bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Corinthians 5
1 Corinthians 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
1
Ʋanhu ʋose ʋanoti ʋupombge bguri’po pakati penyu, ʋupombge bgakaɗaro bgusiŋgazikanwi kunyaŋge pakati paʋahedeni, bgokuti mumŋe unogara nomukadzi waɓaɓa ʋake.
2
Munoɀikudza, haɀizaiʋa nani here kana makacema, kuti uyo wakaɓateɓasa iri abviswe pakati penyu?
3
Nokuti ini, ɀirokwaɀo, kunyaŋge ndisi’po nomuʋiri, asi ndiri’po haŋgu nomŋeya, ndatotoŋgesa uyo wakaita cinhu ici, sendineŋge ndiri’po,
4
nemi, makaʋuŋgana pamŋe cete nomŋeya waŋgu nezita raShe Jesu Kristu, nesimba raShe weɗu Jesu,
5
kuti munhu wakaɗai aiswe kunaSatani, nyama iparadzwe, kuti mŋeya uponeswe pazuʋa raShe.
6
Kuɀirumbidza kwenyu hakuna‐kunaka. Ko hamuziʋi kuti mbiriso shoma inoʋirisa ɓundu rose here?
7
Bvisai mbiriso yekare, kuti muʋe ɓundu idɀa, seɀamusina‐kuʋiriswa. Nokuti paseka yeɗu, yakatiɓayirwa, ndiKristu;
8
saka ŋgatiite mutambo, tisiŋgaiti nembiriso yekare, kana nembiriso yokushata nokuipa; asi neciŋgwa cisina‐kuʋiriswa cokururama neɀokwaɗi.
9
Ndakakunyorerai neŋwadi yaŋgu, kuti murege kufambidzana nemhombge;
10
ha nditi nemhombge dzose dzenyika ino, kana ʋanoruciʋa, kana makororo, kana ʋanonamata ɀifananidzo, nokuti kana ɀakaɗaro maifanira kubva panyika.
11
Asi ɀino ndinokunyorerai, kuti murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombge, kana unoruciʋa, kana unonamata ɀifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa ɗoro, kana gororo; musadya nowakaɗai.
12
Nokuti ini ndicatoŋgereiko ʋari kunze? Ko imi hamutoŋgi ʋari pakati penyu here?
13
Asi aʋo ʋari kunze. Mŋari unoʋatoŋga. Bvisai pakati penyu munhu uyo wakaipa.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16