bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 12
1 Corinthians 12
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
1
Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀoMŋeya, hama dzaŋgu, handiɗi kuti muʋe ʋasiŋgaziʋi.
2
Munoziʋa kuti paŋguʋa yamaiʋa ʋahedeni, makaŋga mucikweʋerwa kuɀifananidzo, ɀisiŋgagoni kutaura, seɀamaituŋgamirirwa.
3
Saka ndinokuziʋisai kuti hakunomunhu unotaura noMŋeya waMŋari, uŋgati: Jesu ŋgaatukwe! Ʋuye, hakunomunhu uŋgati: Jesu ndiye Ishe, asi noMŋeya Mutȿene.
4
Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe.
5
Marudzi mazhinji okushumira ari’po, ʋuye Ishe mumŋe.
6
Marudzi mazhinji amaɓasa ari’po, asi Mŋari mumŋe, iye unoɓata ɀose munaʋose.
7
Asi mumŋe nomumŋe unopiwa kuratidzwa kwoMŋeya, kuti ʋose ʋaɓatsirwe.
8
Nokuti mumŋe unopiwa noMŋeya shoko roʋucenjeri, mumŋe shoko rokuziʋa noMŋeya iwoyu;
9
mumŋe, kutenda muMŋeya iwoyu; mumŋe, ɀipo ɀokuporesa muMŋeya iwoyu;
10
mumŋe, kuita maɓasa esimba; mumŋe, kuprofita; mumŋe, kuziʋisisa mŋeya; mumŋe, marudzi endimi; mumŋe kuɗudzira ndimi;
11
asi iɀi ɀose ɀinoitwa noMŋeya iwoyu mumŋe cete, unogoʋera mumŋe nomumŋe seɀaanoɗa.
12
Nokuti somuʋiri uri mumŋe, unemitezo mizhinji, nemitezo yose yomuʋiri, kunyaŋge iri mizhinji, muʋiri ndomumŋe cete; wakaɗaro ʋo Kristu.
13
Nokuti muMŋeya mumŋe isu tose takabapatidzirwa mumuʋiri mumŋe; kana tiri ʋaJuda, kana ʋaGiriki, kana ʋaranda, kana ʋakasunuŋguka; isu tose takanwiswa paMŋeya mumŋe.
14
Nokuti muʋiri hauzi mutezo mumŋe, asi mizhinji.
15
Kana rutsoka rukati: Ɀandisati ndiri ruʋoko, handizi womuʋiri; ko haruzi rwomuʋiri, ɀarwaɗaro here?
16
Nenzeʋe kana ikati: Ɀandisati ndiri ziso, handizi womuʋiri; ko haizi yomuʋiri here?
17
Kana muʋiri wose raiʋa ziso, kunzwa kwaiʋepiko? Kana wose kwaiʋa kunzwa, kunhuwidza kwaiʋepiko?
18
Asi ɀino Mŋari wakaisa mutezo mumŋe nomumŋe pamuʋiri seɀaakaɗa.
19
Kana yose waiʋa mutezo mumŋe, muʋiri waiʋepiko?
20
Asi ɀino kunemitezo mizhinji, asi muʋiri mumŋe.
21
Ziso hariŋgati kuruʋoko: Handikuɗi; kana musoro ʋo kutsoka: Handikuɗiyi imi.
22
Kwete, ɀikuru mitezo iyo yomuʋiri ineŋge isinesimba, ndiyo inoɗikanwa;
23
ne mitezo iyo yomuʋiri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwaɀo; ne mitezo iyo yeɗu isina‐kunaka, ndiyo yoʋa nokunaka kunopfuʋurisa;
24
asi mitezo yeɗu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mŋari wakaɓatanidza muʋiri wose, akakudza nokupfuʋurisa mitezo inoshaiwa kunaka;
25
kuti pamuʋiri parege kuʋa nokupesana; asi kuti mitezo iceŋgetane ɀakaenzana.
26
Kana mutezo mumŋe ucitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamŋe cete nawo; kana mutezo mumŋe ucikudzwa, mitezo yose inofara pamŋe cete nawo.
27
Ɀino, imi muri muʋiri waKristu, nomumŋe nomumŋe mitezo yawo.
28
Mŋari wakaisa ʋamŋe pakereke, pakutaŋga ʋaapostora, rwecipiri ʋaprofita, rwecitatu ʋadzidzisi, teʋere ʋaiti ʋa maɓasa esimba, teʋere ɀipo ɀokuporesa, naʋaɓatsiri, naʋaɓati, namarudzi mazhinji endimi.
29
Ʋose ʋaapostora here? Ʋose ʋaprofita here? Ʋose ʋadzidzisi here? Ʋose ʋaiti ʋa maɓasa esimba here?
30
Ʋose ʋaneɀipo ɀokuporesa here? Ʋose ʋanotaura nendimi here? Ʋose ʋanoɗudzira here?
31
Asi shiŋgairirai ɀipo ɀikuru. Ndinokuratidzai ʋo nzira yakaiȿo‐naka inopfuʋura dzose.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16