bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 8
1 Corinthians 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
1
Ɀino, pamsoro peɀakaɓayirwa ɀifananidzo, tinoziʋa kuti tose tinako kuziʋa. Kuziʋa kunoʋuyisa kuɀikudza, asi ruɗo runosimbisa.
2
Kana munhu aciti, ndinoziʋa cinhu, ugere kutoŋgoziʋa seɀaakafanira kuziʋa.
3
Asi kana munhu aciɗa Mŋari, iye unozikanwa naye.
4
Ɀino kana kuri kudya ɀinhu ɀakaɓayirwa ɀifananidzo, tinoziʋa kuti cifananidzo hacizi cinhu panyika, ʋuye kuti hakunaMŋari, asi iye mumŋe cete.
5
Nokuti kunyaŋge ʋari’po ʋanonzi ʋamŋari, kana kuɗeŋga kana panyika; seɀaʋari’po ʋamŋari ʋazhinji, namadzishe mazhinji;
6
asi isu tinoŋgoʋa naMŋari mumŋe ɓedzi, ndiʋo Ƃaɓa; ɀinhu ɀose ɀinobva kwaari, nesu tiri’po nokuɗa kwake; ʋuye Ishe mumŋe, Jesu Kristu; ɀinhu ɀose ɀiri’po naye, nesu tiri’po naye.
7
Asi ʋose haʋano‐kuziʋa ikoko; nokuti ʋamŋe, ʋakaroʋera cifananidzo kuȿikira ɀino, ʋanodya ʋaciti ɀakaɓayirwa ɀifananidzo; hana yaʋo ɀaisinesimba, inoshatiswa.
8
Ɀino ɀokudya haɀiŋgatiȿitsi kunaMŋari; nokuti kana tisiŋgadyi, hatiipiswi, kana ticidya, hatinatswi.
9
Asi cenjerai, kuti simba renyu iri rirege kuʋa cigumbuso kunaʋasinesimba.
10
Nokuti kana mumŋe acikuʋona iwe, unako kuziʋa, ugere pakudya mutembere yecifananidzo, ko hana yaiyeye usinesimba haiŋgatsuŋgiswi, kuti adye iɀo ɀakaɓayirwa ɀifananidzo here?
11
Nokuti nokuziʋa kwako uyo usinesimba unoparadzwa, iri hama yakafirwa ʋo naKristu.
12
Ɀino kana mucitadzira hama saiɀoɀo, mucirwadzisa hana yaʋo isinesimba, munotadzira Kristu.
13
Saka kana ɀokudya ɀicigumbusa hama yaŋgu, handiŋgatoŋgodyi nyama nokusiŋgaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yaŋgu.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16