bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 3
1 Corinthians 3
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
1
Ini, hama dzaŋgu, ndakaŋga ndisiŋgagoni kutaura nemi sokunaʋoMŋeya, asi sokunaʋenyama, sokunaʋacece munaKristu.
2
Ndakakupai mukaka munwe, handina‐ kukupai ɀokudya; nokuti makaŋga musiŋgagoni kudya, naɀino hamugoni.
3
Nokuti muciri ʋenyama; nokuti ɀapacinegoɗo pakati penyu, negakaʋa, ko hamuzi ʋenyama, mucifamba nomutoʋo waʋanhu here?
4
Nokuti kana mumŋe aciti: Ini ndiri waPauro; mumŋe: Ini ndiri waAporo; ko hamuzi ʋanhu here?
5
Ɀino Aporo cinyiko? Pauro cinyiko? Ʋashumiri ʋamakatenda naʋo, mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa naShe.
6
Ini ndakasima, Aporo wakaɗiridza; asi Mŋari wakameresa.
7
Naiɀoɀo unosima haazi cinhu, kana unoɗiridza; asi Mŋari unomeresa.
8
Ɀino unosima nounoɗiridza ndaʋamŋe; asi mumŋe nomumŋe ucapiwa muɓairo wake, seɀaakaɓata.
9
Nokuti tiri ʋaɓati pamŋe cete naMŋari; muri munda waMŋari, muri imba yaMŋari.
10
Nenyasha dzaMŋari dzandakapiwa, ndakaroŋga nheyo somuʋaki wakacenjera; mumŋe unoʋaka pamsoro padzo. Ɀino mumŋe nomumŋe ŋgaacenjere kuti unoʋaka sei pamsoro padzo.
11
Nokuti hakunomumŋe uŋgaroŋga dzimŋe nheyo, asi idzo dzakaroŋgwa kare, ndiye Jesu Kristu.
12
Ɀino kana munhu aciʋaka pamsoro penheyo idzi, ndarama, kana sirveri, kana mabge anokosha, kana matanda, kana ʋuswa, kana mashaŋga;
13
ɓasa romumŋe nomumŋe ricaʋonekwa; nokuti zuʋa iro ricaɀiɓuɗisa pacena, nokuti ricaratidzwa nomŋoto; mŋoto ucaidza ɓasa romumŋe nomumŋe kuti rakaɗini.
14
Kana ɓasa romunhu raakaʋaka pamsoro padzo, ricigara, ucapiwa muɓairo.
15
Kana ɓasa romunhu rikapiswa, ucarashikirwa, asi iye amene ucaponeswa, asi sowakaɓuɗa pamŋoto.
16
Ko hamuziʋi kuti muri tembere yaMŋari, ʋuye kuti Mŋeya waMŋari unogara mukati menyu here?
17
Kana munhu acitadzira tembere yaMŋari, Mŋari ucamutadzira ʋo; nokuti tembere yaMŋari itȿene, ndimi iyo.
18
Kurege kuʋa nomunhu unoɀinyeŋgera. Kana munhu aciti ndakacenjera pakati penyu panyika ino, ŋgaaʋe ɓenzi, kuti aʋe wakacenjera.
19
Nokuti ʋucenjeri bgenyika ino ʋupenzi kunaMŋari. Nokuti kwakanyorwa kucinzi: Unoɓata ʋakacenjera pamano aʋo.
20
Ʋuye ɀe: Ishe unoziʋa ndaŋgariro dzaʋakacenjera, kuti hadzinamaturo.
21
Naiɀoɀo ŋgakurege kuʋa nomunhu unoʋimba naʋanhu. Nokuti ɀinhu ɀose ndeɀenyu;
22
kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana ʋupenyu, kana rufu, kana ɀaɀino, kana ɀinoʋuya; ɀose ndeɀenyu;
23
imi muri ʋaKristu; naKristu ndowaMŋari.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16