bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 2
1 Corinthians 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
1
Ɀino ini, hama dzaŋgu, pakuʋuya kwaŋgu kwamuri, handina‐kuʋuya ndicikuparidzirai ʋucapupu bgaMŋari nokunaka kwamashoko, kana kwoʋucenjeri.
2
Nokuti ndakati, handiŋgaziʋi cinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroʋerwa pamucinjikwa.
3
Ndakaŋga ndiri pakati penyu noʋutera, nokutya, nokuɗeɗera kukuru,
4
neshoko raŋgu nokuparidza kwaŋgu haɀizaiʋa namashoko okugombedzera oʋucenjeri; asi nokuratidza kwoMŋeya nokwesimba;
5
kuti kutenda kwenyu kurege kuʋa muʋucenjeri bgaʋanhu, asi musimba raMŋari.
6
Ɀino tinotaura ʋucenjeri pakati paʋakakura; asi ʋucenjeri bgusati bguri bgenyika ino, kana bgaʋaɓati ʋenyika ino ʋanoshaiswa simba.
7
Asi tinotaura ʋucenjeri bgaMŋari bgakaʋanzika, bgakafukidzwa, bgakatemerwa kubginya kweɗu naMŋari, nyika isati yaʋa’po;
8
bgusina‐kuzikanwa nomumŋe waʋaɓati ʋenyika ino; nokuti ɗai ʋaibguziʋa, ʋaŋgaɗai ʋaisaroʋera Ishe wokubginya pamucinjikwa.
9
Asi seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iɀo ɀisina‐kuʋonekwa neziso, kana kunzwika nenzeʋe, Neɀisina‐kupinda mumŋoyo womunhu, Ndiɀo Mŋari ɀaakagadzirira ʋanomuɗa.
10
Nokuti Mŋari wakaɀiratidza iɀo kwatiri isu noMŋeya; nokuti Mŋeya unonɀera ɀose, neɀakadzika ɀaMŋari.
11
Nokuti munhu ndoupiko unoziʋa ɀomunhu, asi mŋeya womunhu uri maari? Saiɀoɀo hakunomunhu unoziʋa ɀaMŋari, asi Mŋeya waMŋari.
12
Ɀino isu hatina‐kugamucira mŋeya wenyika, asi Mŋeya unobva kunaMŋari; kuti tiziʋe iɀo ɀatakaŋgopiwa heɗu naMŋari.
13
Ndiɀo ɀatinotaura ʋo, tisiŋgatauri namashoko a ti nodzidziswa noʋucenjeri bgomunhu, asi anodzidziswa noMŋeya; ticiɗudzira ɀinhu ɀoMŋeya kuʋanhu ʋoMŋeya.
14
Ɀino munhu seɀaakaɓerekwa haagamuciri ɀinhu ɀoMŋeya waMŋari; nokuti ʋupenzi kwaari; haaɀinzwisisi, nokuti ɀinonzwisiswa noMŋeya.
15
Asi uri woMŋeya unonzwisisa ɀose, asi iye amene haanzwisiswi nomunhu.
16
Nokuti ndianiko wakaziʋa muraŋgariro waShe, kuti amudzidzise? Asi isu tinomuraŋgariro waKristu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16