bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 15
1 Corinthians 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
1
Ɀino, hama dzaŋgu, ndinokuziʋisai Evaŋgeri yandakakuparidzirai, iyo yamakagamucira ʋo, neyamunomira ʋo mairi;
2
iyo yamunoponeswa ʋo nayo, kana muciiɓatisa nomutoʋo wandakaiparidza kwamuri, kana musina‐kutenda pasina.
3
Nokuti pakutaŋga ndakakupai iɀo ɀandakagamucira ʋo, kuti Kristu wakafira ɀiʋi ɀeɗu, seɀakanyorwa paMagwaro;
4
ʋuye kuti wakaʋigwa, akamutswa nezuʋa retatu, seɀakanyorwa paMagwaro;
5
akaɀiratidza kunaKefasi, ipapo kunaʋanegumi naʋaʋiri;
6
ipapo akaɀiratidza kuhama dzinopfuʋura mazana mashanu kamŋe — ʋazhinji ʋaʋo ʋapenyu kuȿikira ɀino, asi ʋamŋe ʋaʋata.
7
Ipapo akaɀiratidza kunaJakobo; ipapo kunaʋaapostora ʋose;
8
pakupedzisira akaɀiratidza kwandiri ʋo, sokunowakaɀarwa ŋguʋa isati yaȿika.
9
Nokuti ini ndiri muɗuku kuʋaapostora ʋose, handifaniri kuti ndinzi muapostora, nokuti ndakatambudza kereke yaMŋari.
10
Asi nenyasha dzaMŋari ndiri munhu wakaɗai ɀino; nenyasha dzake kwandiri hadzina‐kuʋa pasina; asi ndakaɓata ɀikuru kupfuʋura ʋose; handizini, asi inyasha dzaMŋari dzaiʋa neni.
11
Naiɀoɀo, kana ndirini, kana ʋari iʋo, tinoparidza kuɗai, nemi makatenda kuɗai.
12
Ɀino kana Kristu aciparidzwa, kuti wakamutswa kuʋakafa, ʋamŋe pakati penyu ʋanoreʋa seiko, kuti hakuna‐kumuka kwaʋakafa?
13
Ɀino, ɗai pasinakumuka kwaʋakafa, naKristu uŋgaɗai asina‐kumutswa ʋo;
14
ʋuye, ɗai Kristu asina‐kumutswa, kuparidza kweɗu kuŋgaɗai kuciʋa pasina, nokutenda kwenyu kuŋgaɗai kuciʋa pasina ʋo.
15
Nesu taiwanikwa tiri ɀapupu ɀaMŋari ɀenhema; nokuti takapupura kuti Mŋari wakamutsa Kristu, iye waasina‐kumumutsa, kana ɀiri iɀo kuti ʋakafa haʋamutswi.
16
Nokuti kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, naKristu haana‐kumutswa ʋo;
17
kana Kristu asina‐kumutswa, kutenda kwenyu hakunamaturo; muciri muɀiʋi ɀenyu.
18
Ɀino naiʋo ʋakafa munaKristu ʋakarashika ʋo.
19
Kana tinetariro kunaKristu paʋupenyu ubgu ɓedzi, tinonzwisa ʋurombo kukunda ʋanhu ʋose.
20
Asi ɀino Kristu wakamutswa kuʋakafa, akaʋa ciɓereko cokutaŋga caʋaʋata.
21
Nokuti rufu ɀarwakaʋuya nomunhu, kumuka kwaʋakafa kwakaʋuya nomunhu ʋo.
22
Nokuti ʋose seɀaʋanofa munaAdama, saiɀoɀo ʋo ʋose ʋacararamiswa munaKristu.
23
Asi mumŋe nomumŋe padzoro rake: Kristu — ciɓereko cokutaŋga; teʋere, aʋo ʋari ʋaKristu pakuʋuya kwake.
24
Ipapo kuguma kunoȿika, paŋguʋa yaacazopa Mŋari, Ƃaɓa, ʋushe, paŋguʋa yaacaparadza kuɓata kwose, noʋushe bgose, nesimba.
25
Nokuti unofanira kuɓata ʋushe, kuȿikira aisa ʋaʋeŋgi ʋake ʋose pasi petsoka dzake.
26
Muʋeŋgi wokupedzisira, ucaparadzwa, ndirworufu.
