunounotaura, nounotaura ucaʋa kwandiri somunhu worumŋe rurimi.
12
Saiɀoɀo ʋo imi, ɀamunoshiŋgairira ɀinhu ɀoMŋeya, tȿakai ɀikuru kuti musimbise kereke.
13
Saka unotaura no rumŋe rurimi, ŋgaanyeŋgetere kuti aɗudzire ʋo.
14
Nokuti kana ndicinyeŋgetera no rumŋe rurimi, mŋeya waŋgu unonyeŋgetera, asi kufuŋga kwaŋgu kunoshaiwa ɀiɓereko.
15
Ɀino cinyiko? Ndicanyeŋgetera nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicanyeŋgetera nokufuŋga kwaŋgu ʋo; ndicaimba nomŋeya waŋgu, ʋuye ndicaimba nokufuŋga kwaŋgu ʋo.
16
Kana ɀisakaɗaro, kana iwe uciʋoŋga nomŋeya, ko uyo ugere pacigaro caʋasina‐kudzidza, ucati Ameni seiko pakuʋoŋga kwako, ɀaasiŋgaziʋi caunotaura iwe?
17
Nokuti iwe unoʋoŋga hako ɀakanaka, asi mumŋe haasimbiswi.
18
Ndinoʋoŋga Mŋari, kuti ini ndinotaura nendimi zhinji kukunda imi mose;
19
asi pakereke ndinoɗa ɀikuru kutaura mashoko mashanu nokufuŋga kwaŋgu, kuti ndidzidzise ʋamŋe ʋo, pa kutaura no rumŋe rurimi mashoko aneɀuru ɀinegumi.
20
Hama dzaŋgu, musaʋa ʋana pakuziʋa, asi muʋe ʋacece paɀakaipa, asi pakuziʋa muʋe ʋakuru.
21
pamurairo pakanyorwa, paciti: Ndicataura kuʋanhu aʋa, ndicireʋa naʋanhu ʋedzimŋe ndimi nemimŋe miromo; kunyaŋge ɀakaɗaro, haʋaŋganditereri — ndiɀo ɀinoreʋa Ishe.
22
Saka ndimi hadzizi ciratidzo kunaʋanotenda, asi kunaʋasiŋgatendi; nokuprofita hakuzi kunaʋasiŋgatendi, asi kunaʋanotenda.
23
Naiɀoɀo, kana kereke yose yaʋuŋgana, ʋose ʋakataura nendimi, ʋasina‐kudzidza kana ʋasina‐kutenda ʋakapinda, haʋati munopeŋga here?
24
Asi kana ʋose ʋakaprofita, mumŋe usiŋgatendi kana usina‐kudzidza akapinda, ucatendiswa naʋose, ucatoŋgwa naʋose;
25
ɀakaʋanzika ɀomŋoyo wake ɀinoratidzwa; naiɀoɀo ucawira pasi neciso cake, acinamata Ishe, nokupupura kuti Mŋari uri pakati penyu ɀirokwaɀo.
26
Ɀino ticatiyiko, hama dzaŋgu? Kana muciʋuŋgana, mumŋe nomumŋe unepisarema, unecokudzidzisa, unecakamuzarurirwa, unorumŋe rurimi, unecokuɗudzira. Ŋgaɀiitwe ɀose, kuti musimbiswe.
27
Kana mumŋe acitaura norurimi, ŋgaɀiitwe naʋaʋiri, kana ʋarege kupfuʋura ʋatatu, ʋaciraʋana; nomumŋe ŋgaaɗudzire.
28
Asi kana pasina‐unoɗudzira, ŋgaanyarare mukereke; ŋgaaɀitaurire iye, nokunaMŋari.
29
Ʋaprofita ŋgaʋataure ʋaʋiri, kana ʋatatu, naʋamŋe ŋgaʋaidze.
30
Ɀino kana cimŋe cinhu cikazarurirwa mumŋe ugere’po, wokutaŋga ŋgaanyarare.
31
Nokuti muŋgaprofita mose, muciita mumŋe‐mumŋe, kuti ʋose ʋadzidze, ʋose ʋanyaradzwe.
32
Mŋeya yaʋaprofita inoɀiisa pasi paʋaprofita;
33
nokuti Mŋari haazi Mŋari wenyoŋganiso, asi worugare, sapakereke dzose dzaʋatȿene.
34
Ʋakadzi ŋgaʋanyarare pakereke; nokuti haʋatenderwi kutaura; asi ŋgaʋaɀiise pasi, seɀinoreʋa ʋo murairo.
35
Kana ʋaciɗa kudzidza cinhu, ŋgaʋabvunze ʋarume ʋaʋo kumusha; nokuti haɀifaniri kuti mukadzi ataure mukereke.
36
Ko shoko raMŋari rakabva kwamuri here? Kana rakaȿika kwamuri moga here?
37
Kana munhu aciti, ndiri muprofita, kana ndiri womŋeya, ŋgaatende kuti iɀo ɀandinokunyorerai, murairo waShe.
38
Asi kana munhu asiŋgaziʋi, ngaaʋe usiŋgaziʋi hake.
39
Saka, hama dzaŋgu, shiŋgairirai kuprofita, musiŋgadziʋisi mumŋe kutaura nendimi.
40
Asi ɀinhu ɀose ŋgaɀiitwe nomutoʋo wakafanira ɀinemirairo yaɀo.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16