bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 6
1 Corinthians 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
1
Ko kana mumŋe wenyu anemhoȿa nomumŋe, uŋgatsuŋga kumukwirira kunaʋasakarurama, akasamukwirira kunaʋatȿene here?
2
Hamuziʋi here kuti ʋatȿene ʋacatoŋga nyika? Ɀino kana nyika icitoŋgwa nemi, ko imi hamufaniri kutoŋga mhoȿa ɗuku‐ɗuku here?
3
Hamuziʋi here kuti ticatoŋga ʋatumŋa? Ɀikuru sei iɀo ɀoʋupenyu bguno!
4
Ɀino kana munemhoȿa dzoʋupenyu bguno dzinofanira kutoŋgwa, munogadza seiko aʋo ʋanoɀidzwa pakereke, kuti iʋo ʋatoŋge?
5
Ndinoɗaro kuti munyadziswe. Ko hakuna‐wakacenjera pakati penyu uŋgagona kutoŋga pakati pehama nehama yake here?
6
Asi hama inokwirira hama, aciɀiita pamberi paʋasiŋgatendi here?
7
Ɀino matoʋa nemhoȿa kwaɀo pakati penyu, ɀamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa ɀisakarurama? Munoregereiko kutenda kuɓirwa?
8
Asi imi munoita ɀisakarurama, munonyeŋgera, muciɀiitira hama.
9
Ko hamuziʋi kuti ʋasakarurama haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari here? Musarashika; nokuti mhombge, kana ʋanonamata ɀifananidzo, kana ʋanofeʋa, kana ʋakapata, kana ʋanoita ɀakaipa naʋarume,
10
kana mbava, kana ʋanoruciʋa, kana ʋanosinwa ɗoro, kana ʋatuki, kana makororo, haʋaŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari.
11
Ʋamŋe ʋenyu ʋakaŋga ʋakaɗaro; asi makashambidzwa, asi makaitwa ʋatȿene, asi makaruramiswa nezita raShe Jesu Kristu, noMŋeya waMŋari weɗu.
12
Ndakatenderwa ɀinhu ɀose; asi ɀinhu ɀose haɀindiɓatsiri. Ndakatenderwa ɀinhu ɀose, asi handiɗi kukundwa necinhu cimŋe.
13
Ɀokudya ndeɀeɗumbu, neɗumbu ndereɀokudya; asi Mŋari ucaparadza iro naiɀo, ɀose. Asi muʋiri hauzi woʋupombge, asi ndowaShe; naShe ndowomuʋiri;
14
Mŋari wakamutsa Ishe, ʋuye ucatimutsa isu nesimba rake.
15
Hamuziʋi kuti miʋiri yenyu mitezo yaKristu here? Ɀino ndobvisa mitezo yaKristu, ndiiite mitezo yemhombge here? Haiȿa!
16
Hamuziʋi kuti wakasoŋganiswa nemhombge waʋa muʋiri mumŋe naye here? Nokuti iye unoti: Aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe.
17
Asi wakasoŋganiswa naShe, waʋa mŋeya mumŋe naye.
18
Tizai ʋupombge. Ɀiʋi ɀose, ɀinoitwa nomunhu, ɀiri kunze kwomuʋiri; asi unoita ʋupombge, unotadzira muʋiri wake.
19
Hamuziʋi here kuti muʋiri wenyu itembere yoMŋeya Mutȿene, uri mukati menyu, wamakapiwa naMŋari? Hamuzi ʋenyu;
20
nokuti makateŋgwa nomuteŋgo; naiɀoɀo kudzai Mŋari mumuʋiri wenyu.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16