27
Nokuti wakaisa ɀinhu ɀose pasi petsoka dzake. Ɀino kana aciti: Ɀose ɀakaiswa pasi pake, ɀinoʋonekwa pacena kuti iye, wakaisa ɀose pasi pake, haaiswi’po.
28
Ɀino kana ɀose ɀaiswa pasi pake, ipapo noMŋanakomana ʋo amene ucaiswa pasi paiye wakaisa ɀose pasi pake, kuti Mŋari aʋe ɀose kunaʋose.
29
Kana ɀisina‐kuɗaro, ko aʋo ʋanobapatidzirwa ʋakafa, ʋacagoita seiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgatoŋgomutswi, ʋakagobapatidzirweiko iʋo ʋakafa?
30
Nesu tiri panjodzi ŋguʋa dzose neiko?
31
Ndinopika, hama dzaŋgu, nokuɀirumbidza kwandinako pamsoro penyu munaKristu Jesu, Ishe weɗu, kuti ndinofa zuʋa rimŋe nerimŋe.
32
Kana ndakarwa neɀikara paEfeso somunhu ɀaindiɓatsireiko? Kana ʋakafa ʋasiŋgamutswi, ŋgatidye, ŋgatinwe, nokuti maŋgwana tinofa.
33
Musanyeŋgerwa; ʋushamŋari bgakaipa bgunoʋodza tsika dzakanaka.
34
Peŋgenukai ɀakarurama, murege kutadza, nokuti ʋamŋe haʋaziʋi Mŋari; ndinotaura iɀi kuti munyadziswe.
35
Asi mumŋe uŋgati: Ʋakafa ʋanogomutswa seiko? Ʋacaʋuya nomuʋiri wakaita sei?
36
Iwe ɓenzi, ico caunodɀara hacimeri, kana cisiŋgafi.
37
Caunodɀara, haudɀari muʋiri ucaʋa’po, asi tsaŋga ɓedzi, kana yamapfunde, kana yeɀimŋe;
38
asi Mŋari unoipa muʋiri paanoɗa napo, nembeu imŋe neimŋe muʋiri wayo.
39
Nyama yose haizi nyama imŋe; asi imŋe ndeyaʋanhu, imŋe inyama yemhuka, imŋe inyama yeshiri, imŋe ndeyehoʋe.
40
Kunemiʋiri yokuɗeŋga, nemiʋiri yenyika; asi kubginya kweyokuɗeŋga ndokumŋe, nokwenyika ndokumŋe.
41
Kubginya kwezuʋa ndokumŋe, nokubginya kwomŋedzi ndokumŋe, nokubginya kwenyeredzi ndokumŋe; nokuti nyeredzi imŋe haifanani neimŋe nyeredzi pakubginya.
42
Ndiɀo ɀakaita ʋo kumuka kwaʋakafa. Muʋiri unodɀarwa pakuʋora; unomutswa pakusaʋora;
43
unodɀarwa pakuɀidzwa, unomutswa pakubginya; unodɀarwa paʋutera, unomutswa pasimba.
44
Unodɀarwa uri muʋiri wokuɓerekwa, unomutswa uri muʋiri womŋeya. Muʋiri wokuɓerekwa uri’po, no muʋiri womŋeya uri’po.
45
Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu.
46
Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya.
47
Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga.
48
Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga.
49
Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo wo munhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga.
50
Ɀino, hama dzaŋgu, ndinoreʋa ndiciti, nyama neropa haɀiŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari; nokuʋora hakuŋgagari nhaka yokusaʋora.
51
Tarirai, ndinokuʋudzai cakaʋanzika: Hatiŋgaʋati tose, asi ticashandurwa tose;
52
pakarepo, nokubgairo kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icarira, ipapo ʋakafa ʋacamutswa nokusaʋora; nesu ticashandurwa;
53
nokuti ici cinoʋora cinofanira kufuka kusaʋora; necici cinofa cinofanira kufuka kusafa.
54
Ɀino kana ici cinoʋora cafuka kusaʋora, necici cinofa cafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa ricaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda.
55
Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?
56
Rumborera rworufu ndiɀo ɀiʋi; nesimba reɀiʋi ndiwo murairo.
57
Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, uyo unotipa kukunda naShe weɗu, Jesu Kristu.
58
Saka, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa, mirai makasimba, murege kuzunuŋguswa, muɓatire Ishe ɀikuru ŋguʋa dzose, muciziʋa kuti kuɓata kwenyu hakuŋgaʋi pasina munaShe.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16