bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 9
1 Corinthians 9
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
1
Handizi wakasunuŋguka here? Handizi muapostora here? Handina‐kuʋona Jesu, Ishe weɗu here? Imi hamuzi ɓasa raŋgu munaShe here?
2
Kana ndisati ndiri muapostora kunaʋamŋe, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀirokwaɀo ndiri muapostora kwamuri haŋgu; nokuti imi muri cisimbiso coʋuapostora bgaŋgu munaShe.
3
Kuɀiɗaʋirira kwaŋgu kunaiʋo ʋanonditoŋga ndikoku:
4
Hatinesimba rokudya nokunwa here?
5
Hatinesimba rokufamba nomukadzi iri hama, saʋamŋe ʋaapostora naʋanuŋuna ʋaShe, naKefasi here?
6
Ko ini ndoga naBarnabasi hatinesimba rokurega kuɓate‐ɓasa here?
7
Ndianiko uŋgandorwa aciɀiripira muɓairo? Ndianiko unorima munda wemizambiriŋga, akasadya ɀiɓereko ɀawo? Ndianiko unofudza ɓoka, akasadya mukaka weɓoka?
8
Iɀi ndinoɀitaura nokutaura kwaʋanhu here? Ko murairo haureʋi saiɀoɀo ʋo here?
9
Nokuti pamurairo waMosesi pakanyorwa, paciti: Usasuŋga muromo wenzombe inopura ɀiyo. Ko Mŋari unehanya nenzombe here?
10
Kana unoreʋa saiɀoɀo nokuɗa kweɗu kwoga here? Ɀirokwaɀo, ɀakanyorwa nokuɗa kweɗu, nokuti unorima unofanira kurima netariro; nounopura, acitarira kuti ucagoʋerwa ʋo.
11
Kana isu takakudɀarirai ɀinhu ɀomŋeya, ciŋgaʋa cinhu cikuru here kana ticiceka ɀinhu ɀenyu ɀenyama?
12
Kana ʋamŋe ʋacipiwa simba pamsoro penyu, ko isu hati piwi iro ɀikuru here? Asi hatina‐kuɀiɓatira nesimba iro; asi tinotambudzika paɀose, kuti tirege kudziʋisa Evaŋgeri yaKristu.
13
Hamuziʋi here kuti ʋanoshumira paɀinhu ɀitȿene, ʋanodya ɀetembere? Ʋuye kuti ʋanoɓate‐ɓasa paartari, ʋanogoʋana neartari here?
14
Saiɀoɀo ʋo Ishe wakaraira kuti ʋanoparidza Evaŋgeri, ʋararame neEvaŋgeri.
15
Asi ini handina‐kuɀiɓatira necimŋe ceɀinhu iɀo. Handinyori iɀi kuti ndiitirwe saiɀoɀo ini; nokuti ɀirinani kuti ndife, pakuti mumŋe akonese ico candinoɀirumbidza naco.
16
Nokuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, handina‐candiŋgaɀirumbidza naco, nokuti ndinoroʋererwa; ndinenhamo, kana ndisiŋgaparidzi Evaŋgeri.
17
Nokuti kana ndiciɀiita ndiciɗa ini, ndinomuɓairo; asi kana ndiciɀiita ndisiŋgaɗi, ndakapiwa haŋgu ʋutariri.
18
Ɀino muɓairo waŋgu ndoweiko? Ndiwo, kuti kana ndiciparidza Evaŋgeri, ndiʋigire ʋanhu Evaŋgeri ʋasiŋgaripi, kuti ndirege kuɀiɓatira pandaigona napo nesimba randinaro reEvaŋgeri.
19
Nokuti kunyaŋge ndakasunuŋguka kunaʋose, ndakaɀiita muranda waʋose, kuti ndiwane ʋazhinji kwaɀo.
20
KuʋaJuda ndakaʋa somuJuda, kuti ndiwane ʋaJuda; kunaʋari pasi pomurairo, ndakaʋa so munhu uri pasi pomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri pasi pomurairo haŋgu, kuti ndiwane ʋari pasi pomurairo;
21
kunaʋasinomurairo, ndakaʋa so munhu usinomurairo, kunyaŋge ndisati ndiri munhu usinomurairo waMŋari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane ʋasinomurairo.
22
Kunaʋasinesimba ndakaʋa usinesimba, kuti ndiwane ʋasinesimba; ndakaʋa ɀose kuʋanhu ʋose, kuti ndiponese ʋamŋe nemitoʋo yose.
23
Ɀinhu ɀose ndinoɀiita nokuɗa kweEvaŋgeri, kuti ndigoʋerwe iyo pamŋe cete naʋamŋe.
24
Hamuziʋi here kuti aʋo ʋanoita nhaŋgemutaŋge, ʋanomhanya ʋose, asi mumŋe cete unopiwa muɓairo? Mhanyai saiɀoɀo, kuti mu u wane.
25
Mumŋe nomumŋe, unoshiŋgaira pakutamba, unoɀidzora paɀose. Ɀino iʋo ʋanoɀiita kuti ʋawane korona inoʋora, asi isu kuti tiwane isiŋgaʋori.
26
Ɀino ini handimhanyi somunhu usiŋgaziʋi; handirwi somunhu unoroʋa mhepo;
27
asi ndinorwadzisa muʋiri waŋgu, ndiciuita muranda; kuti ɀimŋe ini, ndamboparidzira ʋamŋe, ndirege kuʋa wakarashwa ndimene.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16