bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 4
1 Corinthians 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
1
Munhu upi noupi ŋgaatiraŋgarire saiɀoɀo kuti tiri ʋaranda ʋaKristu, ʋaceŋgeti ʋeɀakaʋanzika ɀaMŋari.
2
Ɀino, paɀinhu iɀi, paʋatariri panotȿakwa, kuti munhu awanikwe akatendeka.
3
Ɀino cinhu ciɗuku‐ɗuku kwandiri, kuti nditoŋgwe nemi, kana nokutoŋga kwomunhu; handiɀitoŋgi ini ndimene.
4
Nokuti handiziʋi mhoȿa yandinayo; asi handiruramiswi naiɀoɀo; asi unonditoŋga ndiye’She.
5
Saka regai kutoŋga cinhu ŋguʋa isati yaȿika, kuȿikira Ishe aʋuya, iye ucaɓuɗisa pacena ɀinhu ɀakaʋanzika ɀerima, nokuratidza mifuŋgo yomŋoyo; ipapo munhu mumŋe nomumŋe ucarumbidzwa naMŋari.
6
Ɀino, hama dzaŋgu, ɀinhu iɀi ndakanyora ndiciɀifananidzira ini naAporo, nokuɗa kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuʋura iɀo ɀakanyorwa, kuti mumŋe arege kuɀikudza. acitsaura mumŋe kunomumŋe.
7
Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Cinyiko caunaco causina‐kupiwa? Ɀino kana wakapiwa, unoɀikudzireiko sousina‐kupiwa?
8
Matoguta, matofuma, maɓata ʋushe kunze kweɗu; ɗai maiɓata ʋushe henyu, kuti isu tiɓate ʋo pamŋe cete nemi.
9
Nokuti ndinoti Mŋari wakatigadza isu ʋaapostora pakupedzisira, sa ʋanhu ʋakatoŋgerwa rufu; nokuti takaitwa cinhu cinoshamisa nyika, naʋatumŋa, naʋanhu.
10
Isu tiri mapenzi nokuɗa kwaKristu, asi imi makacenjera munaKristu; isu tinoshaiwa simba, asi imi munesimba; imi munokudzwa, asi isu tinoɀidzwa.
11
Kuȿikira ŋguʋa ino isu tinenzara, tinenyota, hatina‐catiŋgafuka, tinorobga netsiʋa, hatinenɀimbo kwayo yokugara;
12
tinotambudzika, ticiɓata namaʋoko eɗu; kana ticitukwa, tinoropafadza, kana ticitambudzwa, tinotsuŋga mŋoyo;
13
kana ticipomerwa, tinoʋaraidza; takaitwa setȿina yenyika, marara aʋose kuȿikira ɀino.
14
Handikunyoreriyi ɀinhu iɀi, kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei saʋana ʋangu ʋanoɗikanwa.
15
Nokuti kunyaŋge maiʋa naʋadzidzisi ʋaneɀuru ɀinegumi munaKristu, ha muna‐ madziɓaɓa mazhinji; nokuti munaJesu Kristu ini ndakakuɓerekai neEvaŋgeri.
16
Naiɀoɀo ndinokumbira ɀikuru kwamuri, kuti muʋe ʋateʋeri ʋaŋgu.
17
Nemhaka iyi ndakatuma Timotio kwamuri, mŋana waŋgu unoɗikanwa, wakatendeka munaShe; iye ucakuyeʋudzai mitoʋo yaŋgu iri munaKristu Jesu, seɀandinodzidzisa kwose pakereke dzose.
18
Ɀino ʋamŋe ʋanoɀikudza, ʋaciti ndineŋge handiʋuyi kwamuri.
19
Ndicakurumidza kuʋuya kwamuri, kana Ishe aciɗa; handiŋgaziʋi shoko raiʋaʋo ʋanoɀikudza, asi simba raʋo.
20
Nokuti ʋushe bgaMŋari habguzi pamashoko, asi pasimba.
21
Munotȿakeiko? Ndiʋuye kwamuri neshamhu, kana noruɗo nomŋeya woʋunyoro here?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16